요한복음 16장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 33절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa. | These things have I spoken unto you, that ye should not be offended. |
| 2 | Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe anokuurayai achafunga kuti anoitira Mwari basa. | They shall put you out of the synagogues: yea, the time cometh, that whosoever killeth you will think that he doeth God service. |
| 3 | Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva Baba kana ini. | And these things will they do unto you, because they have not known the Father, nor me. |
| 4 | Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi. | But these things have I told you, that when the time shall come, ye may remember that I told you of them. And these things I said not unto you at the beginning, because I was with you. |
| 5 | Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu anondibvunza, achiti: Munoenda kupi? | But now I go my way to him that sent me; and none of you asketh me, Whither goest thou? |
| 6 | Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu. | But because I have said these things unto you, sorrow hath filled your heart. |
| 7 | Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. | Nevertheless I tell you the truth; It is expedient for you that I go away: for if I go not away, the Comforter will not come unto you; but if I depart, I will send him unto you. |
| 8 | Zvino kana asvika, iye achapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo; | And when he is come, he will reprove the world of sin, and of righteousness, and of judgment: |
| 9 | zvechivi, nokuti havatendi kwandiri; | Of sin, because they believe not on me; |
| 10 | uye zvekururama, nokuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamuchazondionizve; | Of righteousness, because I go to my Father, and ye see me no more; |
| 11 | uye zvemutongo, nokuti mutungamiriri wenyika ino watongwa. | Of judgment, because the prince of this world is judged. |
| 12 | Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino; | I have yet many things to say unto you, but ye cannot bear them now. |
| 13 | asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese; nokuti haazozvitauriri pachake, asi chega chega chaanonzwa achataura, uye achakuzivisai zvinhu zvinouya. | Howbeit when he, the Spirit of truth, is come, he will guide you into all truth: for he shall not speak of himself; but whatsoever he shall hear, that shall he speak: and he will shew you things to come. |
| 14 | Iye achandirumbidza, nokuti achatora pane zvangu, uye achazvizivisa kwamuri. | He shall glorify me: for he shall receive of mine, and shall shew it unto you. |
| 15 | Zvese Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti achatora pane zvangu, agozivisa kwamuri. | All things that the Father hath are mine: therefore said I, that he shall take of mine, and shall shew it unto you. |
| 16 | Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvanazve muchandiona, nokuti ini ndinoenda kuna Baba. | A little while, and ye shall not see me: and again, a little while, and ye shall see me, because I go to the Father. |
| 17 | Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nokuti ini ndinoenda kuna Baba? | Then said some of his disciples among themselves, What is this that he saith unto us, A little while, and ye shall not see me: and again, a little while, and ye shall see me: and, Because I go to the Father? |
| 18 | Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva. | They said therefore, What is this that he saith, A little while? we cannot tell what he saith. |
| 19 | Zvino Jesu waiziva kuti vakange vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona? | Now Jesus knew that they were desirous to ask him, and said unto them, Do ye enquire among yourselves of that I said, A little while, and ye shall not see me: and again, a little while, and ye shall see me? |
| 20 | Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro. | Verily, verily, I say unto you, That ye shall weep and lament, but the world shall rejoice: and ye shall be sorrowful, but your sorrow shall be turned into joy. |
| 21 | Mukadzi kana achisununguka ane marwadzo, nokuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika. | A woman when she is in travail hath sorrow, because her hour is come: but as soon as she is delivered of the child, she remembereth no more the anguish, for joy that a man is born into the world. |
| 22 | Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu anokutorerai mufaro wenyu. | And ye now therefore have sorrow: but I will see you again, and your heart shall rejoice, and your joy no man taketh from you. |
| 23 | Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai. | And in that day ye shall ask me nothing. Verily, verily, I say unto you, Whatsoever ye shall ask the Father in my name, he will give it you. |
| 24 | Kusvikira ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe. | Hitherto have ye asked nothing in my name: ask, and ye shall receive, that your joy may be full. |
| 25 | Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba. | These things have I spoken unto you in proverbs: but the time cometh, when I shall no more speak unto you in proverbs, but I shall shew you plainly of the Father. |
| 26 | Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba; | At that day ye shall ask in my name: and I say not unto you, that I will pray the Father for you: |
| 27 | nokuti Baba pachavo vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari. | For the Father himself loveth you, because ye have loved me, and have believed that I came out from God. |
| 28 | Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba. | I came forth from the Father, and am come into the world: again, I leave the world, and go to the Father. |
| 29 | Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye munotaura pasina dimikira. | His disciples said unto him, Lo, now speakest thou plainly, and speakest no proverb. |
| 30 | Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvese, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari. | Now are we sure that thou knowest all things, and needest not that any man should ask thee: by this we believe that thou camest forth from God. |
| 31 | Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here? | Jesus answered them, Do ye now believe? |
| 32 | Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndega; izvo handisi ndega, nokuti Baba vaneni. | Behold, the hour cometh, yea, is now come, that ye shall be scattered, every man to his own, and shall leave me alone: and yet I am not alone, because the Father is with me. |
| 33 | Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika. | These things I have spoken unto you, that in me ye might have peace. In the world ye shall have tribulation: but be of good cheer; I have overcome the world. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL