로그인

요한복음 7장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 53절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nokuti wakange asingadi kufamba-famba muJudhiya, nokuti VaJudha vakange vachitsvaka kumuuraya. After these things Jesus walked in Galilee: for he would not walk in Jewry, because the Jews sought to kill him.
2 Zvino mutambo weVaJudha, mutambo wematende wakange waswedera. Now the Jews’ feast of tabernacles was at hand.
3 Naizvozvo vanin'ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita. His brethren therefore said unto him, Depart hence, and go into Judea, that thy disciples also may see the works that thou doest.
4 Nokuti hakuna umwe anoita chinhu muchivande iye amene achitsvakawo kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika. For there is no man that doeth any thing in secret, and he himself seeketh to be known openly. If thou do these things, shew thyself to the world.
5 Nokuti kunyange vanin'ina vake vaiva vasingatendi kwaari. For neither did his brethren believe in him.
6 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa. Then Jesus said unto them, My time is not yet come: but your time is alway ready.
7 Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nokuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa. The world cannot hate you; but me it hateth, because I testify of it, that the works thereof are evil.
8 Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu haisati yazadzisika. Go ye up unto this feast: I go not up yet unto this feast; for my time is not yet full come.
9 Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea. When he had said these words unto them, he abode still in Galilee.
10 Asi vanin'ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande. But when his brethren were gone up, then went he also up unto the feast, not openly, but as it were in secret.
11 Zvino VaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Aripi uya? Then the Jews sought him at the feast, and said, Where is he?
12 Kwakavapo kun'un'una kwakawanda pakati pezvaunga pamusoro pake; vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi anotsausa chaunga. And there was much murmuring among the people concerning him: for some said, He is a good man: others said, Nay; but he deceiveth the people.
13 Kunyange zvakadaro kwakange kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya VaJudha. Howbeit no man spake openly of him for fear of the Jews.
14 Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa. Now about the midst of the feast Jesus went up into the temple, and taught.
15 Zvino VaJudha vakashamisika vachiti: Uyu anoziva sei magwaro asina kudzidza? And the Jews marvelled, saying, How knoweth this man letters, having never learned?
16 Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haisi yangu, asi yake wakandituma. Jesus answered them, and said, My doctrine is not mine, but his that sent me.
17 Kana munhu achida kuita chido chake, achaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvangu. If any man will do his will, he shall know of the doctrine, whether it be of God, or whether I speak of myself.
18 Anozvitaurira zvake, anotsvaka rumbidzo yake pachake; asi anotsvaka rumbidzo yewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari. He that speaketh of himself seeketh his own glory: but he that seeketh his glory that sent him, the same is true, and no unrighteousness is in him.
19 Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu anoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya? Did not Moses give you the law, and yet none of you keepeth the law? Why go ye about to kill me?
20 Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani anotsvaka kukuuraya? The people answered and said, Thou hast a devil: who goeth about to kill thee?
21 Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mese. Jesus answered and said unto them, I have done one work, and ye all marvel.
22 Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu. Moses therefore gave unto you circumcision; (not because it is of Moses, but of the fathers;) and ye on the sabbath day circumcise a man.
23 Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nokuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here? If a man on the sabbath day receive circumcision, that the law of Moses should not be broken; are ye angry at me, because I have made a man every whit whole on the sabbath day?
24 Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama. Judge not according to the appearance, but judge righteous judgment.
25 Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haasiye wavanotsvaka kuuraya here? Then said some of them of Jerusalem, Is not this he, whom they seek to kill?
26 Asi tarira, anotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Kuti vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye? But, lo, he speaketh boldly, and they say nothing unto him. Do the rulers know indeed that this is the very Christ?
27 Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna angaziva kwaanobva. Howbeit we know this man whence he is: but when Christ cometh, no man knoweth whence he is.
28 Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi. Then cried Jesus in the temple as he taught, saying, Ye both know me, and ye know whence I am: and I am not come of myself, but he that sent me is true, whom ye know not.
29 Asi ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma. But I know him: for I am from him, and he hath sent me.
30 Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nokuti awa rake rakange risati rasvika. Then they sought to take him: but no man laid hands on him, because his hour was not yet come.
31 Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, achaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here? And many of the people believed on him, and said, When Christ cometh, will he do more miracles than these which this man hath done?
32 VaFarisi vakanzwa chaunga chichin'un'una zvinhu izvi pamusoro pake; VaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate. The Pharisees heard that the people murmured such things concerning him; and the Pharisees and the chief priests sent officers to take him.
33 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma. Then said Jesus unto them, Yet a little while am I with you, and then I go unto him that sent me.
34 Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya. Ye shall seek me, and shall not find me: and where I am, thither ye cannot come.
35 Naizvozvo VaJudha vakataurirana vachiti: Uyu oda kuendepi kuti isu tisamuwana? Achaenda kune vakapararira veVaGiriki, adzidzise VaGiriki here? Then said the Jews among themselves, Whither will he go, that we shall not find him? will he go unto the dispersed among the Gentiles, and teach the Gentiles?
36 Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerekuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya? What manner of saying is this that he said, Ye shall seek me, and shall not find me: and where I am, thither ye cannot come?
37 Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri anwe. In the last day, that great day of the feast, Jesus stood and cried, saying, If any man thirst, let him come unto me, and drink.
38 Anotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu rake. He that believeth on me, as the scripture hath said, out of his belly shall flow rivers of living water.
39 Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nokuti Mweya Mutsvene wakange asati avapo, nokuti Jesu wakange asati akudzwa. (But this spake he of the Spirit, which they that believe on him should receive: for the Holy Ghost was not yet given; because that Jesus was not yet glorified.)
40 Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita. Many of the people therefore, when they heard this saying, said, Of a truth this is the Prophet.
41 Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu angabva Garirea here? Others said, This is the Christ. But some said, Shall Christ come out of Galilee?
42 Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu achabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBhetirehemu paiva naDhavhidhi? Hath not the scripture said, That Christ cometh of the seed of David, and out of the town of Bethlehem, where David was?
43 Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake. So there was a division among the people because of him.
44 Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari. And some of them would have taken him; but no man laid hands on him.
45 Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru neVaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa? Then came the officers to the chief priests and Pharisees; and they said unto them, Why have ye not brought him?
46 Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu. The officers answered, Never man spake like this man.
47 Zvino VaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi? Then answered them the Pharisees, Are ye also deceived?
48 Aripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuVaFarisi? Have any of the rulers or of the Pharisees believed on him?
49 Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa. But this people who knoweth not the law are cursed.
50 Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari: Nicodemus saith unto them, (he that came to Jesus by night, being one of them,)
51 Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita? Doth our law judge any man, before it hear him, and know what he doeth?
52 Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea. They answered and said unto him, Art thou also of Galilee? Search, and look: for out of Galilee ariseth no prophet.
53 Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake. And every man went unto his own house.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL