요한복음 1장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 51절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari. | In the beginning was the Word, and the Word was with God, and the Word was God. |
| 2 | Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga. | The same was in the beginning with God. |
| 3 | Zvinhu zvese zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa. | All things were made by him; and without him was not any thing made that was made. |
| 4 | Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu, | In him was life; and the life was the light of men. |
| 5 | uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira. | And the light shineth in darkness; and the darkness comprehended it not. |
| 6 | Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani. | There was a man sent from God, whose name was John. |
| 7 | Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vese vatende naye. | The same came for a witness, to bear witness of the Light, that all men through him might believe. |
| 8 | Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza. | He was not that Light, but was sent to bear witness of that Light. |
| 9 | Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe anouya panyika. | That was the true Light, which lighteth every man that cometh into the world. |
| 10 | Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva. | He was in the world, and the world was made by him, and the world knew him not. |
| 11 | Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira. | He came unto his own, and his own received him not. |
| 12 | Asi vese vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake; | But as many as received him, to them gave he power to become the sons of God, even to them that believe on his name: |
| 13 | vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari. | Which were born, not of blood, nor of the will of the flesh, nor of the will of man, but of God. |
| 14 | Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe ega waBaba, azere nenyasha nechokwadi. | And the Word was made flesh, and dwelt among us, (and we beheld his glory, the glory as of the only begotten of the Father,) full of grace and truth. |
| 15 | Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu anouya shure kwangu wakanditangira; nokuti wakange aripo mberi kwangu. | John bare witness of him, and cried, saying, This was he of whom I spake, He that cometh after me is preferred before me: for he was before me. |
| 16 | Nepakuzara kwake isu tese takagamuchira, uye nyasha nenyasha. | And of his fulness have all we received, and grace for grace. |
| 17 | Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu. | For the law was given by Moses, but grace and truth came by Jesus Christ. |
| 18 | Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe ega, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa. | No man hath seen God at any time; the only begotten Son, which is in the bosom of the Father, he hath declared him. |
| 19 | Uye uhu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo VaJudha vakatuma vapristi neVaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani? | And this is the record of John, when the Jews sent priests and Levites from Jerusalem to ask him, Who art thou? |
| 20 | Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu. | And he confessed, and denied not; but confessed, I am not the Christ. |
| 21 | Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete. | And they asked him, What then? Art thou Elias? And he saith, I am not. Art thou that prophet? And he answered, No. |
| 22 | Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako? | Then said they unto him, Who art thou? that we may give an answer to them that sent us. What sayest thou of thyself? |
| 23 | Akati: Ini ndini inzwi reanodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva Isaya muporofita. | He said, I am the voice of one crying in the wilderness, Make straight the way of the Lord, as said the prophet Esaias. |
| 24 | Ava vakange vatumwa vaibva kuVaFarisi. | And they which were sent were of the Pharisees. |
| 25 | Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya? | And they asked him, and said unto him, Why baptizest thou then, if thou be not that Christ, nor Elias, neither that prophet? |
| 26 | Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire wamusingazivi imwi; | John answered them, saying, I baptize with water: but there standeth one among you, whom ye know not; |
| 27 | ndiye anouya shure kwangu, ari mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake. | He it is, who coming after me is preferred before me, whose shoe’s latchet I am not worthy to unloose. |
| 28 | Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani. | These things were done in Bethabara beyond Jordan, where John was baptizing. |
| 29 | Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika. | The next day John seeth Jesus coming unto him, and saith, Behold the Lamb of God, which taketh away the sin of the world. |
| 30 | Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nokuti wakange ariko mberi kwangu. | This is he of whom I said, After me cometh a man which is preferred before me: for he was before me. |
| 31 | Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura. | And I knew him not: but that he should be made manifest to Israel, therefore am I come baptizing with water. |
| 32 | Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake. | And John bare record, saying, I saw the Spirit descending from heaven like a dove, and it abode upon him. |
| 33 | Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza neMweya Mutsvene. | And I knew him not: but he that sent me to baptize with water, the same said unto me, Upon whom thou shalt see the Spirit descending, and remaining on him, the same is he which baptizeth with the Holy Ghost. |
| 34 | Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari. | And I saw, and bare record that this is the Son of God. |
| 35 | Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake; | Again the next day after John stood, and two of his disciples; |
| 36 | zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari. | And looking upon Jesus as he walked, he saith, Behold the Lamb of God! |
| 37 | Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu. | And the two disciples heard him speak, and they followed Jesus. |
| 38 | Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi* (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi? | Then Jesus turned, and saw them following, and saith unto them, What seek ye? They said unto him, Rabbi, (which is to say, being interpreted, Master,) where dwellest thou? |
| 39 | Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; rakange riri awa rinenge regumi. | He saith unto them, Come and see. They came and saw where he dwelt, and abode with him that day: for it was about the tenth hour. |
| 40 | Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vazvinzwa naJohwani vakamutevera. | One of the two which heard John speak, and followed him, was Andrew, Simon Peter’s brother. |
| 41 | Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni, akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti kana zvichishandurwa, Kristu. | He first findeth his own brother Simon, and saith unto him, We have found the Messias, which is, being interpreted, the Christ. |
| 42 | Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro). | And he brought him to Jesus. And when Jesus beheld him, he said, Thou art Simon the son of Jona: thou shalt be called Cephas, which is by interpretation, A stone. |
| 43 | Ava mangwana Jesu akada kubudira kuGarirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere. | The day following Jesus would go forth into Galilee, and findeth Philip, and saith unto him, Follow me. |
| 44 | Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriya naPetro. | Now Philip was of Bethsaida, the city of Andrew and Peter. |
| 45 | Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa. | Philip findeth Nathanael, and saith unto him, We have found him, of whom Moses in the law, and the prophets, did write, Jesus of Nazareth, the son of Joseph. |
| 46 | Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone. | And Nathanael said unto him, Can there any good thing come out of Nazareth? Philip saith unto him, Come and see. |
| 47 | Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarira muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari. | Jesus saw Nathanael coming to him, and saith of him, Behold an Israelite indeed, in whom is no guile! |
| 48 | Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi memuonde, ndakuona. | Nathanael saith unto him, Whence knowest thou me? Jesus answered and said unto him, Before that Philip called thee, when thou wast under the fig tree, I saw thee. |
| 49 | Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri. | Nathanael answered and saith unto him, Rabbi, thou art the Son of God; thou art the King of Israel. |
| 50 | Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri: Ndakuona munyasi memuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi. | Jesus answered and said unto him, Because I said unto thee, I saw thee under the fig tree, believest thou? thou shalt see greater things than these. |
| 51 | Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu. | And he saith unto him, Verily, verily, I say unto you, Hereafter ye shall see heaven open, and the angels of God ascending and descending upon the Son of man. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL