요한복음 18장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 40절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Jesu areva zvinhu izvi wakabudira mhiri kwerukova Kedhironi nevadzidzi vake, paiva nebindu, maakapinda iye nevadzidzi vake. | When Jesus had spoken these words, he went forth with his disciples over the brook Cedron, where was a garden, into the which he entered, and his disciples. |
| 2 | NaJudhasiwo, wakamutengesa, wakange achiziva nzvimbo iyi; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo nevadzidzi vake. | And Judas also, which betrayed him, knew the place: for Jesus ofttimes resorted thither with his disciples. |
| 3 | Naizvozvo Judhasi, atora boka remauto, nemapurisa kubva kuvapristi vakuru neVaFarisi, wakauyapo nemwenje nemarambi nezvombo. | Judas then, having received a band of men and officers from the chief priests and Pharisees, cometh thither with lanterns and torches and weapons. |
| 4 | Naizvozvo Jesu, achiziva zvinhu zvese zvaizomuwira, wakabuda akati kwavari: Ndiani wamunotsvaka? | Jesus therefore, knowing all things that should come upon him, went forth, and said unto them, Whom seek ye? |
| 5 | Vakamupindura vakati: Jesu muNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini. NaJudhasiwo wakamutengesa wakange amire navo. | They answered him, Jesus of Nazareth. Jesus saith unto them, I am he. And Judas also, which betrayed him, stood with them. |
| 6 | Zvino wakati achiti kwavari: Ndini; vakasudurukira shure, vakawira pasi. | As soon then as he had said unto them, I am he, they went backward, and fell to the ground. |
| 7 | Zvino akavabvunzazve achiti: Ndiani wamunotsvaka? Ivo vakati: Jesu muNazareta. | Then asked he them again, Whom seek ye? And they said, Jesus of Nazareth. |
| 8 | Jesu akapindura achiti: Ndakuudzai kuti ndini iye; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende; | Jesus answered, I have told you that I am he: if therefore ye seek me, let these go their way: |
| 9 | kuti shoko rizadziswe raakareva rekuti: Vamakapa kwandiri, handina kurasa umwe wavo. | That the saying might be fulfilled, which he spake, Of them which thou gavest me have I lost none. |
| 10 | Naizvozvo Simoni Petro ane munondo wakauvhomora ndokutema muranda wemupristi mukuru, ndokugura nzeve yake yerudyi. Uye zita remuranda uyo raiva Marikosi. | Then Simon Peter having a sword drew it, and smote the high priest’s servant, and cut off his right ear. The servant’s name was Malchus. |
| 11 | Naizvozvo Jesu wakati kuna Petro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe Baba wavakandipa, handingatongounwi here? | Then said Jesus unto Peter, Put up thy sword into the sheath: the cup which my Father hath given me, shall I not drink it? |
| 12 | Zvino boka remauto nemukuru wechuru nemapurisa eVaJudha vakabata Jesu, vakamusunga, | Then the band and the captain and officers of the Jews took Jesus, and bound him, |
| 13 | ndokutanga kumuendesa kuna Anasi; nokuti wakange ari mukarahwa waKayafasi, waiva mupristi mukuru gore iroro. | And led him away to Annas first; for he was father in law to Caiaphas, which was the high priest that same year. |
| 14 | Zvino Kayafasi ndiye wakange araira VaJudha, kuti zvakanaka kuti munhu umwe afire rudzi. | Now Caiaphas was he, which gave counsel to the Jews, that it was expedient that one man should die for the people. |
| 15 | Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, neumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikanwa nemupristi mukuru, akapinda naJesu muchivanze chemupristi mukuru; | And Simon Peter followed Jesus, and so did another disciple: that disciple was known unto the high priest, and went in with Jesus into the palace of the high priest. |
| 16 | asi Petro wakange amire pamukova panze. Naizvozvo kwakabuda umwe mudzidzi waizikanwa nemupristi mukuru, akataura nemurindikadzi wemukova, ndokupinza Petro. | But Peter stood at the door without. Then went out that other disciple, which was known unto the high priest, and spake unto her that kept the door, and brought in Peter. |
| 17 | Zvino murandakadzi murindi wemukova akati kuna Petro: Iwewo hausi umwe wevadzidzi vemunhu uyu here? Iye akati: Handisi. | Then saith the damsel that kept the door unto Peter, Art not thou also one of this man’s disciples? He saith, I am not. |
| 18 | Zvino varanda nemapurisa vakange vamire vavesa moto wemazimbe, nokuti kwaitonhora, uye vaidziya. Petrowo akamira navo achidziya. | And the servants and officers stood there, who had made a fire of coals; for it was cold: and they warmed themselves: and Peter stood with them, and warmed himself. |
| 19 | Naizvozvo mupristi mukuru wakabvunza Jesu nezvevadzidzi vake, nezvedzidziso yake. | The high priest then asked Jesus of his disciples, and of his doctrine. |
| 20 | Jesu akamupindura akati: Ini ndakataura pachena kunyika; ini ndaidzidzisa nguva dzese musinagoge nemutembere, panoungana VaJudha nguva dzese, uye handina kureva chinhu pakavanda. | Jesus answered him, I spake openly to the world; I ever taught in the synagogue, and in the temple, whither the Jews always resort; and in secret have I said nothing. |
| 21 | Unobvunzirei ini? Bvunza avo vainzwa, zvandaitaura kwavari; tarira, ndivo vanoziva ini zvandakareva. | Why askest thou me? ask them which heard me, what I have said unto them: behold, they know what I said. |
| 22 | Wakati areva zvinhu izvi, umwe wemapurisa wakange amirepo akarova Jesu nembama, achiti: Ko unopindura mupristi mukuru saizvozvo? | And when he had thus spoken, one of the officers which stood by struck Jesus with the palm of his hand, saying, Answerest thou the high priest so? |
| 23 | Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvezvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka, wandiroverei? | Jesus answered him, If I have spoken evil, bear witness of the evil: but if well, why smitest thou me? |
| 24 | Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kayafasi mupristi mukuru. | Now Annas had sent him bound unto Caiaphas the high priest. |
| 25 | Zvino Simoni Petro wakange amire achidziya moto; naizvozvo vakati kwaari: Hausi iwewo umwe wevadzidzi vake here? Iye akaramba, akati: Handisi. | And Simon Peter stood and warmed himself. They said therefore unto him, Art not thou also one of his disciples? He denied it, and said, I am not. |
| 26 | Umwe wevaranda vemupristi mukuru, ari hama yewenzeve Petro yaakagura akati: Ini handina kukuona mubindu unaye here? | One of the servants of the high priest, being his kinsman whose ear Peter cut off, saith, Did not I see thee in the garden with him? |
| 27 | Naizvozvo Petro akarambazve; zvino pakarepo jongwe rakarira. | Peter then denied again: and immediately the cock crew. |
| 28 | Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakamuisa kuimba yemutungamiriri; uye aiva mambakwedza, asi ivo havana kupinda mumba memutungamiriri, kuti varege kusvibiswa, asi kuti vadye pasika. | Then led they Jesus from Caiaphas unto the hall of judgment: and it was early; and they themselves went not into the judgment hall, lest they should be defiled; but that they might eat the passover. |
| 29 | Naizvozvo Pirato akabudira kwavari, akati: Imhosva yei yamunoisa pamunhu uyu? | Pilate then went out unto them, and said, What accusation bring ye against this man? |
| 30 | Vakapindura vakati kwaari: Dai uyu asaiva anoita zvakaipa, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri. | They answered and said unto him, If he were not a malefactor, we would not have delivered him up unto thee. |
| 31 | Naizvozvo Pirato wakati kwavari: Mutorei imwi, mumutonge zvinoenderana nemurairo wenyu. Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hazvisi pamutemo kwatiri kuti tiuraye munhu; | Then said Pilate unto them, Take ye him, and judge him according to your law. The Jews therefore said unto him, It is not lawful for us to put any man to death: |
| 32 | kuti shoko raJesu rizadziswe raakareva, achiratidza kuti kufa rudzii kwaaifanira kufa nako. | That the saying of Jesus might be fulfilled, which he spake, signifying what death he should die. |
| 33 | Naizvozvo Pirato wakapindazve mumba memutungamiriri, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo weVaJudha here? | Then Pilate entered into the judgment hall again, and called Jesus, and said unto him, Art thou the King of the Jews? |
| 34 | Jesu akamupindura akati: Unozvireva izvi pachako here, kana vamwe vakuudza pamusoro pangu? | Jesus answered him, Sayest thou this thing of thyself, or did others tell it thee of me? |
| 35 | Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako nevapristi vakuru vakukumikidza kwandiri; waitei? | Pilate answered, Am I a Jew? Thine own nation and the chief priests have delivered thee unto me: what hast thou done? |
| 36 | Jesu akapindura akati: Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino; kana ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuVaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwepano. | Jesus answered, My kingdom is not of this world: if my kingdom were of this world, then would my servants fight, that I should not be delivered to the Jews: but now is my kingdom not from hence. |
| 37 | Naizvozvo Pirato wakati kwaari: Saka uri iwe mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe, kuti ini ndiri mambo. Ini ndakaberekerwa izvi, uye ndakauira izvi munyika kuti ndipupurire chokwadi. Umwe neumwe wechokwadi anonzwa inzwi rangu. | Pilate therefore said unto him, Art thou a king then? Jesus answered, Thou sayest that I am a king. To this end was I born, and for this cause came I into the world, that I should bear witness unto the truth. Every one that is of the truth heareth my voice. |
| 38 | Pirato akati kwaari: Chokwadi chii? Zvino wakati areva izvi, akabudirazve kuVaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari. | Pilate saith unto him, What is truth? And when he had said this, he went out again unto the Jews, and saith unto them, I find in him no fault at all. |
| 39 | Asi mune tsika, kuti ndikusunungurirei umwe papasika; naizvozvo munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here? | But ye have a custom, that I should release unto you one at the passover: will ye therefore that I release unto you the King of the Jews? |
| 40 | Ipapo vakadanidzirazve vese, vachiti: Kwete uyu, asi Bharabhasi; zvino Bharabhasi wakange ari gororo. | Then cried they all again, saying, Not this man, but Barabbas. Now Barabbas was a robber. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL