로그인

요한일서 4장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한일서 (1 John) · 21절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Vadikanwi, musatenda mweya umwe neumwe, asi muidze mweya, kana yakabva kuna Mwari; nokuti vazhinji vaporofita venhema vakabudira munyika. Beloved, believe not every spirit, but try the spirits whether they are of God: because many false prophets are gone out into the world.
2 Neizvi munoziva Mweya waMwari: Wese mweya unobvuma kuti Jesu Kristu wakauya panyama, unobva muna Mwari. Hereby know ye the Spirit of God: Every spirit that confesseth that Jesus Christ is come in the flesh is of God:
3 Zvino mweya wese usingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama, haubvi muna Mwari; uye uyu ndiye wemupikisi waKristu, wamakanzwa kuti anouya, naikozvino watova panyika. And every spirit that confesseth not that Jesus Christ is come in the flesh is not of God: and this is that spirit of antichrist, whereof ye have heard that it should come; and even now already is it in the world.
4 Imwi munobva muna Mwari, vana vadiki, uye makavakunda; nokuti ari mamuri mukuru kune ari munyika. Ye are of God, little children, and have overcome them: because greater is he that is in you, than he that is in the world.
5 Ivo vanobva munyika; naizvozvo vanotaura zvinobva munyika, uye nyika inovanzwa. They are of the world: therefore speak they of the world, and the world heareth them.
6 Isu tinobva muna Mwari; uyo anoziva Mwari, anotinzwa; asingabvi muna Mwari, haatinzwi. Kubva pane izvi tinoziva mweya wechokwadi nemweya wekutsauka. We are of God: he that knoweth God heareth us; he that is not of God heareth not us. Hereby know we the spirit of truth, and the spirit of error.
7 Vadikanwi, ngatidanane; nokuti rudo rwunobva muna Mwari, uye umwe neumwe anoda wakaberekwa kubva muna Mwari, uye anoziva Mwari. Beloved, let us love one another: for love is of God; and every one that loveth is born of God, and knoweth God.
8 Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. He that loveth not knoweth not God; for God is love.
9 Pane izvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa matiri, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake wakaberekwa umwe wega munyika, kuti tirarame kubudikidza naye. In this was manifested the love of God toward us, because that God sent his only begotten Son into the world, that we might live through him.
10 Rudo rwuri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave muripo wekuyananisa maererano nezvivi zvedu. Herein is love, not that we loved God, but that he loved us, and sent his Son to be the propitiation for our sins.
11 Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu tinofanira kudanana. Beloved, if God so loved us, we ought also to love one another.
12 Hakuna wakamboona Mwari; kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake rwunoperedzerwa matiri. No man hath seen God at any time. If we love one another, God dwelleth in us, and his love is perfected in us.
13 Pane izvi tinoziva kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvinobva paMweya wake. Hereby know we that we dwell in him, and he in us, because he hath given us of his Spirit.
14 Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana kuva Muponesi wenyika. And we have seen and do testify that the Father sent the Son to be the Saviour of the world.
15 Ani nani anobvuma kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari. Whosoever shall confess that Jesus is the Son of God, God dwelleth in him, and he in God.
16 Nesu takaziva uye takatenda rudo Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo, uye anogara murudo anogara muna Mwari, naMwari maari. And we have known and believed the love that God hath to us. God is love; and he that dwelleth in love dwelleth in God, and God in him.
17 Pane izvi rudo rwakapedzeredzwa nesu, kuti tive neushingi nezuva rekutonga, nokuti sezvaari iye, nesu takadaro kunyika ino. Herein is our love made perfect, that we may have boldness in the day of judgment: because as he is, so are we in this world.
18 Hakuna kutya murudo, asi rudo rwakaperera rwunodzingira kunze kutya, nokuti kutya kune marwadzo; anotya haana kuperedzerwa parudo. There is no fear in love; but perfect love casteth out fear: because fear hath torment. He that feareth is not made perfect in love.
19 Isu tinomuda, nokuti iye wakatanga kutida. We love him, because he first loved us.
20 Kana umwe achitaura kuti: Ndinoda Mwari, asi achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti uyo asingadi hama yake yaakaona, anogona sei kuda Mwari waasina kuona? If a man say, I love God, and hateth his brother, he is a liar: for he that loveth not his brother whom he hath seen, how can he love God whom he hath not seen?
21 Uye murairo uyu tinawo kubva kwaari, kuti anoda Mwari ngaadewo hama yake. And this commandment have we from him, That he who loveth God love his brother also.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL