로그인

요한복음 3장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 36절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Kwaiva nemunhu wekuVaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri weVaJudha. There was a man of the Pharisees, named Nicodemus, a ruler of the Jews:
2 Uyu wakauya kuna Jesu usiku, akati kwaari: Rabhi*, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kuna Mwari; nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo izvi zvamunoita imwi, kana Mwari asinaye. The same came to Jesus by night, and said unto him, Rabbi, we know that thou art a teacher come from God: for no man can do these miracles that thou doest, except God be with him.
3 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kwekuti munhu aberekwa kutsva, haagoni kuona ushe hwaMwari. Jesus answered and said unto him, Verily, verily, I say unto thee, Except a man be born again, he cannot see the kingdom of God.
4 Nikodhimo akati kwaari: Munhu anogona kuberekwa sei ava mukuru? Anogona kupinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here? Nicodemus saith unto him, How can a man be born when he is old? can he enter the second time into his mother’s womb, and be born?
5 Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asina kuberekwa nemvura neMweya, haagoni kupinda muushe hwaMwari. Jesus answered, Verily, verily, I say unto thee, Except a man be born of water and of the Spirit, he cannot enter into the kingdom of God.
6 Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa neMweya, mweya. That which is born of the flesh is flesh; and that which is born of the Spirit is spirit.
7 Usashamisika kuti ndati kwauri: Zvakafanira kuti muberekwe kutsva. Marvel not that I said unto thee, Ye must be born again.
8 Mhepo inovhuvhuta painoda, uye unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva nepainoenda; wakadaro wese wakaberekwa neMweya. The wind bloweth where it listeth, and thou hearest the sound thereof, but canst not tell whence it cometh, and whither it goeth: so is every one that is born of the Spirit.
9 Nikodhimo akapindura ndokuti kwaari: Zvinhu izvi zvinogona kuitika sei? Nicodemus answered and said unto him, How can these things be?
10 Jesu akapindura, ndokuti kwaari: Iwe uri mudzidzisi waIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi here? Jesus answered and said unto him, Art thou a master of Israel, and knowest not these things?
11 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva, tichipupura zvatakaona; asi hamugamuchiri uchapupu hwedu. Verily, verily, I say unto thee, We speak that we do know, and testify that we have seen; and ye receive not our witness.
12 Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika uye mukasatenda, muchatenda sei kana ndichikuudzai zvinhu zvekudenga? If I have told you earthly things, and ye believe not, how shall ye believe, if I tell you of heavenly things?
13 Uye hakuna munhu wakakwira kudenga, kunze kwewakaburuka kudenga, Mwanakomana wemunhu ari kudenga. And no man hath ascended up to heaven, but he that came down from heaven, even the Son of man which is in heaven.
14 Uye Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvowo Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa; And as Moses lifted up the serpent in the wilderness, even so must the Son of man be lifted up:
15 kuti ani nani anotenda maari arege kuparara asi ave neupenyu husingaperi. That whosoever believeth in him should not perish, but have eternal life.
16 Nokuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa umwe ega, kuti ani nani anotenda kwaari arege kuparara, asi ave neupenyu husingaperi. For God so loved the world, that he gave his only begotten Son, that whosoever believeth in him should not perish, but have everlasting life.
17 Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika iponeswe naye. For God sent not his Son into the world to condemn the world; but that the world through him might be saved.
18 Anotenda kwaari haapiwi mhosva; asi asingatendi watopiwa mhosva, nokuti haana kutenda kuzita reMwanakomana waMwari wakaberekwa umwe ega. He that believeth on him is not condemned: but he that believeth not is condemned already, because he hath not believed in the name of the only begotten Son of God.
19 Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza; nokuti mabasa avo akange akaipa. And this is the condemnation, that light is come into the world, and men loved darkness rather than light, because their deeds were evil.
20 Nokuti umwe neumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa. For every one that doeth evil hateth the light, neither cometh to the light, lest his deeds should be reproved.
21 Asi anoita chokwadi anouya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe, kuti akaitwa muna Mwari. But he that doeth truth cometh to the light, that his deeds may be made manifest, that they are wrought in God.
22 Shure kwezvinhu izvi wakauya Jesu nevadzidzi vake munyika yeJudhiya; zvino akagarako navo, uye akabhabhatidza. After these things came Jesus and his disciples into the land of Judea; and there he tarried with them, and baptized.
23 NaJohwaniwo wakange achibhabhatidza muAinoni pedo neSarimi, nokuti paiva nemvura zhinji ipapo; uye vaiuyapo vachibhabhatidzwa. And John also was baptizing in Ænon near to Salim, because there was much water there: and they came, and were baptized.
24 Nokuti Johwani wakange asati akandwa mutirongo. For John was not yet cast into prison.
25 Zvino gakava rikamuka pakati pevamwe vevadzidzi vaJohwani neVaJudha pamusoro pekuchenura. Then there arose a question between some of John’s disciples and the Jews about purifying.
26 Zvino vakauya kuna Johwani vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemwi mhiri kwaJoridhani, wamaipupura nezvake, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vanouya kwaari vese. And they came unto John, and said unto him, Rabbi, he that was with thee beyond Jordan, to whom thou barest witness, behold, the same baptizeth, and all men come to him.
27 Johwani akapindura ndoti: Munhu haagoni kugamuchira chinhu, kunze kwekuti achipiwa kubva kudenga. John answered and said, A man can receive nothing, except it be given him from heaven.
28 Imwi momene munopupura nezvangu kuti ndakati: Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa mberi kwake. Ye yourselves bear me witness, that I said, I am not the Christ, but that I am sent before him.
29 Uyo ane mwenga muwani; asi shamwari yemuwani, imire ichimunzwa, inofara nemufaro nekuda kwenzwi remuwani. Naizvozvo mufaro wangu uyu wazadziswa. He that hath the bride is the bridegroom: but the friend of the bridegroom, which standeth and heareth him, rejoiceth greatly because of the bridegroom’s voice: this my joy therefore is fulfilled.
30 Iye anofanira kukura, asi ini kuderedzwa. He must increase, but I must decrease.
31 Anobva kumusoro ari pamusoro pezvese. Anobva panyika anobva panyika, uye anotaura achibva panyika; anobva kudenga ari pamusoro pezvese. He that cometh from above is above all: he that is of the earth is earthly, and speaketh of the earth: he that cometh from heaven is above all.
32 Uye zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake. And what he hath seen and heard, that he testifieth; and no man receiveth his testimony.
33 Anogamuchira uchapupu hwake anoisa mucherechedzo kuti Mwari ndewechokwadi. He that hath received his testimony hath set to his seal that God is true.
34 Nokuti uyo Mwari waakatuma, anotaura mashoko aMwari; nokuti Mwari anopa Mweya kwete nechiyero. For he whom God hath sent speaketh the words of God: for God giveth not the Spirit by measure unto him.
35 Baba vanoda Mwanakomana, uye vakapa zvinhu zvese muruoko rwake. The Father loveth the Son, and hath given all things into his hand.
36 Iye anotenda kuMwanakomana ane upenyu husingaperi; asi iye asingatendi kuMwanakomana, haazooni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake. He that believeth on the Son hath everlasting life: and he that believeth not the Son shall not see life; but the wrath of God abideth on him.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL