로그인

요한복음 10장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 42절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Asingapindi napamukova mudanga remakwai, asi anokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo. Verily, verily, I say unto you, He that entereth not by the door into the sheepfold, but climbeth up some other way, the same is a thief and a robber.
2 Zvino anopinda nepamukova mufudzi wemakwai. But he that entereth in by the door is the shepherd of the sheep.
3 Murindi wemukova anomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye anodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze. To him the porter openeth; and the sheep hear his voice: and he calleth his own sheep by name, and leadeth them out.
4 Uye kana abudisa makwai ake, anoatungamirira; nemakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake. And when he putteth forth his own sheep, he goeth before them, and the sheep follow him: for they know his voice.
5 Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi revaeni. And a stranger will they not follow, but will flee from him: for they know not the voice of strangers.
6 Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari. This parable spake Jesus unto them: but they understood not what things they were which he spake unto them.
7 Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai; Then said Jesus unto them again, Verily, verily, I say unto you, I am the door of the sheep.
8 vese vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa. All that ever came before me are thieves and robbers: but the sheep did not hear them.
9 Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, achaponeswa, achapinda nekubuda, nekuwana mafuro. I am the door: by me if any man enter in, he shall be saved, and shall go in and out, and find pasture.
10 Mbavha haiui asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nehunopfachukira. The thief cometh not, but for to steal, and to kill, and to destroy: I am come that they might have life, and that they might have it more abundantly.
11 Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka anoradzikira pasi makwai upenyu hwake. I am the good shepherd: the good shepherd giveth his life for the sheep.
12 Asi muricho, asati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, anoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai. But he that is an hireling, and not the shepherd, whose own the sheep are not, seeth the wolf coming, and leaveth the sheep, and fleeth: and the wolf catcheth them, and scattereth the sheep.
13 Muricho anotiza nokuti muricho, uye haana hanya nemakwai. The hireling fleeth, because he is an hireling, and careth not for the sheep.
14 Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikanwa neangu. I am the good shepherd, and know my sheep, and am known of mine.
15 Baba sezvavanondiziva, neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu. As the Father knoweth me, even so know I the Father: and I lay down my life for the sheep.
16 Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe. And other sheep I have, which are not of this fold: them also I must bring, and they shall hear my voice; and there shall be one fold, and one shepherd.
17 Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve. Therefore doth my Father love me, because I lay down my life, that I might take it again.
18 Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu. No man taketh it from me, but I lay it down of myself. I have power to lay it down, and I have power to take it again. This commandment have I received of my Father.
19 Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati peVaJudha nekuda kwemashoko awa. There was a division therefore again among the Jews for these sayings.
20 Vazhinji vavo vakati: Ane dhimoni uye anopenga; munomuteererei? And many of them said, He hath a devil, and is mad; why hear ye him?
21 Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eane dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here? Others said, These are not the words of him that hath a devil. Can a devil open the eyes of the blind?
22 Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando; And it was at Jerusalem the feast of the dedication, and it was winter.
23 Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni. And Jesus walked in the temple in Solomon’s porch.
24 Zvino VaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya wedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena. Then came the Jews round about him, and said unto him, How long dost thou make us to doubt? If thou be the Christ, tell us plainly.
25 Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu; Jesus answered them, I told you, and ye believed not: the works that I do in my Father’s name, they bear witness of me.
26 asi imwi hamutendi; nokuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri. But ye believe not, because ye are not of my sheep, as I said unto you.
27 Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera; My sheep hear my voice, and I know them, and they follow me:
28 uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu. And I give unto them eternal life; and they shall never perish, neither shall any man pluck them out of my hand.
29 Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vese; uye hakuna anogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu. My Father, which gave them me, is greater than all; and no man is able to pluck them out of my Father’s hand.
30 Ini naBaba tiri umwe. I and my Father are one.
31 Naizvozvo VaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake. Then the Jews took up stones again to stone him.
32 Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira? Jesus answered them, Many good works have I shewed you from my Father; for which of those works do ye stone me?
33 VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari. The Jews answered him, saying, For a good work we stone thee not; but for blasphemy; and because that thou, being a man, makest thyself God.
34 Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari? Jesus answered them, Is it not written in your law, I said, Ye are gods?
35 Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa; If he called them gods, unto whom the word of God came, and the scripture cannot be broken;
36 imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari? Say ye of him, whom the Father hath sanctified, and sent into the world, Thou blasphemest; because I said, I am the Son of God?
37 Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda. If I do not the works of my Father, believe me not.
38 Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari. But if I do, though ye believe not me, believe the works: that ye may know, and believe, that the Father is in me, and I in him.
39 Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo. Therefore they sought again to take him: but he escaped out of their hand,
40 Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo. And went away again beyond Jordan into the place where John at first baptized; and there he abode.
41 Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chese Johwani chaakareva pamusoro peuyu chaiva chokwadi. And many resorted unto him, and said, John did no miracle: but all things that John spake of this man were true.
42 Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo. And many believed on him there.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL