요한일서 2장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한일서 (1 John) · 29절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Vana vangu vadiki, zvinhu izvi ndinokunyorerai, kuti musatadza. Uye kana umwe achitadza, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu wakarurama; | My little children, these things write I unto you, that ye sin not. And if any man sin, we have an advocate with the Father, Jesus Christ the righteous: |
| 2 | uye iye muripo wekuyananisa wezvivi zvedu; kwete wezvedu chetewo, asiwo wezvenyika yese. | And he is the propitiation for our sins: and not for ours only, but also for the sins of the whole world. |
| 3 | Uye mune izvi tinoziva kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake. | And hereby we do know that we know him, if we keep his commandments. |
| 4 | Uyo anoti: Ndinomuziva, asi asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, nemaari chokwadi hachimo; | He that saith, I know him, and keepeth not his commandments, is a liar, and the truth is not in him. |
| 5 | asi ani nani anochengeta shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari rwakaperedzerwa maari. Naizvozvi tinoziva kuti tiri maari. | But whoso keepeth his word, in him verily is the love of God perfected: hereby know we that we are in him. |
| 6 | Uyo anoti anogara maari iye anofanirawo kufamba saizvozvo sezvaakafamba iyewo. | He that saith he abideth in him ought himself also so to walk, even as he walked. |
| 7 | Hama, handinyori murairo mutsva kwamuri, asi murairo mutsaru, wamakange munawo kubva pakutanga; murairo mutsaru ishoko ramakanzwa kubva pakutanga. | Brethren, I write no new commandment unto you, but an old commandment which ye had from the beginning. The old commandment is the word which ye have heard from the beginning. |
| 8 | Ndinopamha kukunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi maari nemamuri; nokuti rima rinopfuura, zvino chiedza chechokwadi chadovhenekera. | Again, a new commandment I write unto you, which thing is true in him and in you: because the darkness is past, and the true light now shineth. |
| 9 | Uyo anoti ari muchiedza, achivengawo hama yake, ari murima kusvikira zvino. | He that saith he is in the light, and hateth his brother, is in darkness even until now. |
| 10 | Uyo anoda hama yake anogara muchiedza, uye hapana chigumbuso maari. | He that loveth his brother abideth in the light, and there is none occasion of stumbling in him. |
| 11 | Asi uyo anovenga hama yake ari murima, uye anofamba murima, haaziviwo kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake. | But he that hateth his brother is in darkness, and walketh in darkness, and knoweth not whither he goeth, because that darkness hath blinded his eyes. |
| 12 | Ndinonyorera imwi, vana vadiki, nokuti zvivi makazvikanganwirwa nekuda kwezita rake. | I write unto you, little children, because your sins are forgiven you for his name’s sake. |
| 13 | Ndinonyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva uripo kubva pakutanga. Ndinonyorera imwi, vadiki, nokuti makakunda wakaipa. Ndinonyorera imwi, vanana, nokuti makaziva Baba. | I write unto you, fathers, because ye have known him that is from the beginning. I write unto you, young men, because ye have overcome the wicked one. I write unto you, little children, because ye have known the Father. |
| 14 | Ndanyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva iye wakange aripo kubva pakutanga. Ndanyora kwamuri, vadiki, nokuti makasimba, uye shoko raMwari rinogara mamuri uye makakunda wakaipa. | I have written unto you, fathers, because ye have known him that is from the beginning. I have written unto you, young men, because ye are strong, and the word of God abideth in you, and ye have overcome the wicked one. |
| 15 | Musada nyika, kana zvinhu zviri munyika. Kana umwe achida nyika, rudo rwaBaba harwusi maari. | Love not the world, neither the things that are in the world. If any man love the world, the love of the Father is not in him. |
| 16 | Nokuti zvese zviri munyika, kuchiva kwenyama, nekuchiva kwameso, nekuzvikudza kweupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva panyika. | For all that is in the world, the lust of the flesh, and the lust of the eyes, and the pride of life, is not of the Father, but is of the world. |
| 17 | Uye nyika inopfuura, nekuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari anogara kusvika rinhi narinhi. | And the world passeth away, and the lust thereof: but he that doeth the will of God abideth for ever. |
| 18 | Vana vadiki, inguva yekupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti mupikisi waKristu anouya, naikozvino vazhinji vava vapikisi vaKristu; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yekupedzisira. | Little children, it is the last time: and as ye have heard that antichrist shall come, even now are there many antichrists; whereby we know that it is the last time. |
| 19 | Vakabuda kwatiri, asi vakange vasiri vanobva kwedu, nokuti dai vaibva kwedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabuda kuti varatidzwe kuti havasi vese vanobva kwedu. | They went out from us, but they were not of us; for if they had been of us, they would no doubt have continued with us: but they went out, that they might be made manifest that they were not all of us. |
| 20 | Asi imwi mune kuzodzwa kunobva kune Mutsvene, uye munoziva zvinhu zvese. | But ye have an unction from the Holy One, and ye know all things. |
| 21 | Handina kukunyorerai nokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munochiziva, uye nokuti hakutongorina nhema dzingabva pachokwadi. | I have not written unto you because ye know not the truth, but because ye know it, and that no lie is of the truth. |
| 22 | Ndiani murevi wenhema, kunze kwaiye anoramba kuti Jesu ndiKristu? Iye mupikisi waKristu, anoramba Baba neMwanakomana. | Who is a liar but he that denieth that Jesus is the Christ? He is antichrist, that denieth the Father and the Son. |
| 23 | Ani nani anoramba Mwanakomana haanawo Baba; anobvuma Mwanakomana ana Babawo. | Whosoever denieth the Son, the same hath not the Father: [but] he that acknowledgeth the Son hath the Father also. |
| 24 | Zvino imwi zvamakanzwa kubva pakutanga ngazvigare mamuri. Kana zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, imwiwo muchagara muMwanakomana nemuna Baba. | Let that therefore abide in you, which ye have heard from the beginning. If that which ye have heard from the beginning shall remain in you, ye also shall continue in the Son, and in the Father. |
| 25 | Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa iye, upenyu husingaperi. | And this is the promise that he hath promised us, even eternal life. |
| 26 | Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pevanokutsausai. | These things have I written unto you concerning them that seduce you. |
| 27 | Asi imwi kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki kuti umwe akudzidzisei; asi kuzodzwa ikoku sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvese, uye kuri chokwadi, dzisati dziri nhema, uye sezvakwakakudzidzisai, muchagara maari. | But the anointing which ye have received of him abideth in you, and ye need not that any man teach you: but as the same anointing teacheth you of all things, and is truth, and is no lie, and even as it hath taught you, ye shall abide in him. |
| 28 | Uye ikozvino, vana vadiki, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tiregewo kunyadziswa naye pakuuya kwake. | And now, little children, abide in him; that, when he shall appear, we may have confidence, and not be ashamed before him at his coming. |
| 29 | Kana muchiziva kuti wakarurama, munoziva kuti umwe neumwe anoita zvakarurama wakaberekwa naye. | If ye know that he is righteous, ye know that every one that doeth righteousness is born of him. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL