요한복음 5장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 47절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Shure kwezvinhu izvi kwakava nemutambo weVaJudha; Jesu ndokukwira kuJerusarema. | After this there was a feast of the Jews; and Jesus went up to Jerusalem. |
| 2 | Zvino paJerusarema pedo nesuwo regwai pane dziva rinonzi Bhetisaidha nechiHebheru, rine maberere mashanu. | Now there is at Jerusalem by the sheep market a pool, which is called in the Hebrew tongue Bethesda, having five porches. |
| 3 | Mukati mawo makange murere chaunga chikuru chevarwere, chemapofu, chezvirema, chevakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura. | In these lay a great multitude of impotent folk, of blind, halt, withered, waiting for the moving of the water. |
| 4 | Nokuti mutumwa waiburukira pane imwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; koti anotanga kupinda shure kwekubvongodzwa kwemvura, waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaainge akabatwa nacho. | For an angel went down at a certain season into the pool, and troubled the water: whosoever then first after the troubling of the water stepped in was made whole of whatsoever disease he had. |
| 5 | Zvino kwaivapo umwe munhu waiva nemakore makumi matatu nemasere ane chifo. | And a certain man was there, which had an infirmity thirty and eight years. |
| 6 | Jesu wakati amuona arere, achiziva kuti ikozvino wakange ava nenguva refu, akati kwaari: Unoda kuporeswa here? | When Jesus saw him lie, and knew that he had been now a long time in that case, he saith unto him, Wilt thou be made whole? |
| 7 | Murwere akamupindura akati: Ishe, handina munhu anondikanda mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi kana ini ndichiuya, umwe anoburukira mberi kwangu. | The impotent man answered him, Sir, I have no man, when the water is troubled, to put me into the pool: but while I am coming, another steppeth down before me. |
| 8 | Jesu akati kwaari: Simuka, simudza nhovo yako, ufambe. | Jesus saith unto him, Rise, take up thy bed, and walk. |
| 9 | Zvino pakarepo munhu uyu akaporeswa, ndokusimudza nhovo yake akafamba. Zvino raiva sabata nemusi iwoyo. | And immediately the man was made whole, and took up his bed, and walked: and on the same day was the sabbath. |
| 10 | Naizvozvo VaJudha vakati kune wakaporeswa: Isabata; hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo. | The Jews therefore said unto him that was cured, It is the sabbath day: it is not lawful for thee to carry thy bed. |
| 11 | Akavapindura akati: Uyo wandiporesa, ndiye wati kwandiri: Simudza nhovo yako ufambe. | He answered them, He that made me whole, the same said unto me, Take up thy bed, and walk. |
| 12 | Saka vakamubvunza vachiti: Ndiani munhu uyo wati kwauri: Simudza nhovo yako ufambe? | Then asked they him, What man is that which said unto thee, Take up thy bed, and walk? |
| 13 | Zvino wakange aporeswa wakange asingazivi kuti ndiani; nokuti Jesu wakange asvova, zvakwaiva nechaunga panzvimbo iyo. | And he that was healed wist not who it was: for Jesus had conveyed himself away, a multitude being in that place. |
| 14 | Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira waporeswa; usatadzazve, zvimwe chimwe chakanyanya kuipa chingaitika kwauri. | Afterward Jesus findeth him in the temple, and said unto him, Behold, thou art made whole: sin no more, lest a worse thing come unto thee. |
| 15 | Munhu akabva, akaudza VaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa. | The man departed, and told the Jews that it was Jesus, which had made him whole. |
| 16 | Zvino nekuda kweizvozvo VaJudha vakashusha Jesu, ndokutsvaka kumuuraya, nokuti wakaita zvinhu izvi nesabata. | And therefore did the Jews persecute Jesus, and sought to slay him, because he had done these things on the sabbath day. |
| 17 | Asi Jesu wakavapindura akati: Baba vangu vanoshanda kusvikira ikozvino, neni ndinoshanda. | But Jesus answered them, My Father worketh hitherto, and I work. |
| 18 | Naizvozvo nekuda kweizvi VaJudha vakanyanya kutsvaka kumuuraya, nokuti wakange asingadariki sabata chete, asi wakatiwo Mwari ndiBaba vake vomene, achizvienzanisa naMwari. | Therefore the Jews sought the more to kill him, because he not only had broken the sabbath, but said also that God was his Father, making himself equal with God. |
| 19 | Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita pachake, kunze kwezvaanoona Baba vachichiita; nokuti chero icho chavanoita, ndizvowo saizvozvo Mwanakomanawo zvaanoita. | Then answered Jesus and said unto them, Verily, verily, I say unto you, The Son can do nothing of himself, but what he seeth the Father do: for what things soever he doeth, these also doeth the Son likewise. |
| 20 | Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, uye vanomuratidza zvinhu zvese zvavanoita ivo; vachamuratidzawo mabasa makuru anopfuura awa, kuti imwi mushamisike. | For the Father loveth the Son, and sheweth him all things that himself doeth: and he will shew him greater works than these, that ye may marvel. |
| 21 | Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda. | For as the Father raiseth up the dead, and quickeneth them; even so the Son quickeneth whom he will. |
| 22 | Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwese; | For the Father judgeth no man, but hath committed all judgment unto the Son: |
| 23 | kuti vese vakudze Mwanakomana sezvavanokudza Baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma. | That all men should honour the Son, even as they honour the Father. He that honoureth not the Son honoureth not the Father which hath sent him. |
| 24 | Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anonzwa shoko rangu, nekutenda kune wakandituma, ane upenyu husingaperi; uye haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuura kubva murufu akaenda muupenyu. | Verily, verily, I say unto you, He that heareth my word, and believeth on him that sent me, hath everlasting life, and shall not come into condemnation; but is passed from death unto life. |
| 25 | Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Awa rinouya, nazvino ravapo, apo vakafa vachanzwa inzwi reMwanakomana waMwari, uye vanonzwa vachararama. | Verily, verily, I say unto you, The hour is coming, and now is, when the dead shall hear the voice of the Son of God: and they that hear shall live. |
| 26 | Nokuti Baba sezvavane upenyu mavari pachavo, saizvozvo vakapa kuMwanakomanawo kuti ave neupenyu maari pachake; | For as the Father hath life in himself; so hath he given to the Son to have life in himself; |
| 27 | uye vakamupa simba rekutongawo, nokuti Mwanakomana wemunhu. | And hath given him authority to execute judgment also, because he is the Son of man. |
| 28 | Musashamisika nezvizvi; nokuti awa rinouya, apo vese vari mumakuva vachanzwa inzwi rake, | Marvel not at this: for the hour is coming, in the which all that are in the graves shall hear his voice, |
| 29 | zvino vachabuda, avo vakaita zvakanaka, mukumuka kweupenyu; neavo vakaita zvakaipa, mukumuka kwekupiwa mhosva. | And shall come forth; they that have done good, unto the resurrection of life; and they that have done evil, unto the resurrection of damnation. |
| 30 | Ini handigoni kuita chinhu pachangu; sekunzwa kwangu, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki chido changu, asi chido chaBaba vakandituma. | I can of mine own self do nothing: as I hear, I judge: and my judgment is just; because I seek not mine own will, but the will of the Father which hath sent me. |
| 31 | Kana ini ndichipupura nezvangu, uchapupu hwangu hahusi hwechokwadi. | If I bear witness of myself, my witness is not true. |
| 32 | Aripo umwe anopupura nezvangu; uye ndinoziva kuti uchapupu hwaanopupura nezvangu ndehwechokwadi. | There is another that beareth witness of me; and I know that the witness which he witnesseth of me is true. |
| 33 | Imwi makatumira kuna Johwani, uye akapupurira chokwadi. | Ye sent unto John, and he bare witness unto the truth. |
| 34 | Asi ini handigamuchiri uchapupu hunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti imwi muponeswe. | But I receive not testimony from man: but these things I say, that ye might be saved. |
| 35 | Iye wakange ari mwenje unopfuta neunovhenekera, nemwi makange muchishuva kufara kwazvo kwechinguvana muchiedza chake. | He was a burning and a shining light: and ye were willing for a season to rejoice in his light. |
| 36 | Asi ini ndine uchapupu ukuru kune hwaJohwani; nokuti mabasa Baba avakandipa kuti ndimapedze, mabasa pachawo ini andinoita, anopupura nezvangu kuti Baba vakandituma. | But I have greater witness than that of John: for the works which the Father hath given me to finish, the same works that I do, bear witness of me, that the Father hath sent me. |
| 37 | NaBaba vakandituma, ivo vakapupura nezvangu. Hamuna chero nguva kunzwa inzwi rake, kana kuona chimiro chake. | And the Father himself, which hath sent me, hath borne witness of me. Ye have neither heard his voice at any time, nor seen his shape. |
| 38 | Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nokuti iye waakatuma, uyu imwi hamuna kumutenda. | And ye have not his word abiding in you: for whom he hath sent, him ye believe not. |
| 39 | Nzverai magwaro, nokuti imwi munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari, uye ndiwo anopupura nezvangu. | Search the scriptures; for in them ye think ye have eternal life: and they are they which testify of me. |
| 40 | Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve neupenyu. | And ye will not come to me, that ye might have life. |
| 41 | Handigamuchiri rukudzo kuvanhu; | I receive not honour from men. |
| 42 | asi ndinokuzivai imwi, kuti hamuna rudo rwaMwari mamuri. | But I know you, that ye have not the love of God in you. |
| 43 | Ini ndauya muzita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana umwe akauya muzita rake pachake, muchamugamuchira iye. | I am come in my Father’s name, and ye receive me not: if another shall come in his own name, him ye will receive. |
| 44 | Munogona kutenda sei imwi munogamuchira rukudzo umwe kune umwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kuna Mwari ega? | How can ye believe, which receive honour one of another, and seek not the honour that cometh from God only? |
| 45 | Musafunga kuti ini ndichakupai mhosva kuna Baba; ariko anokupai mhosva, ndiye Mozisi wamunovimba naye imwi. | Do not think that I will accuse you to the Father: there is one that accuseth you, even Moses, in whom ye trust. |
| 46 | Nokuti dai maitenda Mozisi, maitenda ini; nokuti iye wakanyora nezvangu. | For had ye believed Moses, ye would have believed me: for he wrote of me. |
| 47 | Asi kana musingatendi magwaro ake, muchatenda sei mashoko angu? | But if ye believe not his writings, how shall ye believe my words? |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL