요한복음 19장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 42절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava. | Then Pilate therefore took Jesus, and scourged him. |
| 2 | Zvino mauto akaruka korona yeminzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo ine ruvara rwehute. | And the soldiers platted a crown of thorns, and put it on his head, and they put on him a purple robe, |
| 3 | Vakati: Hekanhi, Mambo weVaJudha! Ndokumurova nembama. | And said, Hail, King of the Jews! and they smote him with their hands. |
| 4 | Naizvozvo Pirato akabudazve panze, ndokuti kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva maari. | Pilate therefore went forth again, and saith unto them, Behold, I bring him forth to you, that ye may know that I find no fault in him. |
| 5 | Naizvozvo Jesu wakabuda panze, akapfeka korona yeminzwa, nenguvo ine ruvara rwehute. Pirato ndokuti kwavari: Tarirai munhu uyu! | Then came Jesus forth, wearing the crown of thorns, and the purple robe. And Pilate saith unto them, Behold the man! |
| 6 | Naizvozvo vapristi vakuru nemapurisa pavakamuona, vakadanidzira vachiti: Roverera pamuchinjikwa, roverera pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Mutorei imwi, muroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari. | When the chief priests therefore and officers saw him, they cried out, saying, Crucify him, crucify him. Pilate saith unto them, Take ye him, and crucify him: for I find no fault in him. |
| 7 | VaJudha vakamupindura vakati: Isu tine murairo, uye nemurairo wedu anofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari. | The Jews answered him, We have a law, and by our law he ought to die, because he made himself the Son of God. |
| 8 | Naizvozvo Pirato paakanzwa shoko iri, wakanyanya kutya. | When Pilate therefore heard that saying, he was the more afraid; |
| 9 | Akapindazve mumba memutungamiriri, ndokuti kuna Jesu: Unobvepi iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro. | And went again into the judgment hall, and saith unto Jesus, Whence art thou? But Jesus gave him no answer. |
| 10 | Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukuroverera pamuchinjikwa uye ndine simba rekukusunungura? | Then saith Pilate unto him, Speakest thou not unto me? knowest thou not that I have power to crucify thee, and have power to release thee? |
| 11 | Jesu akapindura akati: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, dai usina kuripiwa kubva kumusoro; naizvozvo anondikumikidza kwauri ane chivi chikuru. | Jesus answered, Thou couldest have no power at all against me, except it were given thee from above: therefore he that delivered me unto thee hath the greater sin. |
| 12 | Kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura. Asi VaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura uyu, hamusi shamwari yaKesari; umwe neumwe anozviita mambo, anopikisana naKesari. | And from thenceforth Pilate sought to release him: but the Jews cried out, saying, If thou let this man go, thou art not Cesar’s friend: whosoever maketh himself a king speaketh against Cesar. |
| 13 | Naizvozvo Pirato anzwa shoko iri wakabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa neMabwe, asi nechiHebheru Gabhata. | When Pilate therefore heard that saying, he brought Jesus forth, and sat down in the judgment seat in a place that is called the Pavement, but in the Hebrew, Gabbatha. |
| 14 | Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuVaJudha: Tarirai Mambo wenyu! | And it was the preparation of the passover, and about the sixth hour: and he saith unto the Jews, Behold your King! |
| 15 | Asi vakadanidzira vachiti: Bvisai, bvisai, murovererei pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndoroverera pamuchinjikwa Mambo wenyu here? Vapristi vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo kunze kwaKesari. | But they cried out, Away with him, away with him, crucify him. Pilate saith unto them, Shall I crucify your King? The chief priests answered, We have no king but Cesar. |
| 16 | Naizvozvo ipapo akamukumikidza kwavari, kuti arovererwe pamuchinjikwa. Zvino vakatora Jesu vakamutinha. | Then delivered he him therefore unto them to be crucified. And they took Jesus, and led him away. |
| 17 | Zvino wakatakura muchinjikwa wake akabuda akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, ichinzi nechiHebheru Gorogota, | And he bearing his cross went forth into a place called the place of a skull, which is called in the Hebrew Golgotha: |
| 18 | pavakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri naye, parutivi neparutivi, naJesu pakati. | Where they crucified him, and two other with him, on either side one, and Jesus in the midst. |
| 19 | Pirato ndokunyorawo chiziviso akaisa pamuchinjikwa; chakange chakanyorwa kuti: JESU MUNAZARETA MAMBO WEVAJUDHA. | And Pilate wrote a title, and put it on the cross. And the writing was, JESUS OF NAZARETH THE KING OF THE JEWS. |
| 20 | Naizvozvo vazhinji veVaJudha vakaverenga chiziviso ichi; nokuti nzvimbo pakange pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa yaiva pedo neguta; uye pakange pakanyorwa nechiHebheru, nechiGiriki, nechiRoma. | This title then read many of the Jews: for the place where Jesus was crucified was nigh to the city: and it was written in Hebrew, and Greek, and Latin. |
| 21 | Naizvozvo vapristi vakuru veVaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo weVaJudha; asi kuti uyo wakati: Ndiri mambo weVaJudha. | Then said the chief priests of the Jews to Pilate, Write not, The King of the Jews; but that he said, I am King of the Jews. |
| 22 | Pirato akapindura akati: Zvandanyora, ndanyora. | Pilate answered, What I have written I have written. |
| 23 | Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; neshatiwo; asi shati iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yese kubva kumusoro. | Then the soldiers, when they had crucified Jesus, took his garments, and made four parts, to every soldier a part; and also his coat: now the coat was without seam, woven from the top throughout. |
| 24 | Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechekupfeka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi. | They said therefore among themselves, Let us not rend it, but cast lots for it, whose it shall be: that the scripture might be fulfilled, which saith, They parted my raiment among them, and for my vesture they did cast lots. These things therefore the soldiers did. |
| 25 | Zvino pamuchinjikwa waJesu pakange pamire mai vake, nemunin'ina wamai vake, Maria mukadzi waKiropasi, naMaria Magidharini. | Now there stood by the cross of Jesus his mother, and his mother’s sister, Mary the wife of Cleophas, and Mary Magdalene. |
| 26 | Naizvozvo Jesu wakati achiona mai vake, nemudzidzi waaida amirepo, akati kuna mai vake: Mukadzi, tarira mwanakomana wako. | When Jesus therefore saw his mother, and the disciple standing by, whom he loved, he saith unto his mother, Woman, behold thy son! |
| 27 | Shure kweizvozvo wakati kumudzidzi: Tarira mai vako. Zvino kubva paawa iro mudzidzi wakavatora akavaisa kumba kwake. | Then saith he to the disciple, Behold thy mother! And from that hour that disciple took her unto his own home. |
| 28 | Shure kwaizvozvi, Jesu achiziva kuti zvinhu zvese zvatopedzwa, kuti rugwaro rwuzadziswe, akati: Ndine nyota. | After this, Jesus knowing that all things were now accomplished, that the scripture might be fulfilled, saith, I thirst. |
| 29 | Zvino pakange pakagadzikwa hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi*, vakaisa kumuromo wake. | Now there was set a vessel full of vinegar: and they filled a spunge with vinegar, and put it upon hyssop, and put it to his mouth. |
| 30 | Naizvozvo Jesu agamuchira vhiniga, wakati: Zvapedzwa! Akakotamisa musoro, akapa mweya wake. | When Jesus therefore had received the vinegar, he said, It is finished: and he bowed his head, and gave up the ghost. |
| 31 | Naizvozvo VaJudha nokuti rakange riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nokuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe. | The Jews therefore, because it was the preparation, that the bodies should not remain upon the cross on the sabbath day, (for that sabbath day was an high day,) besought Pilate that their legs might be broken, and that they might be taken away. |
| 32 | Naizvozvo mauto akauya, akavhuna makumbo ewekutanga, neeumwe wakange arovererwa pamuchinjikwa pamwe naye; | Then came the soldiers, and brake the legs of the first, and of the other which was crucified with him. |
| 33 | asi vasvika kuna Jesu, pavakaona kuti watofa, havana kuvhuna makumbo ake; | But when they came to Jesus, and saw that he was dead already, they brake not his legs: |
| 34 | asi umwe wemauto wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo kukabuda ropa nemvura. | But one of the soldiers with a spear pierced his side, and forthwith came there out blood and water. |
| 35 | Uye iye wakaona wakapupura, uye kupupura kwake ichokwadi; uye iye anoziva kuti anoreva chokwadi, kuti imwi mutende. | And he that saw it bare record, and his record is true: and he knoweth that he saith true, that ye might believe. |
| 36 | Nokuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro rwuzadziswe rwunoti: Fupa rake haringavhunwi. | For these things were done, that the scripture should be fulfilled, A bone of him shall not be broken. |
| 37 | Uyezve rumwe rugwaro rwunoti: Vachamutarira wavakabvovora. | And again another scripture saith, They shall look on him whom they pierced. |
| 38 | Shure kweizvozvi Josefa weArimatia, ari mudzidzi waJesu, asi pachivande nekutya VaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu. Zvino Pirato akamutendera. Naizvozvo akauya akabvisa mutumbi waJesu. | And after this Joseph of Arimathea, being a disciple of Jesus, but secretly for fear of the Jews, besought Pilate that he might take away the body of Jesus: and Pilate gave him leave. He came therefore, and took the body of Jesus. |
| 39 | Kwakauyawo Nikodhimo, wakauya pakutanga kuna Jesu usiku, akatakura musanganiswa wemura* nearosi* mapaundi anenge zana. | And there came also Nicodemus, which at the first came to Jesus by night, and brought a mixture of myrrh and aloes, about an hundred pound weight. |
| 40 | Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni nezvinonhuhwira, seyaiva tsika yeVaJudha yekuviga. | Then took they the body of Jesus, and wound it in linen clothes with the spices, as the manner of the Jews is to bury. |
| 41 | Zvino panzvimbo iyo paakarovererwa pamuchinjikwa pakange pane bindu, uye mubindu mune guva idzva, makange musina kumboradzikwa munhu. | Now in the place where he was crucified there was a garden; and in the garden a new sepulchre, wherein was never man yet laid. |
| 42 | Naizvozvo vakaradzika Jesu ipapo nekuda kwegadziriro yeVaJudha, nokuti guva rakange riri pedo. | There laid they Jesus therefore because of the Jews’ preparation day; for the sepulchre was nigh at hand. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL