누가복음 23장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 56절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino chaunga chavo chese chakasimuka, chikamutungamidza kuna Pirato. | And the whole multitude of them arose, and led him unto Pilate. |
| 2 | Zvino vakatanga kumupomera, vachiti: Tawana uyu achitsausa rudzi, nekudzivisa kupa mitero kuna Kesari, achiti iye pachake ndiKristu Mambo. | And they began to accuse him, saying, We found this fellow perverting the nation, and forbidding to give tribute to Cesar, saying that he himself is Christ a King. |
| 3 | Zvino Pirato wakamubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Ndokumupindura, akati: Unoreva iwe. | And Pilate asked him, saying, Art thou the King of the Jews? And he answered him and said, Thou sayest it. |
| 4 | Pirato ndokuti kuvapristi vakuru nezvaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu. | Then said Pilate to the chief priests and to the people, I find no fault in this man. |
| 5 | Asi vakasimbisa, vachiti: Unonyonganisa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rese, kutanga paGarirea kusvikira pano. | And they were the more fierce, saying, He stirreth up the people, teaching throughout all Jewry, beginning from Galilee to this place. |
| 6 | Pirato wakati anzwa zveGarirea, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea. | When Pilate heard of Galilee, he asked whether the man were a Galilean. |
| 7 | Zvino paakangoziva kuti ndeweushe hwaHerodhe, wakamutumira kuna Herodhe, iye waivawo muJerusarema pamazuva iwayo. | And as soon as he knew that he belonged unto Herod’s jurisdiction, he sent him to Herod, who himself also was at Jerusalem at that time. |
| 8 | Zvino Herodhe paakaona Jesu wakafara zvikurusa; nokuti waishuva kumuona kwenguva refu, nokuti wakange anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; uye wakatarisira kuona chimwe chiratidzo chichiitwa naye. | And when Herod saw Jesus, he was exceeding glad: for he was desirous to see him of a long season, because he had heard many things of him; and he hoped to have seen some miracle done by him. |
| 9 | Ndokumubvunza nemashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu. | Then he questioned with him in many words; but he answered him nothing. |
| 10 | Zvino vapristi vakuru nevanyori vakamira vakamupomera zvine simba. | And the chief priests and scribes stood and vehemently accused him. |
| 11 | NaHerodhe nemauto ake wakamuzvidza, nekuseka akamupfekedza nguvo refu inobwinya, akamudzosera kuna Pirato. | And Herod with his men of war set him at nought, and mocked him, and arrayed him in a gorgeous robe, and sent him again to Pilate. |
| 12 | Nemusi iwoyo Pirato naHerodhe vakava shamwari neshamwari; nokuti paimbova neruvengo pakati pavo. | And the same day Pilate and Herod were made friends together: for before they were at enmity between themselves. |
| 13 | Zvino Pirato wakati adanira pamwe vapristi vakuru nevatungamiriri nevanhu, | And Pilate, when he had called together the chief priests and the rulers and the people, |
| 14 | akati kwavari: Mauisa munhu uyu kwandiri seanotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndaongorora pamberi penyu, handina kuwana mhosva kumunhu uyu yezvinhu zvamunomupomera; | Said unto them, Ye have brought this man unto me, as one that perverteth the people: and, behold, I, having examined him before you, have found no fault in this man touching those things whereof ye accuse him: |
| 15 | kwete, kunyange Herodhe; nokuti ndinokutumai kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye. | No, nor yet Herod: for I sent you to him; and, lo, nothing worthy of death is done unto him. |
| 16 | Naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura. | I will therefore chastise him, and release him. |
| 17 | Nokuti zvaiva zvakafanira kuti avasunungurire umwe pamutambo. | (For of necessity he must release one unto them at the feast.) |
| 18 | Asi vese vakadanidzira pamwe vachiti: Kure neuyu, asi mutisunungurire Bharabhasi. | And they cried out all at once, saying, Away with this man, and release unto us Barabbas: |
| 19 | Iye wakange akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bongozozo rakange raitika muguta uye neumhondi. | (Who for a certain sedition made in the city, and for murder, was cast into prison.) |
| 20 | Naizvozvo Pirato achida kusunungura Jesu, wakataurazve kwavari. | Pilate therefore, willing to release Jesus, spake again to them. |
| 21 | Asi vakadanidzira, vachiti: Roverera pamuchinjikwa, muroverere pamuchinjikwa! | But they cried, saying, Crucify him, crucify him. |
| 22 | Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, iye waita chakaipa chipi? Handina kuwana mhosva yerufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura. | And he said unto them the third time, Why, what evil hath he done? I have found no cause of death in him: I will therefore chastise him, and let him go. |
| 23 | Asi vakasimbisa nemanzwi makuru, vachikumbira kuti arovererwe pamuchinjikwa. Manzwi avo neevapristi vakuru akabudirira. | And they were instant with loud voices, requiring that he might be crucified. And the voices of them and of the chief priests prevailed. |
| 24 | Zvino Pirato wakatema kuti chikumbiro chavo chiitike. | And Pilate gave sentence that it should be as they required. |
| 25 | Akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakange akandwa mutirongo nekuda kwebongozozo neumhondi; asi akakumikidza Jesu kuchido chavo. | And he released unto them him that for sedition and murder was cast into prison, whom they had desired; but he delivered Jesus to their will. |
| 26 | Zvino vakati vachimutungamidza, vakabata umwe Simoni muKurini achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti atakure shure kwaJesu. | And as they led him away, they laid hold upon one Simon, a Cyrenian, coming out of the country, and on him they laid the cross, that he might bear it after Jesus. |
| 27 | Zvino kwakatevera kwaari chaunga chikuru chevanhu, nevakadzi vairirawo nekumuchema. | And there followed him a great company of people, and of women, which also bewailed and lamented him. |
| 28 | Asi Jesu wakatendeukira kwavari akati: Vakunda veJerusarema, musachemera ini, asi muzvichemere imwi nevana venyu; | But Jesus turning unto them said, Daughters of Jerusalem, weep not for me, but weep for yourselves, and for your children. |
| 29 | nokuti tarirai, mazuva anouya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kubereka, nemazamu asina kunwisa. | For, behold, the days are coming, in the which they shall say, Blessed are the barren, and the wombs that never bare, and the paps which never gave suck. |
| 30 | Ipapo vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nekuzvikomo: Tifukidzei. | Then shall they begin to say to the mountains, Fall on us; and to the hills, Cover us. |
| 31 | Nokuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, chii chichaitika kune wakawoma? | For if they do these things in a green tree, what shall be done in the dry? |
| 32 | Zvino kwakatungamidzwawo vamwe vaiti vezvakaipa vaviri, kuti vaurawe pamwe naye. | And there were also two other, malefactors, led with him to be put to death. |
| 33 | Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamuroverera pamuchinjikwa, nevaiti vezvakaipa, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe. | And when they were come to the place, which is called Calvary, there they crucified him, and the malefactors, one on the right hand, and the other on the left. |
| 34 | Jesu ndokuti: Baba, vakanganwirei; nokuti havazivi chavanoita. Zvino vakagovana nguvo dzake, vakakanda mujenya. | Then said Jesus, Father, forgive them; for they know not what they do. And they parted his raiment, and cast lots. |
| 35 | Vanhu ndokumira vakatarira. Nevatongiwo pamwe navo vakamuseka, vachiti: Wakaponesa vamwe, ngaazviponese, kana iye ari Kristu, musanangurwa waMwari. | And the people stood beholding. And the rulers also with them derided him, saying, He saved others; let him save himself, if he be Christ, the chosen of God. |
| 36 | Nemautowo akamuseka, achimuvigira vhiniga, | And the soldiers also mocked him, coming to him, and offering him vinegar, |
| 37 | uye vachiti: Kana iwe uri Mambo weVaJudha, zviponese. | And saying, If thou be the king of the Jews, save thyself. |
| 38 | Zvino kwakange kune rugwarowo rwakanyorwa pamusoro pake nemavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, rwaiti: UYU NDIMAMBO WEVAJUDHA. | And a superscription also was written over him in letters of Greek, and Latin, and Hebrew, THIS IS THE KING OF THE JEWS. |
| 39 | Uye umwe wevaiti vezvakaipa vakange vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana iwe uri Kristu, zviponese iwe nesu. | And one of the malefactors which were hanged railed on him, saying, If thou be Christ, save thyself and us. |
| 40 | Asi umwe wakapindura achimutsiura, achiti: Iwe hautyi Mwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe? | But the other answering rebuked him, saying, Dost not thou fear God, seeing thou art in the same condemnation? |
| 41 | Isu zvirokwazvo zvakarurama, nokuti tinogamuchira zvakafanira zvatakaita; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira. | And we indeed justly; for we receive the due reward of our deeds: but this man hath done nothing amiss. |
| 42 | Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe hwenyu. | And he said unto Jesus, Lord, remember me when thou comest into thy kingdom. |
| 43 | Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso. | And Jesus said unto him, Verily I say unto thee, To day shalt thou be with me in paradise. |
| 44 | Zvino rakange rava awa rinenge rechitanhatu; kukavapo rima pamusoro penyika yese, kusvikira paawa repfumbamwe. | And it was about the sixth hour, and there was a darkness over all the earth until the ninth hour. |
| 45 | Nezuva rakadzikatirwa, uye vheiri retembere rakabvarurwa nepakati. | And the sun was darkened, and the veil of the temple was rent in the midst. |
| 46 | Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru achiti: Baba, mumaoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvi, akapa mweya. | And when Jesus had cried with a loud voice, he said, Father, into thy hands I commend my spirit: and having said thus, he gave up the ghost. |
| 47 | Zvino mukuru wezana wakati aona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo munhu uyu wakange akarurama. | Now when the centurion saw what was done, he glorified God, saying, Certainly this was a righteous man. |
| 48 | Nezvaunga zvese zvakange zvakaungana kuzoona izvozvi, zvakati zvichiona zvakaitika, zvikadzokera zvichizvirova zvifuva. | And all the people that came together to that sight, beholding the things which were done, smote their breasts, and returned. |
| 49 | Nevazikanwi vake vese, nevakadzi vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachiona zvinhu izvi. | And all his acquaintance, and the women that followed him from Galilee, stood afar off, beholding these things. |
| 50 | Zvino tarira, murume wainzi Josefa, nhengo yedare, murume wakanaka uye wakarurama; | And, behold, there was a man named Joseph, a counsellor; and he was a good man, and a just: |
| 51 | iye wakange asina kutenderana nezano nechiito chavo; waiva weArimatia, guta reVaJudha, naiyewo wakange achimirira ushe hwaMwari. | (The same had not consented to the counsel and deed of them;) he was of Arimathea, a city of the Jews: who also himself waited for the kingdom of God. |
| 52 | Iye wakaenda kuna Pirato akakukumbira mutumbi waJesu. | This man went unto Pilate, and begged the body of Jesus. |
| 53 | Zvino wakauburusa, akauputira nemucheka werineni, ndokuuradzika muguva rakange rakacherwa pabwe, makange musina kumboradzikwa munhu. | And he took it down, and wrapped it in linen, and laid it in a sepulchre that was hewn in stone, wherein never man before was laid. |
| 54 | Zvino waiva musi wegadziriro, uye sabata roswedera. | And that day was the preparation, and the sabbath drew on. |
| 55 | Nevakadziwo, vakange vauya naye vachibva Garirea, vakatevera mumashure, vakaona guva, nokuti mutumbi wake waradzikwa sei. | And the women also, which came with him from Galilee, followed after, and beheld the sepulchre, and how his body was laid. |
| 56 | Uye vakadzokera, vakagadzirira zvinonhuhwira nezvizoro. Zvino vakazorora nesabata zvichienderana nemurairo. | And they returned, and prepared spices and ointments; and rested the sabbath day according to the commandment. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL