로그인

요한복음 8장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 59절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi. Jesus went unto the mount of Olives.
2 Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vese ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa. And early in the morning he came again into the temple, and all the people came unto him; and he sat down, and taught them.
3 Zvino vanyori neVaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati, And the scribes and Pharisees brought unto him a woman taken in adultery; and when they had set her in the midst,
4 vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo; They say unto him, Master, this woman was taken in adultery, in the very act.
5 zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini? Now Moses in the law commanded us, that such should be stoned: but what sayest thou?
6 Asi izvozvi vakareva vachimuedza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemunwe, seasina kuvanzwa. This they said, tempting him, that they might have to accuse him. But Jesus stooped down, and with his finger wrote on the ground, as though he heard them not.
7 Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari. So when they continued asking him, he lifted up himself, and said unto them, He that is without sin among you, let him first cast a stone at her.
8 Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi. And again he stooped down, and wrote on the ground.
9 Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana yavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvikira kune vekupedzisira; Jesu akasara ari ega, nemukadzi amire pakati. And they which heard it, being convicted by their own conscience, went out one by one, beginning at the eldest, even unto the last: and Jesus was left alone, and the woman standing in the midst.
10 Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here? When Jesus had lifted up himself, and saw none but the woman, he said unto her, Woman, where are those thine accusers? hath no man condemned thee?
11 Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve. She said, No man, Lord. And Jesus said unto her, Neither do I condemn thee: go, and sin no more.
12 Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza cheupenyu. Then spake Jesus again unto them, saying, I am the light of the world: he that followeth me shall not walk in darkness, but shall have the light of life.
13 Naizvozvo VaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi. The Pharisees therefore said unto him, Thou bearest record of thyself; thy record is not true.
14 Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda. Jesus answered and said unto them, Though I bear record of myself, yet my record is true: for I know whence I came, and whither I go; but ye cannot tell whence I come, and whither I go.
15 Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu. Ye judge after the flesh; I judge no man.
16 Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nokuti handisi ndega, asi ini naBaba vakandituma. And yet if I judge, my judgment is true: for I am not alone, but I and the Father that sent me.
17 Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi. It is also written in your law, that the testimony of two men is true.
18 Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu. I am one that bear witness of myself, and the Father that sent me beareth witness of me.
19 Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo. Then said they unto him, Where is thy Father? Jesus answered, Ye neither know me, nor my Father: if ye had known me, ye should have known my Father also.
20 Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nokuti awa rake rakange risati rasvika. These words spake Jesus in the treasury, as he taught in the temple: and no man laid hands on him; for his hour was not yet come.
21 Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo. Then said Jesus again unto them, I go my way, and ye shall seek me, and shall die in your sins: whither I go, ye cannot come.
22 Naizvozvo VaJudha vakati: Achazviuraya kanhi? Nokuti anoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuyapo? Then said the Jews, Will he kill himself? because he saith, Whither I go, ye cannot come.
23 Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino. And he said unto them, Ye are from beneath; I am from above: ye are of this world; I am not of this world.
24 Naizvozvo ndareva kwamuri kuti muchafira muzvivi zvenyu; nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu. I said therefore unto you, that ye shall die in your sins: for if ye believe not that I am he, ye shall die in your sins.
25 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga. Then said they unto him, Who art thou? And Jesus saith unto them, Even the same that I said unto you from the beginning.
26 Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika. I have many things to say and to judge of you: but he that sent me is true; and I speak to the world those things which I have heard of him.
27 Havana kunzwisisa kuti anotaura kwavari zvaBaba. They understood not that he spake to them of the Father.
28 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi Baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi. Then said Jesus unto them, When ye have lifted up the Son of man, then shall ye know that I am he, and that I do nothing of myself; but as my Father hath taught me, I speak these things.
29 Zvino iye wakandituma aneni; Baba havana kundisiya ndega, nokuti ini ndinoita nguva dzese zvinovafadza. And he that sent me is with me: the Father hath not left me alone; for I do always those things that please him.
30 Achiri kutaura izvi vazhinji vakatenda kwaari. As he spake these words, many believed on him.
31 Naizvozvo Jesu wakati kuVaJudha vakatenda kwaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo; Then said Jesus to those Jews which believed on him, If ye continue in my word, then are ye my disciples indeed;
32 uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai. And ye shall know the truth, and the truth shall make you free.
33 Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahama, uye hatina kutongova varanda vemunhu; iwe unoreva sei kuti: Muchava vakasunungurwa? They answered him, We be Abraham’s seed, and were never in bondage to any man: how sayest thou, Ye shall be made free?
34 Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani anoita chivi muranda wechivi. Jesus answered them, Verily, verily, I say unto you, Whosoever committeth sin is the servant of sin.
35 Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana anogara nekusingaperi. And the servant abideth not in the house for ever: but the Son abideth ever.
36 Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo. If the Son therefore shall make you free, ye shall be free indeed.
37 Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahama; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri. I know that ye are Abraham’s seed; but ye seek to kill me, because my word hath no place in you.
38 Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu. I speak that which I have seen with my Father: and ye do that which ye have seen with your father.
39 Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahama. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahama, maiita mabasa aAbhurahama. They answered and said unto him, Abraham is our father. Jesus saith unto them, If ye were Abraham’s children, ye would do the works of Abraham.
40 Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahama haana kuzviita. But now ye seek to kill me, a man that hath told you the truth, which I have heard of God: this did not Abraham.
41 Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari. Ye do the deeds of your father. Then said they to him, We be not born of fornication; we have one Father, even God.
42 Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nokuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma. Jesus said unto them, If God were your Father, ye would love me: for I proceeded forth and came from God; neither came I of myself, but he sent me.
43 Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu. Why do ye not understand my speech? even because ye cannot hear my word.
44 Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye wakange ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, anotaura pachake; nokuti mutauri wenhema uye baba vadzo. Ye are of your father the devil, and the lusts of your father ye will do. He was a murderer from the beginning, and abode not in the truth, because there is no truth in him. When he speaketh a lie, he speaketh of his own: for he is a liar, and the father of it.
45 Asi nokuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi. And because I tell you the truth, ye believe me not.
46 Ndiani kwamuri angandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda? Which of you convinceth me of sin? And if I say the truth, why do ye not believe me?
47 Uyo anobva kuna Mwari anonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nokuti hamubvi kuna Mwari. He that is of God heareth God’s words: ye therefore hear them not, because ye are not of God.
48 Naizvozvo VaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, uye une dhimoni? Then answered the Jews, and said unto him, Say we not well that thou art a Samaritan, and hast a devil?
49 Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza. Jesus answered, I have not a devil; but I honour my Father, and ye do dishonour me.
50 Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; ariko anotsvaka nekutonga. And I seek not mine own glory: there is one that seeketh and judgeth.
51 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi. Verily, verily, I say unto you, If a man keep my saying, he shall never see death.
52 Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahama wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi. Then said the Jews unto him, Now we know that thou hast a devil. Abraham is dead, and the prophets; and thou sayest, If a man keep my saying, he shall never taste of death.
53 Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama, vakafa? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani? Art thou greater than our father Abraham, which is dead? and the prophets are dead: whom makest thou thyself?
54 Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu. Jesus answered, If I honour myself, my honour is nothing: it is my Father that honoureth me; of whom ye say, that he is your God:
55 Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo. Yet ye have not known him; but I know him: and if I should say, I know him not, I shall be a liar like unto you: but I know him, and keep his saying.
56 Baba venyu Abhurahama vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera. Your father Abraham rejoiced to see my day: and he saw it, and was glad.
57 Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahama here? Then said the Jews unto him, Thou art not yet fifty years old, and hast thou seen Abraham?
58 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahama asati avapo, ini ndiripo. Jesus said unto them, Verily, verily, I say unto you, Before Abraham was, I am.
59 Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo. Then took they up stones to cast at him: but Jesus hid himself, and went out of the temple, going through the midst of them, and so passed by.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL