로그인

요한복음 2장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 25절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino nezuva retatu kwakava nemuchato muKana yeGarirea; namai vaJesu vakange varipo. And the third day there was a marriage in Cana of Galilee; and the mother of Jesus was there:
2 NaJesuwo wakange akokwa pamwe nevadzidzi vake kumuchato. And both Jesus was called, and his disciples, to the marriage.
3 Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini. And when they wanted wine, the mother of Jesus saith unto him, They have no wine.
4 Jesu akati kwavari: Mukadzi, ndinei newe? Nguva yangu haisati yasvika. Jesus saith unto her, Woman, what have I to do with thee? mine hour is not yet come.
5 Mai vake vakati kuvaranda: Chipi nechipi chaanokuudzai, itai. His mother saith unto the servants, Whatsoever he saith unto you, do it.
6 Zvino kwakange kwakaiswapo zvirongo zvitanhatu zvemabwe semachenuriro emaJudha, chimwe nechimwe chaipinda zviyero zviviri kana zvitatu. And there were set there six waterpots of stone, after the manner of the purifying of the Jews, containing two or three firkins apiece.
7 Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamuromo. Jesus saith unto them, Fill the waterpots with water. And they filled them up to the brim.
8 Ndokubva ati kwavari: Cherai ikozvino, mutakurire kumubati wekudya. Vakazvitakura. And he saith unto them, Draw out now, and bear unto the governor of the feast. And they bare it.
9 Mubati wekudya wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi kwainobva (asi varanda vakange vachera mvura vaiziva), mubati wekudya akadana muwani, When the ruler of the feast had tasted the water that was made wine, and knew not whence it was: (but the servants which drew the water knew;) the governor of the feast called the bridegroom,
10 ndokuti kwaari: Munhu umwe neumwe pakutanga anoisa waini yakanaka, kana vanyatsonwa, isina kunyatsonaka; iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino. And saith unto him, Every man at the beginning doth set forth good wine; and when men have well drunk, then that which is worse: but thou hast kept the good wine until now.
11 Uku kutanga kwezviratidzo kwakaita Jesu paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari. This beginning of miracles did Jesus in Cana of Galilee, and manifested forth his glory; and his disciples believed on him.
12 Shure kweizvozvo wakaburukira kuKapenaume, iye, namai vake, nevanin'ina vake, nevadzidzi vake; vakagarako mazuva asiri mazvinji. After this he went down to Capernaum, he, and his mother, and his brethren, and his disciples: and they continued there not many days.
13 Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera, Jesu ndokukwira kuJerusarema. And the Jews’ passover was at hand, and Jesus went up to Jerusalem,
14 Akawanawo mutembere avo vanotengesa nzombe nemakwai nenjiva, nevatsinhanisi vemari vagere. And found in the temple those that sold oxen and sheep and doves, and the changers of money sitting:
15 Zvino wakati aita tyava yerwonzi, akavadzinga vese mutembere, nemakwai nenzombe; akateura mari yevatsinhanisi, ndokupidigura matafura. And when he had made a scourge of small cords, he drove them all out of the temple, and the sheep, and the oxen; and poured out the changers’ money, and overthrew the tables;
16 Akati kune vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yekutengeserana. And said unto them that sold doves, Take these things hence; make not my Father’s house an house of merchandise.
17 Vadzidzi vake ndokurangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kwandidya kukandipedza. And his disciples remembered that it was written, The zeal of thine house hath eaten me up.
18 Naizvozvo VaJudha vakapindura, vakati kwaari: Unotiratidza chiratidzo chei, chekuti unoita zvinhu izvi? Then answered the Jews and said unto him, What sign shewest thou unto us, seeing that thou doest these things?
19 Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa. Jesus answered and said unto them, Destroy this temple, and in three days I will raise it up.
20 Naizvozvo VaJudha vakati: Makore makumi mana nematanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa nemazuva matatu here? Then said the Jews, Forty and six years was this temple in building, and wilt thou rear it up in three days?
21 Asi iye waireva zvetembere yemuviri wake. But he spake of the temple of his body.
22 Naizvozvo wakati amuka kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira kuti wakange areva izvi kwavari; ndokutenda rugwaro, neshoko Jesu raakange areva. When therefore he was risen from the dead, his disciples remembered that he had said this unto them; and they believed the scripture, and the word which Jesus had said.
23 Zvino wakati ava muJerusarema papasika, pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita. Now when he was in Jerusalem at the passover, in the feast day, many believed in his name, when they saw the miracles which he did.
24 Asi Jesu pachake haana kuzvikumikidza kwavari, nokuti wakange achivaziva vese. But Jesus did not commit himself unto them, because he knew all men,
25 Uye nokuti wakange asingatsvaki kuti ani nani apupure zvemunhu; nokuti wakange achiziva pachake zvakange zviri mumunhu. And needed not that any should testify of man: for he knew what was in man.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL