요한복음 20장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 31절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva. | The first day of the week cometh Mary Magdalene early, when it was yet dark, unto the sepulchre, and seeth the stone taken away from the sepulchre. |
| 2 | Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika. | Then she runneth, and cometh to Simon Peter, and to the other disciple, whom Jesus loved, and saith unto them, They have taken away the Lord out of the sepulchre, and we know not where they have laid him. |
| 3 | Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva. | Peter therefore went forth, and that other disciple, and came to the sepulchre. |
| 4 | Zvino vakamhanya vari vaviri pamwe chete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva. | So they ran both together: and the other disciple did outrun Peter, and came first to the sepulchre. |
| 5 | Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda. | And he stooping down, and looking in, saw the linen clothes lying; yet went he not in. |
| 6 | Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa, | Then cometh Simon Peter following him, and went into the sepulchre, and seeth the linen clothes lie, |
| 7 | nemucheka wekumeso wakange uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo wega. | And the napkin, that was about his head, not lying with the linen clothes, but wrapped together in a place by itself. |
| 8 | Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda; | Then went in also that other disciple, which came first to the sepulchre, and he saw, and believed. |
| 9 | nokuti vakange vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti anofanira kumuka kubva kuvakafa. | For as yet they knew not the scripture, that he must rise again from the dead. |
| 10 | Naizvozvo vadzidzi vakabva vakaendazve kwavo. | Then the disciples went away again unto their own home. |
| 11 | Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva, | But Mary stood without at the sepulchre weeping: and as she wept, she stooped down, and looked into the sepulchre, |
| 12 | akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kutsoka, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu. | And seeth two angels in white sitting, the one at the head, and the other at the feet, where the body of Jesus had lain. |
| 13 | Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika. | And they say unto her, Woman, why weepest thou? She saith unto them, Because they have taken away my Lord, and I know not where they have laid him. |
| 14 | Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu. | And when she had thus said, she turned herself back, and saw Jesus standing, and knew not that it was Jesus. |
| 15 | Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora. | Jesus saith unto her, Woman, why weepest thou? whom seekest thou? She, supposing him to be the gardener, saith unto him, Sir, if thou have borne him hence, tell me where thou hast laid him, and I will take him away. |
| 16 | Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi. | Jesus saith unto her, Mary. She turned herself, and saith unto him, Rabboni; which is to say, Master. |
| 17 | Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin'ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu. | Jesus saith unto her, Touch me not; for I am not yet ascended to my Father: but go to my brethren, and say unto them, I ascend unto my Father, and your Father; and to my God, and your God. |
| 18 | Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi. | Mary Magdalene came and told the disciples that she had seen the Lord, and that he had spoken these things unto her. |
| 19 | Zvino ava madekwani nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa pakange pakaungana vadzidzi nekutya VaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri. | Then the same day at evening, being the first day of the week, when the doors were shut where the disciples were assembled for fear of the Jews, came Jesus and stood in the midst, and saith unto them, Peace be unto you. |
| 20 | Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe. | And when he had so said, he shewed unto them his hands and his side. Then were the disciples glad, when they saw the Lord. |
| 21 | Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai. | Then said Jesus to them again, Peace be unto you: as my Father hath sent me, even so send I you. |
| 22 | Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene. | And when he had said this, he breathed on them, and saith unto them, Receive ye the Holy Ghost: |
| 23 | Ani nani wamunokanganwira zvivi, vazvikanganwirwa; vese vamunobata zvavo zvabatwa. | Whose soever sins ye remit, they are remitted unto them; and whose soever sins ye retain, they are retained. |
| 24 | Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, wakange asipo navo Jesu paakauya. | But Thomas, one of the twelve, called Didymus, was not with them when Jesus came. |
| 25 | Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa munwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi. | The other disciples therefore said unto him, We have seen the Lord. But he said unto them, Except I shall see in his hands the print of the nails, and put my finger into the print of the nails, and thrust my hand into his side, I will not believe. |
| 26 | Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vakange vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri. | And after eight days again his disciples were within, and Thomas with them: then came Jesus, the doors being shut, and stood in the midst, and said, Peace be unto you. |
| 27 | Ipapo akati kuna Tomasi: Uisa munwe wako pano uone zvanza zangu; uuise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda. | Then saith he to Thomas, Reach hither thy finger, and behold my hands; and reach hither thy hand, and thrust it into my side: and be not faithless, but believing. |
| 28 | Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu! | And Thomas answered and said unto him, My Lord and my God. |
| 29 | Jesu akati kwaari: Nokuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda. | Jesus saith unto him, Thomas, because thou hast seen me, thou hast believed: blessed are they that have not seen, and yet have believed. |
| 30 | Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri. | And many other signs truly did Jesus in the presence of his disciples, which are not written in this book: |
| 31 | Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake. | But these are written, that ye might believe that Jesus is the Christ, the Son of God; and that believing ye might have life through his name. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL