요한복음 17장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 26절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Jesu wakataura zvinhu izvi, ndokusimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, awa rasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyuwo akukudzei; | These words spake Jesus, and lifted up his eyes to heaven, and said, Father, the hour is come; glorify thy Son, that thy Son also may glorify thee: |
| 2 | sezvo makamupa simba pamusoro penyama yese, kuti vese vamakamupa, avape upenyu husingaperi. | As thou hast given him power over all flesh, that he should give eternal life to as many as thou hast given him. |
| 3 | Uye uhu upenyu husingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari wega wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. | And this is life eternal, that they might know thee the only true God, and Jesus Christ, whom thou hast sent. |
| 4 | Ini ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite; | I have glorified thee on the earth: I have finished the work which thou gavest me to do. |
| 5 | uye ikozvino ndikudzei, imwi Baba, kwamuri pachenyu nerukudzo rwandaiva narwo ndinemwi nyika isati yavapo. | And now, O Father, glorify thou me with thine own self with the glory which I had with thee before the world was. |
| 6 | Ndaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva munyika; vakange vari venyu, uye makavapa ini; uye vakachengeta shoko renyu. | I have manifested thy name unto the men which thou gavest me out of the world: thine they were, and thou gavest them me; and they have kept thy word. |
| 7 | Ikozvino voziva kuti zvese-zvese zvamakandipa, zvinobva kwamuri; | Now they have known that all things whatsoever thou hast given me are of thee. |
| 8 | nokuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; uye ivo vakagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, uye vakatenda kuti imwi makandituma. | For I have given unto them the words which thou gavest me; and they have received them, and have known surely that I came out from thee, and they have believed that thou didst send me. |
| 9 | Ini ndinokumbirira ivo; handikumbiriri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndevenyu; | I pray for them: I pray not for the world, but for them which thou hast given me; for they are thine. |
| 10 | uye zvese zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; uye ndakakudzwa mavari. | And all mine are thine, and thine are mine; and I am glorified in them. |
| 11 | Uye handichisiri munyika, asi ava vari munyika; uye ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu. | And now I am no more in the world, but these are in the world, and I come to thee. Holy Father, keep through thine own name those whom thou hast given me, that they may be one, as we are. |
| 12 | Pandaiva navo munyika, ini ndaivachengeta muzita renyu; avo vamakandipa, ndikachengetedza, uye hapana umwe wavo wakarasika, kunze kwemwanakomana wekuraswa, kuti rugwaro rwuzadziswe. | While I was with them in the world, I kept them in thy name: those that thou gavest me I have kept, and none of them is lost, but the son of perdition; that the scripture might be fulfilled. |
| 13 | Asi ikozvino ndinouya kwamuri, uye zvinhu izvi ndinotaura munyika, kuti vave nemufaro wangu wakazadziswa mavari. | And now come I to thee; and these things I speak in the world, that they might have my joy fulfilled in themselves. |
| 14 | Ini ndakavapa shoko renyu, uye nyika yakavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika. | I have given them thy word; and the world hath hated them, because they are not of the world, even as I am not of the world. |
| 15 | Handikumbiri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa. | I pray not that thou shouldest take them out of the world, but that thou shouldest keep them from the evil. |
| 16 | Havasi venyika, seni ndisiri wenyika. | They are not of the world, even as I am not of the world. |
| 17 | Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi. | Sanctify them through thy truth: thy word is truth. |
| 18 | Sezvamakandituma munyika, neniwo ndavatuma munyika. | As thou hast sent me into the world, even so have I also sent them into the world. |
| 19 | Uye ini ndinozviita mutsvene nekuda kwavo, kuti ivowo vaitwe vatsvene muchokwadi. | And for their sakes I sanctify myself, that they also might be sanctified through the truth. |
| 20 | Uye handikumbiriri ava chete, asi naivo vachatenda kwandiri neshoko ravo; | Neither pray I for these alone, but for them also which shall believe on me through their word; |
| 21 | kuti vese vave umwe; semwi, Baba, mandiri, neni mamuri; kuti ivowo vave umwe matiri; kuti nyika itende kuti imwi makandituma. | That they all may be one; as thou, Father, art in me, and I in thee, that they also may be one in us: that the world may believe that thou hast sent me. |
| 22 | Nekubwinya kwamakandipa, ini ndakavapa, kuti vave umwe, sesu tiri umwe. | And the glory which thou gavest me I have given them; that they may be one, even as we are one: |
| 23 | Ini mavari, nemwi mandiri, kuti vapedzeredzwe vave umwe; uye kuti nyika izive kuti imwi makandituma, uye makavada, sezvamakandida. | I in them, and thou in me, that they may be made perfect in one; and that the world may know that thou hast sent me, and hast loved them, as thou hast loved me. |
| 24 | Baba, ndinoda kuti ivowo vamakandipa, vave neni apo pandiri ini, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida mavambo enyika asati avapo. | Father, I will that they also, whom thou hast given me, be with me where I am; that they may behold my glory, which thou hast given me: for thou lovedst me before the foundation of the world. |
| 25 | Baba vakarurama, nenyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, neava vakaziva kuti imwi makandituma; | O righteous Father, the world hath not known thee: but I have known thee, and these have known that thou hast sent me. |
| 26 | uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari. | And I have declared unto them thy name, and will declare it: that the love wherewith thou hast loved me may be in them, and I in them. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL