로그인

히브리서 11장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 히브리서 (Hebrews) · 40절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino rutendo ndirwo rusimbiso rwezvinotarisirwa, umbowo hwezvinhu zvisingaonekwi. Now faith is the substance of things hoped for, the evidence of things not seen.
2 Nokuti nairwo vanhu vekare vakapupurirwa. For by it the elders obtained a good report.
3 Nerutendo tinonzwisisa kuti nyika dzakarongwa neshoko raMwari, zvekuti zvinhu zvinoonekwa hazvibvi kuzvinhu zvinoonekwa. Through faith we understand that the worlds were framed by the word of God, so that things which are seen were not made of things which do appear.
4 Nerutendo Abheri wakabaira kuna Mwari chibairo chakanakisisa kupfuura Kaini; chaakawana nacho uchapupu kuti wakange akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naicho kunyange akafa achiri kutaura. By faith Abel offered unto God a more excellent sacrifice than Cain, by which he obtained witness that he was righteous, God testifying of his gifts: and by it he being dead yet speaketh.
5 Nerutendo Enoki wakabviswa kuti arege kuona rufu, uye haana kuwanikwa, nokuti Mwari wakange amubvisa; nokuti asati abviswa wakapupurirwa kuti wakange afadza Mwari; By faith Enoch was translated that he should not see death; and was not found, because God had translated him: for before his translation he had this testimony, that he pleased God.
6 asi kunze kwerutendo hazvigoni kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari anofanira kutenda kuti iye aripo, uye mupi wemubairo wevanomutsvaka. But without faith it is impossible to please him: for he that cometh to God must believe that he is, and that he is a rewarder of them that diligently seek him.
7 Nerutendo Nowa wakati ayambirwa naMwari pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, nekutya akagadzira areka yeruponeso rweimba yake; akapa nyika mhosva nayo, akava mudyi wenhaka wekururama zvichienderana nerutendo. By faith Noah, being warned of God of things not seen as yet, moved with fear, prepared an ark to the saving of his house; by the which he condemned the world, and became heir of the righteousness which is by faith.
8 Nerutendo Abhurahama wakateerera adanwa kuti abude aende kunzvimbo yaakanzi achazoigamuchira ive nhaka, ndokubuda, asingazivi kwaanoenda. By faith Abraham, when he was called to go out into a place which he should after receive for an inheritance, obeyed; and he went out, not knowing whither he went.
9 Nerutendo wakagara semutorwa munyika yechivimbiso, senyika yeutorwa, achigara mumatende pamwe naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechivimbiso chimwecho pamwe naye; By faith he sojourned in the land of promise, as in a strange country, dwelling in tabernacles with Isaac and Jacob, the heirs with him of the same promise:
10 nokuti wakange achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nemuvaki waro. For he looked for a city which hath foundations, whose builder and maker is God.
11 Nerutendo naSara pachake wakagamuchira simba rekugamuchira mbeu, akabereka apfuura nguva, nokuti wakati iye wavimbisa wakatendeka. Through faith also Sara herself received strength to conceive seed, and was delivered of a child when she was past age, because she judged him faithful who had promised.
12 Naizvozvowo vakaberekwa neumwe, izviwo ndezvewakafa, vakaita senyeredzi dzekudenga pakuwanda, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa risingaverengeki. Therefore sprang there even of one, and him as good as dead, so many as the stars of the sky in multitude, and as the sand which is by the sea shore innumerable.
13 Iva vese vakafira murutendo, vasina kugamuchira zvivimbiso, asi vakazvionera kure, vakatendeswa, vakazvigamuchira, vakabvuma kuti vaeni nevapfuuri panyika. These all died in faith, not having received the promises, but having seen them afar off, and were persuaded of them, and embraced them, and confessed that they were strangers and pilgrims on the earth.
14 Nokuti vanotaura zvinhu zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yekwavo. For they that say such things declare plainly that they seek a country.
15 Nokuti kana zvirokwazvo vaifunga zvenyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vakawana mukana wekudzokera. And truly, if they had been mindful of that country from whence they came out, they might have had opportunity to have returned.
16 Asi ikozvino vanoshuva iri nani, ndiyo yekudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo, kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta. But now they desire a better country, that is, an heavenly: wherefore God is not ashamed to be called their God: for he hath prepared for them a city.
17 Nerutendo Abhurahama paakaedzwa wakabaira Isaka, iyewo wakange agamuchira zvivimbiso akabaira mwana wake wakaberekwa umwe wega, By faith Abraham, when he was tried, offered up Isaac: and he that had received the promises offered up his only begotten son,
18 kwakanzi kwaari: Muna Isaka mbeu yako ichatumidzwa; Of whom it was said, That in Isaac shall thy seed be called:
19 wakaona kuti Mwari anogona kumutsa kunyange kubva kuvakafa; ndipapowo paakamugamuchira mumufananidzo. Accounting that God was able to raise him up, even from the dead; from whence also he received him in a figure.
20 Nerutendo Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinhu zvinouya. By faith Isaac blessed Jacob and Esau concerning things to come.
21 Nerutendo Jakobho ava kufa wakaropafadza umwe neumwe wevanakomana vaJosefa, akanamata akasendama pamusoro pemudonzvo wake. By faith Jacob, when he was a dying, blessed both the sons of Joseph; and worshipped, leaning upon the top of his staff.
22 Nerutendo Josefa ava kufa wakataura zvekubuda kwevana vaIsraeri, akaraira pamusoro pemafupa ake. By faith Joseph, when he died, made mention of the departing of the children of Israel; and gave commandment concerning his bones.
23 Nerutendo Mozisi aberekwa wakavanzwa mwedzi mitatu nevabereki vake, nokuti vakaona mwana akanaka; uye havana kutya murairo wamambo. By faith Moses, when he was born, was hid three months of his parents, because they saw he was a proper child; and they were not afraid of the king’s commandment.
24 Nerutendo Mozisi akura wakaramba kunzi mwanakomana wemukunda waFarao, By faith Moses, when he was come to years, refused to be called the son of Pharaoh’s daughter;
25 akasarudza kupfuura izvozvo kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari pane kuva mumufaro wechivi kwechinguva; Choosing rather to suffer affliction with the people of God, than to enjoy the pleasures of sin for a season;
26 akati kutukwa kwaKristu ifuma huru pane zvakakosha zveEgipita; nokuti wakange akatarira kumubairo. Esteeming the reproach of Christ greater riches than the treasures in Egypt: for he had respect unto the recompence of the reward.
27 Nerutendo wakasiya Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira seanomuona uyo asingaonekwi. By faith he forsook Egypt, not fearing the wrath of the king: for he endured, as seeing him who is invisible.
28 Nerutendo wakachengetedza pasika nekusaswa kweropa, kuti anouraya matangwe arege kuvabata. Through faith he kept the passover, and the sprinkling of blood, lest he that destroyed the firstborn should touch them.
29 Nerutendo vakagura nemuGungwa Dzvuku sepakaoma; VaEgipita vachizviidza vakanyura. By faith they passed through the Red sea as by dry land: which the Egyptians assaying to do were drowned.
30 Nerutendo masvingo eJeriko akawa, apoteredzwa kusvikira mazuva manomwe. By faith the walls of Jericho fell down, after they were compassed about seven days.
31 Nerutendo Rakabhi chifeve haana kuparara pamwe nevasina kutenda, agamuchira vashori nerugare. By faith the harlot Rahab perished not with them that believed not, when she had received the spies with peace.
32 Zvino ndichataurireizve? Nokuti ndichapererwa nenguva ndichirondedzera zvaGidhioni naBharaki naSamusoni naJefita naDhavhidhi naSamueri, nezvevaporofita; And what shall I more say? for the time would fail me to tell of Gedeon, and of Barak, and of Samson, and of Jephthae; of David also, and Samuel, and of the prophets:
33 avo nerutendo vakakunda ushe, vakaita kururama, vakawana zvivimbiso, vakadzivira miromo yeshumba, Who through faith subdued kingdoms, wrought righteousness, obtained promises, stopped the mouths of lions,
34 vakadzima simba remoto, vakapukunyuka muromo wemunondo, vakava nesimba kubva pautera, vakasimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi. Quenched the violence of fire, escaped the edge of the sword, out of weakness were made strong, waxed valiant in fight, turned to flight the armies of the aliens.
35 Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vachibva pakumuka; vamwewo vakashungurudzwa, vasingagamuchiri kusunungurwa, kuti vawane kumuka kuri nani; Women received their dead raised to life again: and others were tortured, not accepting deliverance; that they might obtain a better resurrection:
36 vamwewo vakaedzwa nekuitwa chiseko nekuzvamburwa, uye nezvisungo nejere; And others had trial of cruel mockings and scourgings, yea, moreover of bonds and imprisonment:
37 vakatakwa nemabwe, vakatsemurwa nepakati, vakaedzwa, vakafa pakuuraya kwemunondo; vakadzungaira vakapfeka matehwe emakwai nematehwe embudzi; vari nhoronhondo, vachitambudzika, vachishungurudzwa, They were stoned, they were sawn asunder, were tempted, were slain with the sword: they wandered about in sheepskins and goatskins; being destitute, afflicted, tormented;
38 (nyika haina kuvafanira) vachidzungaira mumagwenga nemakomo nemapako nemakomba enyika. (Of whom the world was not worthy:) they wandered in deserts, and in mountains, and in dens and caves of the earth.
39 Neava vese, vapupurirwa zvakanaka kubudikidza nerutendo havana kugamuchira chivimbiso, And these all, having obtained a good report through faith, received not the promise:
40 sezvo Mwari wakange atigadzirira chinhu chiri nani, kuti varege kupedzeredzwa pasina isu. God having provided some better thing for us, that they without us should not be made perfect.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL