누가복음 24장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 53절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavakange vagadzirira, nevamwe vanavo. | Now upon the first day of the week, very early in the morning, they came unto the sepulchre, bringing the spices which they had prepared, and certain others with them. |
| 2 | Zvino vakawana ibwe rakakunguruswa kubva paguva. | And they found the stone rolled away from the sepulchre. |
| 3 | Vakabva vapinda vakasawana mutumbi waIshe Jesu. | And they entered in, and found not the body of the Lord Jesus. |
| 4 | Zvino vakati vakakanganiswa kwazvo nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya; | And it came to pass, as they were much perplexed thereabout, behold, two men stood by them in shining garments: |
| 5 | zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pavakafa? | And as they were afraid, and bowed down their faces to the earth, they said unto them, Why seek ye the living among the dead? |
| 6 | Haasi pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGarirea, | He is not here, but is risen: remember how he spake unto you when he was yet in Galilee, |
| 7 | achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve. | Saying, The Son of man must be delivered into the hands of sinful men, and be crucified, and the third day rise again. |
| 8 | Zvino vakarangarira mashoko ake. | And they remembered his words, |
| 9 | Zvino vakadzoka vachibva kuguva, vakaudza zvinhu izvi zvese kuvanegumi neumwe nekune vamwe vese. | And returned from the sepulchre, and told all these things unto the eleven, and to all the rest. |
| 10 | Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi. | It was Mary Magdalene, and Joanna, and Mary the mother of James, and other women that were with them, which told these things unto the apostles. |
| 11 | Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda. | And their words seemed to them as idle tales, and they believed them not. |
| 12 | Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; akakotama ndokutarira, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yega; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvakange zvaitika. | Then arose Peter, and ran unto the sepulchre; and stooping down, he beheld the linen clothes laid by themselves, and departed, wondering in himself at that which was come to pass. |
| 13 | Zvino tarira, pazuva iroro vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, wakange uri masitadhia* makumi matanhatu kubva kuJerusarema. | And, behold, two of them went that same day to a village called Emmaus, which was from Jerusalem about threescore furlongs. |
| 14 | Zvino ivo vaitaurirana pamusoro pezvinhu izvi zvese zvakange zvaitika. | And they talked together of all these things which had happened. |
| 15 | Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo, | And it came to pass, that, while they communed together and reasoned, Jesus himself drew near, and went with them. |
| 16 | asi meso avo akange abatwa kuti vasamuziva. | But their eyes were holden that they should not know him. |
| 17 | Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukurirana muchifamba, uye makasuruvara? | And he said unto them, What manner of communications are these that ye have one to another, as ye walk, and are sad? |
| 18 | Umwe, wainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe wega mutorwa muJerusarema, uye hauziva zvakaitikamo mumazuva ano here? | And the one of them, whose name was Cleopas, answering said unto him, Art thou only a stranger in Jerusalem, and hast not known the things which are come to pass there in these days? |
| 19 | Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita ane simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vese; | And he said unto them, What things? And they said unto him, Concerning Jesus of Nazareth, which was a prophet mighty in deed and word before God and all the people: |
| 20 | uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa. | And how the chief priests and our rulers delivered him to be condemned to death, and have crucified him. |
| 21 | Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikunura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvese, nhasi izuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi. | But we trusted that it had been he which should have redeemed Israel: and beside all this, to day is the third day since these things were done. |
| 22 | Asi vamwewo vakadzi vekwedu vatishamisa, vanga vafumira kuguva; | Yea, and certain women also of our company made us astonished, which were early at the sepulchre; |
| 23 | zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaona chiratidzo chevatumwawo, vati mupenyu. | And when they found not his body, they came, saying, that they had also seen a vision of angels, which said that he was alive. |
| 24 | Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadziwo sezvavakange vareva; asi iye havana kumuona. | And certain of them which were with us went to the sepulchre, and found it even so as the women had said: but him they saw not. |
| 25 | Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvese vaporofita zvavakataura! | Then he said unto them, O fools, and slow of heart to believe all that the prophets have spoken: |
| 26 | Ko Kristu wakange asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here? | Ought not Christ to have suffered these things, and to enter into his glory? |
| 27 | Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vese, akadudzira kwavari mumagwaro ese zvinhu zviri maererano naye. | And beginning at Moses and all the prophets, he expounded unto them in all the scriptures the things concerning himself. |
| 28 | Zvino vakaswedera kumusha kwavakange vachienda; iye ndokuita sewopfuurira. | And they drew nigh unto the village, whither they went: and he made as though he would have gone further. |
| 29 | Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nokuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo. | But they constrained him, saying, Abide with us: for it is toward evening, and the day is far spent. And he went in to tarry with them. |
| 30 | Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari. | And it came to pass, as he sat at meat with them, he took bread, and blessed it, and brake, and gave to them. |
| 31 | Zvino meso avo ndokuzarurwa, ndokumuziva; iye ndokunyangarika kwavari. | And their eyes were opened, and they knew him; and he vanished out of their sight. |
| 32 | Zvino vakataurirana vachiti: Moyo wedu wanga usingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro? | And they said one to another, Did not our heart burn within us, while he talked with us by the way, and while he opened to us the scriptures? |
| 33 | Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana nevaiva navo, | And they rose up the same hour, and returned to Jerusalem, and found the eleven gathered together, and them that were with them, |
| 34 | vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo, waonekwa naSimoni. | Saying, The Lord is risen indeed, and hath appeared to Simon. |
| 35 | Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa. | And they told what things were done in the way, and how he was known of them in breaking of bread. |
| 36 | Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri. | And as they thus spake, Jesus himself stood in the midst of them, and saith unto them, Peace be unto you. |
| 37 | Asi vakavhunduswa, vakatya, vakafunga kuti vaona mweya. | But they were terrified and affrighted, and supposed that they had seen a spirit. |
| 38 | Zvino akati kwavari: Munonetsekerei, uye mifungo inomukirei mumoyo yenyu? | And he said unto them, Why are ye troubled? and why do thoughts arise in your hearts? |
| 39 | Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama nemafupa, sezvamunoona ndinazvo. | Behold my hands and my feet, that it is I myself: handle me, and see; for a spirit hath not flesh and bones, as ye see me have. |
| 40 | Zvino wakati areva izvi akavaratidza maoko netsoka. | And when he had thus spoken, he shewed them his hands and his feet. |
| 41 | Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here? | And while they yet believed not for joy, and wondered, he said unto them, Have ye here any meat? |
| 42 | Zvino vakamupa nhindi yehove yakagochwa neyezinga reuchi. | And they gave him a piece of a broiled fish, and of an honeycomb. |
| 43 | Iye ndokutora akadya pamberi pavo. | And he took it, and did eat before them. |
| 44 | Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvese zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni. | And he said unto them, These are the words which I spake unto you, while I was yet with you, that all things must be fulfilled, which were written in the law of Moses, and in the prophets, and in the psalms, concerning me. |
| 45 | Ipapo akazarura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro. | Then opened he their understanding, that they might understand the scriptures, |
| 46 | Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvi, saizvozvowo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kubva kuvakafa zuva retatu, | And said unto them, Thus it is written, and thus it behoved Christ to suffer, and to rise from the dead the third day: |
| 47 | uye kuti kutendeuka nekanganwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ese muzita rake, kutanga paJerusarema. | And that repentance and remission of sins should be preached in his name among all nations, beginning at Jerusalem. |
| 48 | Uye imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi. | And ye are witnesses of these things. |
| 49 | Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro. | And, behold, I send the promise of my Father upon you: but tarry ye in the city of Jerusalem, until ye be endued with power from on high. |
| 50 | Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza. | And he led them out as far as to Bethany, and he lifted up his hands, and blessed them. |
| 51 | Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga. | And it came to pass, while he blessed them, he was parted from them, and carried up into heaven. |
| 52 | Zvino vakamunamata, vakadzokera kuJerusarema vane mufaro mukuru; | And they worshipped him, and returned to Jerusalem with great joy: |
| 53 | uye vakagara nguva dzese mutembere, vachirumbidza nekutenda Mwari. Ameni. | And were continually in the temple, praising and blessing God. Amen. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL