로그인

요한일서 3장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한일서 (1 John) · 24절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Tarirai kuti rudo rwakadini Baba rwavakatipa, kuti tinzi vana vaMwari. Nekuda kwaizvozvi nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye. Behold, what manner of love the Father hath bestowed upon us, that we should be called the sons of God: therefore the world knoweth us not, because it knew him not.
2 Vadikanwi, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoratidzwa, tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita. Beloved, now are we the sons of God, and it doth not yet appear what we shall be: but we know that, when he shall appear, we shall be like him; for we shall see him as he is.
3 Uye umwe neumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvaakachena iye. And every man that hath this hope in him purifieth himself, even as he is pure.
4 Umwe neumwe anoita chivi anoitawo kusava nemurairo; uye chivi ndiko kusava nemurairo. Whosoever committeth sin transgresseth also the law: for sin is the transgression of the law.
5 Uye munoziva kuti iye wakaratidzwa kuti abvise zvivi zvedu; uye zvivi hazvimo maari. And ye know that he was manifested to take away our sins; and in him is no sin.
6 Ani nani anogara maari haatadzi; ani nani anotadza haana kumuona, kana kumuziva. Whosoever abideth in him sinneth not: whosoever sinneth hath not seen him, neither known him.
7 Vana vadiki, kusava neanokunyengerai; uyo anoita kururama wakarurama, saiye akarurama; Little children, let no man deceive you: he that doeth righteousness is righteous, even as he is righteous.
8 uyo anoita chivi anobva kuna dhiabhorosi, nokuti dhiabhorosi anotadza kubva pakutanga. Nechikonzero ichi Mwanakomana waMwari wakaratidzwa kuti aparadze mabasa adhiabhorosi. He that committeth sin is of the devil; for the devil sinneth from the beginning. For this purpose the Son of God was manifested, that he might destroy the works of the devil.
9 Ani nani wakaberekwa naMwari haaiti chivi, nokuti mbeu yake inogara maari; zvino haagoni kutadza, nokuti wakaberekwa naMwari. Whosoever is born of God doth not commit sin; for his seed remaineth in him: and he cannot sin, because he is born of God.
10 Mune izvozvi vana vaMwari nevana vadhiabhorosi vanoratidzwa; ani nani asingaiti zvakarurama haabvi kuna Mwari, neasingadi hama yake. In this the children of God are manifest, and the children of the devil: whosoever doeth not righteousness is not of God, neither he that loveth not his brother.
11 Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidanane; For this is the message that ye heard from the beginning, that we should love one another.
12 kwete saKaini wakabva kune wakaipa, ndokuuraya munin'ina wake. Zvino wakamuurayirei? Nokuti mabasa ake akange akaipa, asi emunin'ina wake akange akarurama. Not as Cain, who was of that wicked one, and slew his brother. And wherefore slew he him? Because his own works were evil, and his brother’s righteous.
13 Musashamisika, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai. Marvel not, my brethren, if the world hate you.
14 Isu tinoziva kuti takapfuura murufu tikapinda muupenyu, nokuti tinoda hama. Asingadi hama anogara murufu. We know that we have passed from death unto life, because we love the brethren. He that loveth not his brother abideth in death.
15 Ani nani anovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakutongorina mhondi ine upenyu husingaperi hunogara mairi. Whosoever hateth his brother is a murderer: and ye know that no murderer hath eternal life abiding in him.
16 Neizvi tinoziva rudo rwaMwari, nokuti iye wakatiradzikira pasi upenyu hwake; nesu tinofanira kuradzikira pasi hama upenyu. Hereby perceive we the love of God, because he laid down his life for us: and we ought to lay down our lives for the brethren.
17 Asi ani nani ane nhumbi dzenyika, uye achiona hama yake ichishaiwa, ndokumupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari rwunogara sei maari? But whoso hath this world’s good, and seeth his brother have need, and shutteth up his bowels of compassion from him, how dwelleth the love of God in him?
18 Vana vangu vadiki, ngatirege kuda pashoko kana parurimi, asi pazviito nepachokwadi. My little children, let us not love in word, neither in tongue; but in deed and in truth.
19 Uye neizvi tinoziva kuti tiri vechokwadi, uye tichavimbisa moyo yedu pamberi pake. And hereby we know that we are of the truth, and shall assure our hearts before him.
20 Nokuti kana moyo wedu uchitipa mhosva, Mwari mukuru kumoyo wedu, uye anoziva zvinhu zvese. For if our heart condemn us, God is greater than our heart, and knoweth all things.
21 Vadikanwi, kana moyo wedu usingatipi mhosva, tine chivimbo pamberi paMwari; Beloved, if our heart condemn us not, then have we confidence toward God.
22 uye chipi nechipi chatinokumbira, tinogamuchira kubva kwaari, nokuti tinochengeta mirairo yake, uye tinoita zvinhu zvinofadza pamberi pake. And whatsoever we ask, we receive of him, because we keep his commandments, and do those things that are pleasing in his sight.
23 Uye uyu ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita reMwanakomana wake Jesu Kristu, uye tidanane, sezvaakatipa murairo. And this is his commandment, That we should believe on the name of his Son Jesus Christ, and love one another, as he gave us commandment.
24 Uye uyo anochengeta mirairo yake anogara maari, naiye maari. Neizviwo tinoziva kuti anogara matiri, kubva paMweya waakatipa. And he that keepeth his commandments dwelleth in him, and he in him. And hereby we know that he abideth in us, by the Spirit which he hath given us.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL