요한복음 9장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 41절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Wakati achipfuura, akaona munhu bofu kubva pakuberekwa. | And as Jesus passed by, he saw a man which was blind from his birth. |
| 2 | Vadzidzi vake ndokumubvunza, vachiti: Rabhi*, ndiani wakatadza, uyu kana vabereki vake, kuti aberekwe ari bofu? | And his disciples asked him, saying, Master, who did sin, this man, or his parents, that he was born blind? |
| 3 | Jesu akapindura akati: Uyu haana kutadza, kana vabereki vake; asi kuti mabasa aMwari aoneswe maari. | Jesus answered, Neither hath this man sinned, nor his parents: but that the works of God should be made manifest in him. |
| 4 | Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hunouya, apo pasina munhu angagona kushanda. | I must work the works of him that sent me, while it is day: the night cometh, when no man can work. |
| 5 | Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika. | As long as I am in the world, I am the light of the world. |
| 6 | Wakati areva izvi, akapfira pasi, akaita dope nemate, akazodza dope pameso ebofu, | When he had thus spoken, he spat on the ground, and made clay of the spittle, and he anointed the eyes of the blind man with the clay, |
| 7 | akati kwaari: Enda unoshamba mudziva reSiroami (zvinoshandurwa kuti: Wakatumwa). Naizvozvo wakaenda akashamba, akadzoka achiona. | And said unto him, Go, wash in the pool of Siloam, (which is by interpretation, Sent.) He went his way therefore, and washed, and came seeing. |
| 8 | Naizvozvo vavakidzani nevaimuona pakutanga kuti wakange ari bofu, vakati: Haasi iye uyu waigara achipemha here? | The neighbours therefore, and they which before had seen him that he was blind, said, Is not this he that sat and begged? |
| 9 | Vamwe vakati: Uyu ndiye; asi vamwe vakati: Wakaita saiye. Iye akati: Ndini. | Some said, This is he: others said, He is like him: but he said, I am he. |
| 10 | Naizvozvo vakati kwaari: Meso ako akazarurwa sei? | Therefore said they unto him, How were thine eyes opened? |
| 11 | Akapindura izvo akati: Munhu anonzi Jesu wakaita dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami unoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikaonazve. | He answered and said, A man that is called Jesus made clay, and anointed mine eyes, and said unto me, Go to the pool of Siloam, and wash: and I went and washed, and I received sight. |
| 12 | Naizvozvo vakati kwaari: Iye aripi? Akati: Handizivi. | Then said they unto him, Where is he? He said, I know not. |
| 13 | Vakamuisa kuVaFarisi, iye waimbova bofu. | They brought to the Pharisees him that aforetime was blind. |
| 14 | Zvino raiva sabata apo Jesu akaita dope, akasvinudza meso ake. | And it was the sabbath day when Jesus made the clay, and opened his eyes. |
| 15 | Naizvozvo zvekare VaFarisi vakamubvunzawo, kuti wakaonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu ndikashamba, ndava kuona. | Then again the Pharisees also asked him how he had received his sight. He said unto them, He put clay upon mine eyes, and I washed, and do see. |
| 16 | Naizvozvo vamwe veVaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Munhu ari mutadzi angaita sei zviratidzo zvakadai? Kukava nekupesana pakati pavo. | Therefore said some of the Pharisees, This man is not of God, because he keepeth not the sabbath day. Others said, How can a man that is a sinner do such miracles? And there was a division among them. |
| 17 | Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, sezvo asvinudza meso ako? Akati: Muporofita. | They say unto the blind man again, What sayest thou of him, that he hath opened thine eyes? He said, He is a prophet. |
| 18 | Zvino VaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakange ari bofu, akaonazve, kusvikira vadana vabereki vewakaonazve, | But the Jews did not believe concerning him, that he had been blind, and received his sight, until they called the parents of him that had received his sight. |
| 19 | zvino vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu imwi wamunoti wakaberekwa ari bofu here? Naizvozvo ikozvino woona sei? | And they asked them, saying, Is this your son, who ye say was born blind? how then doth he now see? |
| 20 | Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu; | His parents answered them and said, We know that this is our son, and that he was born blind: |
| 21 | asi kuti ikozvino woona sei, hatizivi; kana ndiani wasvinudza meso ake, isu hatizivi; iye wayaruka, mubvunzei, iye pachake achazvitaurira. | But by what means he now seeth, we know not; or who hath opened his eyes, we know not: he is of age; ask him: he shall speak for himself. |
| 22 | Vabereki vake vakareva izvi, nokuti vaitya VaJudha; nokuti VaJudha vakange vatotenderana kuti kana ani nani anobvuma kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge. | These words spake his parents, because they feared the Jews: for the Jews had agreed already, that if any man did confess that he was Christ, he should be put out of the synagogue. |
| 23 | Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei. | Therefore said his parents, He is of age; ask him. |
| 24 | Naizvozvo vakadana rwechipiri uyo munhu wakange ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi. | Then again called they the man that was blind, and said unto him, Give God the praise: we know that this man is a sinner. |
| 25 | Naizvozvo iye akapindura achiti: Kana ari mutadzi handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, ikozvino ndoona. | He answered and said, Whether he be a sinner or no, I know not: one thing I know, that, whereas I was blind, now I see. |
| 26 | Zvino vakati kwaarizve: Wakaitei kwauri? Wakasvinudza meso ako sei? | Then said they to him again, What did he to thee? how opened he thine eyes? |
| 27 | Akavapindura, akati: Ndadokuudzai, asi hamuna kunzwa, munodirei kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vake kanhi? | He answered them, I have told you already, and ye did not hear: wherefore would ye hear it again? will ye also be his disciples? |
| 28 | Naizvozvo vakamutuka, vakati: Ndiwe mudzidzi wake; asi isu tiri vadzidzi vaMozisi. | Then they reviled him, and said, Thou art his disciple; but we are Moses’ disciples. |
| 29 | Isu tinoziva kuti Mwari wakataura kuna Mozisi; asi uyu hatizivi kwaanobva. | We know that God spake unto Moses: as for this fellow, we know not from whence he is. |
| 30 | Munhu akapindura akati kwavari: Nokuti pachinhu ichi pane chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, asi wasvinudza meso angu. | The man answered and said unto them, Why herein is a marvellous thing, that ye know not from whence he is, and yet he hath opened mine eyes. |
| 31 | Zvino tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita chido chake, uyu anomunzwa. | Now we know that God heareth not sinners: but if any man be a worshipper of God, and doeth his will, him he heareth. |
| 32 | Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti umwe wakasvinudza meso ewakaberekwa ari bofu. | Since the world began was it not heard that any man opened the eyes of one that was born blind. |
| 33 | Dai uyu anga asingabvi kuna Mwari, haasaigona kuita chinhu. | If this man were not of God, he could do nothing. |
| 34 | Vakapindura vakati kwaari: Iwe zvachese wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze. | They answered and said unto him, Thou wast altogether born in sins, and dost thou teach us? And they cast him out. |
| 35 | Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here? | Jesus heard that they had cast him out; and when he had found him, he said unto him, Dost thou believe on the Son of God? |
| 36 | Iye akapindura akati: Ndiani, Ishe, kuti nditende kwaari? | He answered and said, Who is he, Lord, that I might believe on him? |
| 37 | Jesu ndokuti kwaari: Newe wamuona, uye anotaura newe, ndiye. | And Jesus said unto him, Thou hast both seen him, and it is he that talketh with thee. |
| 38 | Zvino akati: Ishe ndinotenda; akamunamata. | And he said, Lord, I believe. And he worshipped him. |
| 39 | Jesu ndokuti: Kutonga ndiko ini kwandakauira panyika ino, kuti vasingaoni vaone; nevanoona vave mapofu. | And Jesus said, For judgment I am come into this world, that they which see not might see; and that they which see might be made blind. |
| 40 | Uye avo veVaFarisi vaiva naye vakanzwa zvinhu izvi, vakati kwaari: Nesu tiri mapofu here? | And some of the Pharisees which were with him heard these words, and said unto him, Are we blind also? |
| 41 | Jesu akati kwavari: Dai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi ikozvino munoti: Tinoona; naizvozvo chivi chenyu chinogara. | Jesus said unto them, If ye were blind, ye should have no sin: but now ye say, We see; therefore your sin remaineth. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL