로그인

히브리서 10장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 히브리서 (Hebrews) · 39절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Nokuti murairo zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya, usiri mufananidzo wemene wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kubudikidza nezvibairo izvozvo zvavanoramba vachibaira gore rimwe nerimwe kupedzeredza avo vanoswedera. For the law having a shadow of good things to come, and not the very image of the things, can never with those sacrifices which they offered year by year continually make the comers thereunto perfect.
2 Dai zvakange zvakadaro zvingadai zvisina kuguma kubairwa here? Nokuti vanamati vangadai vasingachazivizve zvivi, vanatswa kamwe chete. For then would they not have ceased to be offered? because that the worshippers once purged should have had no more conscience of sins.
3 Asi kuzvibairo izvozvo kune kurangarirwa kwezvivi gore rimwe nerimwe; But in those sacrifices there is a remembrance again made of sins every year.
4 nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi. For it is not possible that the blood of bulls and of goats should take away sins.
5 Naizvozvo paanosvika panyika anoti: Chibairo nechipo hamuna kuzvida, asi makandigadzirira muviri; Wherefore when he cometh into the world, he saith, Sacrifice and offering thou wouldest not, but a body hast thou prepared me:
6 zvibairo zvinopiswa nezvechivi hamuna kuzvifarira; In burnt offerings and sacrifices for sin thou hast had no pleasure.
7 ipapo ndikati: Tarirai ndinouya (murugwaro rwakapetwa makanyorwa pamusoro pangu) kuita chido chenyu, Mwari. Then said I, Lo, I come (in the volume of the book it is written of me,) to do thy will, O God.
8 Pakutanga achiti: Zvibairo nezvipiriso nezvibairo zvinopiswa nezvibairo zvechivi hamuna kuzvida kana kufadzwa nazvo, (izvo zvinobairwa sezvinoenderana nemurairo), Above when he said, Sacrifice and offering and burnt offerings and offering for sin thou wouldest not, neither hadst pleasure therein; which are offered by the law;
9 ndokuzoti: Tarira, ndinouya kuzoita chido chenyu, Mwari. Anobvisa chekutanga, kuti amise chechipiri. Then said he, Lo, I come to do thy will, O God. He taketh away the first, that he may establish the second.
10 Pachido ichi takaitwa vatsvene kubudikidza nechibairo chemuviri waJesu Kristu kamwe. By the which will we are sanctified through the offering of the body of Jesus Christ once for all.
11 Uye mupristi umwe neumwe wakamira zuva rimwe nerimwe achishumira, nekubaira kazhinji zvibairo izvozvo zvisingatongogoni kubvisa zvivi; And every priest standeth daily ministering and offering oftentimes the same sacrifices, which can never take away sins:
12 asi iye wakati abaira chibairo chimwe nekuda kwezvivi nekusingaperi, akagara pasi kuruoko rwerudyi rwaMwari, But this man, after he had offered one sacrifice for sins for ever, sat down on the right hand of God;
13 kubva ikozvino anotarisira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake. From henceforth expecting till his enemies be made his footstool.
14 Nokuti nechibairo chimwe chete wakapedzeredza nekusingaperi avo vanoitwa vatsvene. For by one offering he hath perfected for ever them that are sanctified.
15 NeMweya Mutsvenewo anotipupurira; nokuti shure kwekuti ataura pakutanga anoti: Whereof the Holy Ghost also is a witness to us: for after that he had said before,
16 Iyi isungano yandichaita navo shure kwemazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe, ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, uye ndichainyora mufungwa dzavo. This is the covenant that I will make with them after those days, saith the Lord, I will put my laws into their hearts, and in their minds will I write them;
17 Nezvivi zvavo nekuipa kwavo handichatongorangaririzve. And their sins and iniquities will I remember no more.
18 Zvino pane kanganwiro yeizvi, hapachina chibairo chechivi. Now where remission of these is, there is no more offering for sin.
19 Naizvozvo, hama, tine ushingi hwekupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu, Having therefore, brethren, boldness to enter into the holiest by the blood of Jesus,
20 nenzira itsva mhenyu, yaakatizarurira kubudikidza nemuvheiri, ndiyo nyama yake; By a new and living way, which he hath consecrated for us, through the veil, that is to say, his flesh;
21 uye tine mupristi mukuru pamusoro peimba yaMwari, And having an high priest over the house of God;
22 ngatiswedere nemoyo wechokwadi muchivimbo chakazara cherutendo, moyo yasaswa kubva pahana yakaipa, nemuviri wakashambidzwa nemvura yakachena. Let us draw near with a true heart in full assurance of faith, having our hearts sprinkled from an evil conscience, and our bodies washed with pure water.
23 Ngatibatisise kupupura kwetariro yedu, tisingazungunuki, nokuti iye wakavimbisa wakatendeka; Let us hold fast the profession of our faith without wavering; (for he is faithful that promised;)
24 uye ngatirangariranei pakumutsa rudo uye mabasa akanaka, And let us consider one another to provoke unto love and to good works:
25 tisingasii kuungana kwedu, setsika yevamwe, asi tichikurudzirana; zvikuru kwazvowo sezvamunoona zuva richiswedera. Not forsaking the assembling of ourselves together, as the manner of some is; but exhorting one another: and so much the more, as ye see the day approaching.
26 Nokuti kana tichitadza maune mushure mekunge tagamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchina kusara chibairo pamusoro pezvivi, For if we sin wilfully after that we have received the knowledge of the truth, there remaineth no more sacrifice for sins,
27 asi kumwe kumirira kunotyisa kwekutongwa, nehasha dzemoto dzichapedza vapikisi. But a certain fearful looking for of judgment and fiery indignation, which shall devour the adversaries.
28 Munhu anoramba murairo waMozisi anofa pasina tsitsi nezvapupu zviviri kana zvitatu; He that despised Moses’ law died without mercy under two or three witnesses:
29 munofunga kuti achanzi wakafanira kurangwa zvinorwadza sei wakatsikira pasi Mwanakomana waMwari, uye akatora ropa resungano raakaitwa mutsvene naro serisiri dzvene, uye akazvidza Mweya wenyasha? Of how much sorer punishment, suppose ye, shall he be thought worthy, who hath trodden under foot the Son of God, and hath counted the blood of the covenant, wherewith he was sanctified, an unholy thing, and hath done despite unto the Spirit of grace?
30 Nokuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anotaura Ishe. Uyezve anoti: Ishe achatonga vanhu vake. For we know him that hath said, Vengeance belongeth unto me, I will recompense, saith the Lord. And again, The Lord shall judge his people.
31 Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu. It is a fearful thing to fall into the hands of the living God.
32 Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa maari mukatsunga pakurwa kukuru kwematambudziko; But call to remembrance the former days, in which, after ye were illuminated, ye endured a great fight of afflictions;
33 pamwe, pamakaitwa chiokero zvese nekunyombwa nematambudziko; pamwewo pamakagovana naivo vakaitirwa zvakadaro. Partly, whilst ye were made a gazingstock both by reproaches and afflictions; and partly, whilst ye became companions of them that were so used.
34 Nokuti nemwi makanzwira tsitsi zvisungo zvangu, makagamuchira nemufaro kupambiwa kwenhumbi dzenyu, muchiziva mukati menyu kuti imwi mune fuma yakapfuura nekunaka, uye inogara iripo kumatenga. For ye had compassion of me in my bonds, and took joyfully the spoiling of your goods, knowing in yourselves that ye have in heaven a better and an enduring substance.
35 Naizvozvo regai kurasa kushinga kwenyu, kune mubairo mukuru. Cast not away therefore your confidence, which hath great recompence of reward.
36 Nokuti munofanira kuva nekutsungirira, zvekuti kana maita chido chaMwari, mugamuchire chivimbiso. For ye have need of patience, that, after ye have done the will of God, ye might receive the promise.
37 Nokuti pachine kanguva kadiki-diki, anouya achauya, uye haanganonoki. For yet a little while, and he that shall come will come, and will not tarry.
38 Asi wakarurama achararama nerutendo; zvino kana akadzokera shure, mweya wangu haungafari naye. Now the just shall live by faith: but if any man draw back, my soul shall have no pleasure in him.
39 Zvino isu hatisi veavo vanodzokera shure kukuparadzwa; asi veavo vanotenda kukuponeswa kwemweya. But we are not of them who draw back unto perdition; but of them that believe to the saving of the soul.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL