요한일서 5장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한일서 (1 John) · 21절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Ani nani anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa kubva kuna Mwari; uye ani nani anoda uyo wakabereka anodawo wakaberekwa kubva kwaari. | Whosoever believeth that Jesus is the Christ is born of God: and every one that loveth him that begat loveth him also that is begotten of him. |
| 2 | Pane izvi tinoziva kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, uye tichichengeta mirairo yake. | By this we know that we love the children of God, when we love God, and keep his commandments. |
| 3 | Nokuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; uye mirairo yake hairemi. | For this is the love of God, that we keep his commandments: and his commandments are not grievous. |
| 4 | Nokuti chipi nechipi chakaberekwa kubva kuna Mwari chinokunda nyika; uye uku ndiko kukunda kunokunda nyika, irwo rutendo rwedu. | For whatsoever is born of God overcometh the world: and this is the victory that overcometh the world, even our faith. |
| 5 | Ndiani anokunda nyika, kana asiri iye anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari? | Who is he that overcometh the world, but he that believeth that Jesus is the Son of God? |
| 6 | Uyu ndiye wakauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yega, asi nemvura neropa. Zvino Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ichokwadi. | This is he that came by water and blood, even Jesus Christ; not by water only, but by water and blood. And it is the Spirit that beareth witness, because the Spirit is truth. |
| 7 | Nokuti kune vatatu vanopupura kudenga, Baba, Shoko, naMweya Mutsvene; uye ava vatatu ndimumwe. | For there are three that bear record in heaven, the Father, the Word, and the Holy Ghost: and these three are one. |
| 8 | Uye kune vatatu vanopupura panyika, Mweya, nemvura, neropa, uye ava vatatu vanonova chimwe. | And there are three that bear witness in earth, the spirit, and the water, and the blood: and these three agree in one. |
| 9 | Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari hwakapfuura kukura; nokuti uhu uchapupu hwaMwari, hwaakapupura pamusoro peMwanakomana wake. | If we receive the witness of men, the witness of God is greater: for this is the witness of God which he hath testified of his Son. |
| 10 | Uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu maari pachake; asingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupura maererano neMwanakomana wake. | He that believeth on the Son of God hath the witness in himself: he that believeth not God hath made him a liar; because he believeth not the record that God gave of his Son. |
| 11 | Uye uhu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhu huri muMwanakomana wake. | And this is the record, that God hath given to us eternal life, and this life is in his Son. |
| 12 | Uyo ane Mwanakomana ane upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu. | He that hath the Son hath life; and he that hath not the Son of God hath not life. |
| 13 | Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita reMwanakomana waMwari, kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi, uye kuti mutende kuzita reMwanakomana waMwari. | These things have I written unto you that believe on the name of the Son of God; that ye may know that ye have eternal life, and that ye may believe on the name of the Son of God. |
| 14 | Uye uhu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu zvinoenderana nekuda kwake, anotinzwa; | And this is the confidence that we have in him, that, if we ask any thing according to his will, he heareth us: |
| 15 | zvino kana tichiziva kuti anotinzwa, zvese zvatinokumbira, tinoziva kuti tine zvichemo zvatakakumbira kwaari. | And if we know that he hear us, whatsoever we ask, we know that we have the petitions that we desired of him. |
| 16 | Kana umwe achiona hama yake ichitadza chivi chisiri cherufu, achakumbira, uye achamupa upenyu kune vasingatadzi chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handisi kuti akumbire pamusoro pechichi. | If any man see his brother sin a sin which is not unto death, he shall ask, and he shall give him life for them that sin not unto death. There is a sin unto death: I do not say that he shall pray for it. |
| 17 | Kusarurama kwese chivi; uye chivi chiripo chisiri cherufu. | All unrighteousness is sin: and there is a sin not unto death. |
| 18 | Tinoziva kuti ani nani wakaberekwa kubva kuna Mwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa kubva kuna Mwari anozvichengeta, uye wakaipa haamubati. | We know that whosoever is born of God sinneth not; but he that is begotten of God keepeth himself, and that wicked one toucheth him not. |
| 19 | Tinoziva kuti tiri vanobva kuna Mwari, nenyika yese irere muzvakaipa. | And we know that we are of God, and the whole world lieth in wickedness. |
| 20 | Uye tinoziva kuti Mwanakomana waMwari wakauya, akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri mune wechokwadi, muMwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu husingaperi. | And we know that the Son of God is come, and hath given us an understanding, that we may know him that is true, and we are in him that is true, even in his Son Jesus Christ. This is the true God, and eternal life. |
| 21 | Vana vadiki, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni. | Little children, keep yourselves from idols. Amen. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL