요한복음 6장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 71절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Shure kwezvinhu izvi Jesu wakabva akaenda mhiri kwegungwa reGarirea, rinova reTibheriasi. | After these things Jesus went over the sea of Galilee, which is the sea of Tiberias. |
| 2 | Zvino chaunga chikuru chikamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvake zvaaiita kune avo vairwara. | And a great multitude followed him, because they saw his miracles which he did on them that were diseased. |
| 3 | Jesu ndokukwira mugomo, akagarapo nevadzidzi vake. | And Jesus went up into a mountain, and there he sat with his disciples. |
| 4 | Zvino pasika, mutambo weVaJudha, wakange waswedera. | And the passover, a feast of the Jews, was nigh. |
| 5 | Zvino Jesu paakasimudza meso, ndokuona kuti chaunga chikuru chinouya kwaari, akati kuna Firipi: Tichatengepi zvingwa, kuti ava vadye? | When Jesus then lifted up his eyes, and saw a great company come unto him, he saith unto Philip, Whence shall we buy bread, that these may eat? |
| 6 | Wakareva izvozvo achimuedza, nokuti iye waiziva zvaaizoita. | And this he said to prove him: for he himself knew what he would do. |
| 7 | Firipi akamupindura achiti: Zvingwa zvemadhenario* mazana maviri hazvivakwani, kuti umwe neumwe wavo atore chidiki. | Philip answered him, Two hundred pennyworth of bread is not sufficient for them, that every one of them may take a little. |
| 8 | Umwe wevadzidzi vake, Andiriya munin'ina waSimoni Petro, akati kwaari: | One of his disciples, Andrew, Simon Peter’s brother, saith unto him, |
| 9 | Pane kamukomana pano kane zvingwa zvishanu zvebhari* nehove diki mbiri; asi zvii kuvazhinji vakadai? | There is a lad here, which hath five barley loaves, and two small fishes: but what are they among so many? |
| 10 | Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakange kune uswa uzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muuwandu vachinge zvuru zvishanu. | And Jesus said, Make the men sit down. Now there was much grass in the place. So the men sat down, in number about five thousand. |
| 11 | Zvino Jesu wakatora zvingwa, avonga akagovera kuvadzidzi, vadzidzi vakagovera avo vakange vagere pasi; saizvozvowo zvehove diki zvakawanda sezvavaida. | And Jesus took the loaves; and when he had given thanks, he distributed to the disciples, and the disciples to them that were set down; and likewise of the fishes as much as they would. |
| 12 | Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake: Unganidzai zvimedu zvasara, kuti kurege kurasika chinhu. | When they were filled, he said unto his disciples, Gather up the fragments that remain, that nothing be lost. |
| 13 | Naizvozvo vakaunganidza, vakazadza matengu gumi nemaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakasara kune avo vakadya. | Therefore they gathered them together, and filled twelve baskets with the fragments of the five barley loaves, which remained over and above unto them that had eaten. |
| 14 | Kuzoti vanhu avo vaona chiratidzo Jesu chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita achauya panyika. | Then those men, when they had seen the miracle that Jesus did, said, This is of a truth that prophet that should come into the world. |
| 15 | Naizvozvo Jesu aziva kuti voda kuuya nekumubata nesimba, kumuita mambo, akasuduruka akaendazve mugomo ari ega. | When Jesus therefore perceived that they would come and take him by force, to make him a king, he departed again into a mountain himself alone. |
| 16 | Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa, | And when even was now come, his disciples went down unto the sea, |
| 17 | zvino vapinda muchikepe, vakayambuka gungwa kuuya kuKapenaume. Zvino kwakange kwatosviba, asi Jesu wakange asati asvika kwavari. | And entered into a ship, and went over the sea toward Capernaum. And it was now dark, and Jesus was not come to them. |
| 18 | Gungwa ndokumuka nokuti mhepo huru yaivhuvhuta. | And the sea arose by reason of a great wind that blew. |
| 19 | Zvino vakati vakwasva masitadhiya* anenge makumi maviri nemashanu kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pachikepe; zvino vakatya. | So when they had rowed about five and twenty or thirty furlongs, they see Jesus walking on the sea, and drawing nigh unto the ship: and they were afraid. |
| 20 | Asi wakati kwavari: Ndini, musatya. | But he saith unto them, It is I; be not afraid. |
| 21 | Zvino vakada kumugamuchira muchikepe; pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavakange vachienda. | Then they willingly received him into the ship: and immediately the ship was at the land whither they went. |
| 22 | Chifume chaunga chakange chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, chichiona kuti pakange pasina rimwe igwa ipapo kunze kweriri rimwe makange mapinda vadzidzi vake mariri, uye kuti Jesu haana kupinda nevadzidzi vake mugwa, asi vadzidzi vake vakange vaenda vega, | The day following, when the people which stood on the other side of the sea saw that there was none other boat there, save that one whereinto his disciples were entered, and that Jesus went not with his disciples into the boat, but that his disciples were gone away alone; |
| 23 | (asi kwakasvika mamwe magwa aibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakadya chingwa, Ishe avonga); | (Howbeit there came other boats from Tiberias nigh unto the place where they did eat bread, after that the Lord had given thanks:) |
| 24 | naizvozvo chaunga chakati chaona kuti Jesu wakange asipo kana vadzidzi vake, ivo vakapindawo mumagwa, vakasvika kuKapenaume, vachitsvaka Jesu. | When the people therefore saw that Jesus was not there, neither his disciples, they also took shipping, and came to Capernaum, seeking for Jesus. |
| 25 | Zvino vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi*, masvika pano rinhi? | And when they had found him on the other side of the sea, they said unto him, Rabbi, when camest thou hither? |
| 26 | Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Munonditsvaka, kwete nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvezvingwa mukaguta. | Jesus answered them and said, Verily, verily, I say unto you, Ye seek me, not because ye saw the miracles, but because ye did eat of the loaves, and were filled. |
| 27 | Musashandira kudya kunoparara, asi kudya kunogara kusvika kuupenyu husingaperi, Mwanakomana wemunhu kwaachakupai; nokuti Mwari Baba vakaisa pane uyu mucherechedzo. | Labour not for the meat which perisheth, but for that meat which endureth unto everlasting life, which the Son of man shall give unto you: for him hath God the Father sealed. |
| 28 | Naizvozvo vakati kwaari: Tichaitei, kuti tishande mabasa aMwari? | Then said they unto him, What shall we do, that we might work the works of God? |
| 29 | Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kune waakatuma iye. | Jesus answered and said unto them, This is the work of God, that ye believe on him whom he hath sent. |
| 30 | Naizvozvo vakati kwaari: Ko imwi munoita chiratidzo chipi kuti tione tikutendei? Munoshandei? | They said therefore unto him, What sign shewest thou then, that we may see, and believe thee? what dost thou work? |
| 31 | Madzibaba edu akadya mana* murenje, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye. | Our fathers did eat manna in the desert; as it is written, He gave them bread from heaven to eat. |
| 32 | Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga; asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. | Then Jesus said unto them, Verily, verily, I say unto you, Moses gave you not that bread from heaven; but my Father giveth you the true bread from heaven. |
| 33 | Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga achipa upenyu kunyika. | For the bread of God is he which cometh down from heaven, and giveth life unto the world. |
| 34 | Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi nguva dzese. | Then said they unto him, Lord, evermore give us this bread. |
| 35 | Jesu ndokuti kwavari: Ndini chingwa cheupenyu; uyo anouya kwandiri, haangatongovi nenzara; neanotenda kwandiri haangatongovi nenyota. | And Jesus said unto them, I am the bread of life: he that cometh to me shall never hunger; and he that believeth on me shall never thirst. |
| 36 | Asi ndakati kwamuri: Nemwi makandiona, asi hamuna kutenda. | But I said unto you, That ye also have seen me, and believe not. |
| 37 | Wese Baba wavanondipa achauya kwandiri; neanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze. | All that the Father giveth me shall come to me; and him that cometh to me I will in no wise cast out. |
| 38 | Nokuti ndakaburuka kudenga, kwete kuti ndiite chido changu, asi chido chaiye wakandituma. | For I came down from heaven, not to do mine own will, but the will of him that sent me. |
| 39 | Zvino ichi ndicho chido chaBaba vakandituma, kuti chese chavakandipa, ndisarasikirwa nechinhu pachiri, asi ndichimutse nezuva rekupedzisira. | And this is the Father’s will which hath sent me, that of all which he hath given me I should lose nothing, but should raise it up again at the last day. |
| 40 | Uye ichi ndicho chido chewakandituma, kuti wese anoona Mwanakomana uye achitenda kwaari, ave neupenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. | And this is the will of him that sent me, that every one which seeth the Son, and believeth on him, may have everlasting life: and I will raise him up at the last day. |
| 41 | Zvino VaJudha vakagunun'una pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga. | The Jews then murmured at him, because he said, I am the bread which came down from heaven. |
| 42 | Ndokuti: Uyu haasi Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva isu here? Zvino iye anogoti sei: Ndakaburuka kubva kudenga? | And they said, Is not this Jesus, the son of Joseph, whose father and mother we know? how is it then that he saith, I came down from heaven? |
| 43 | Naizvozvo Jesu akapindura akati kwavari: Musagunun'una pakati penyu. | Jesus therefore answered and said unto them, Murmur not among yourselves. |
| 44 | Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti Baba vakandituma vamukweva, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. | No man can come to me, except the Father which hath sent me draw him: and I will raise him up at the last day. |
| 45 | Zvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Uye vachadzidziswa vese naMwari. Wese naizvozvo wakanzwa naBaba akadzidza, anouya kwandiri. | It is written in the prophets, And they shall be all taught of God. Every man therefore that hath heard, and hath learned of the Father, cometh unto me. |
| 46 | Kwete kuti kune wakaona Baba, kunze kweuyu anobva kuna Mwari, uyu wakaona Baba. | Not that any man hath seen the Father, save he which is of God, he hath seen the Father. |
| 47 | Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, ane upenyu husingaperi. | Verily, verily, I say unto you, He that believeth on me hath everlasting life. |
| 48 | Ini ndiri chingwa cheupenyu. | I am that bread of life. |
| 49 | Madzibaba enyu akadya mana* murenje, asi akafa. | Your fathers did eat manna in the wilderness, and are dead. |
| 50 | Ichi chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu adye pachiri agorega kufa. | This is the bread which cometh down from heaven, that a man may eat thereof, and not die. |
| 51 | Ini ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya zvechingwa ichi, achararama nekusingaperi. Uye chingwa ini chandichapa, inyama yangu, ini yandichapira upenyu hwenyika. | I am the living bread which came down from heaven: if any man eat of this bread, he shall live for ever: and the bread that I will give is my flesh, which I will give for the life of the world. |
| 52 | Naizvozvo VaJudha vakakakavadzana vachiti: Uyu anogona kutipa sei nyama yake tidye? | The Jews therefore strove among themselves, saying, How can this man give us his flesh to eat? |
| 53 | Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti mudye nyama yeMwanakomana wemunhu nekunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. | Then Jesus said unto them, Verily, verily, I say unto you, Except ye eat the flesh of the Son of man, and drink his blood, ye have no life in you. |
| 54 | Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. | Whoso eateth my flesh, and drinketh my blood, hath eternal life; and I will raise him up at the last day. |
| 55 | Nokuti nyama yangu kudya zvirokwazvo, neropa rangu chinwiwa zvirokwazvo. | For my flesh is meat indeed, and my blood is drink indeed. |
| 56 | Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari. | He that eateth my flesh, and drinketh my blood, dwelleth in me, and I in him. |
| 57 | Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; naizvozvo anondidya, naiye achararama neni. | As the living Father hath sent me, and I live by the Father: so he that eateth me, even he shall live by me. |
| 58 | Ichi chingwa chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita semadzibaba enyu akadya mana* akafa; anodya chingwa ichi, achararama nekusingaperi. | This is that bread which came down from heaven: not as your fathers did eat manna, and are dead: he that eateth of this bread shall live for ever. |
| 59 | Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge achidzidzisa paKapenaume. | These things said he in the synagogue, as he taught in Capernaum. |
| 60 | Naizvozvo vazhinji vevadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndiani anogona kurinzwa? | Many therefore of his disciples, when they had heard this, said, This is an hard saying; who can hear it? |
| 61 | Asi Jesu aziva mukati make kuti vadzidzi vake vanogunun'una neizvi, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi? | When Jesus knew in himself that his disciples murmured at it, he said unto them, Doth this offend you? |
| 62 | Ko muchagodini kana muchiona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga? | What and if ye shall see the Son of man ascend up where he was before? |
| 63 | Mweya ndiye anoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko ini andinotaura kwamuri, mweya uye upenyu. | It is the spirit that quickeneth; the flesh profiteth nothing: the words that I speak unto you, they are spirit, and they are life. |
| 64 | Asi variko vamwe venyu vasingatendi. Nokuti Jesu wakange achiziva kubva pakutanga, kuti ndivana ani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa. | But there are some of you that believe not. For Jesus knew from the beginning who they were that believed not, and who should betray him. |
| 65 | Akati: Nekuda kwaizvozvi ndati kwamuri: Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti azvipiwa naBaba vangu. | And he said, Therefore said I unto you, that no man can come unto me, except it were given unto him of my Father. |
| 66 | Kubva ipapo vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye. | From that time many of his disciples went back, and walked no more with him. |
| 67 | Naizvozvo Jesu wakati kune vanegumi nevaviri: Imwiwo hamudi kuenda here? | Then said Jesus unto the twelve, Will ye also go away? |
| 68 | Zvino Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichaenda kuna ani? Imwi mune mashoko eupenyu husingaperi, | Then Simon Peter answered him, Lord, to whom shall we go? thou hast the words of eternal life. |
| 69 | uye isu tinotenda, uye tinoziva kuti ndimwi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu. | And we believe and are sure that thou art that Christ, the Son of the living God. |
| 70 | Jesu akavapindura akati: Ini handina kukusanangurai imwi vanegumi nevaviri here, asi umwe wenyu ndidhiabhorosi? | Jesus answered them, Have not I chosen you twelve, and one of you is a devil? |
| 71 | Waireva Judhasi Isikariyoti waSimoni; nokuti ndiye waizomutengesa, ari umwe wevanegumi nevaviri. | He spake of Judas Iscariot the son of Simon: for he it was that should betray him, being one of the twelve. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL