요한복음 15장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 27절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Ini ndiri muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi. | I am the true vine, and my Father is the husbandman. |
| 2 | Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko. | Every branch in me that beareth not fruit he taketh away: and every branch that beareth fruit, he purgeth it, that it may bring forth more fruit. |
| 3 | Imwi matochena neshoko randataura kwamuri. | Now ye are clean through the word which I have spoken unto you. |
| 4 | Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka chibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwi kwete, kana musingagari mandiri. | Abide in me, and I in you. As the branch cannot bear fruit of itself, except it abide in the vine; no more can ye, except ye abide in me. |
| 5 | Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka chibereko chakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. | I am the vine, ye are the branches: He that abideth in me, and I in him, the same bringeth forth much fruit: for without me ye can do nothing. |
| 6 | Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe. | If a man abide not in me, he is cast forth as a branch, and is withered; and men gather them, and cast them into the fire, and they are burned. |
| 7 | Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa. | If ye abide in me, and my words abide in you, ye shall ask what ye will, and it shall be done unto you. |
| 8 | Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu. | Herein is my Father glorified, that ye bear much fruit; so shall ye be my disciples. |
| 9 | Baba sezvavakandida, iniwo ndakakudai; garai murudo rwangu. | As the Father hath loved me, so have I loved you: continue ye in my love. |
| 10 | Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo. | If ye keep my commandments, ye shall abide in my love; even as I have kept my Father’s commandments, and abide in his love. |
| 11 | Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare. | These things have I spoken unto you, that my joy might remain in you, and that your joy might be full. |
| 12 | Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai. | This is my commandment, That ye love one another, as I have loved you. |
| 13 | Hakuna ane rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake. | Greater love hath no man than this, that a man lay down his life for his friends. |
| 14 | Imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi ini chandinokurairai. | Ye are my friends, if ye do whatsoever I command you. |
| 15 | Handichakuidziizve varanda, nokuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nokuti zvese zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai. | Henceforth I call you not servants; for the servant knoweth not what his lord doeth: but I have called you friends; for all things that I have heard of my Father I have made known unto you. |
| 16 | Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei. | Ye have not chosen me, but I have chosen you, and ordained you, that ye should go and bring forth fruit, and that your fruit should remain: that whatsoever ye shall ask of the Father in my name, he may give it you. |
| 17 | Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane. | These things I command you, that ye love one another. |
| 18 | Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yavenga ini isati yakuvengai imwi. | If the world hate you, ye know that it hated me before it hated you. |
| 19 | Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nokuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai. | If ye were of the world, the world would love his own: but because ye are not of the world, but I have chosen you out of the world, therefore the world hateth you. |
| 20 | Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo. | Remember the word that I said unto you, The servant is not greater than his lord. If they have persecuted me, they will also persecute you; if they have kept my saying, they will keep yours also. |
| 21 | Asi izvi zvese vachakuitirai nekuda kwezita rangu, nokuti havamuzivi wakandituma. | But all these things will they do unto you for my name’s sake, because they know not him that sent me. |
| 22 | Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo. | If I had not come and spoken unto them, they had not had sin: but now they have no cloke for their sin. |
| 23 | Anondivenga, anovenga Baba vanguwo. | He that hateth me hateth my Father also. |
| 24 | Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvese ini naBaba vangu. | If I had not done among them the works which none other man did, they had not had sin: but now have they both seen and hated both me and my Father. |
| 25 | Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero. | But this cometh to pass, that the word might be fulfilled that is written in their law, They hated me without a cause. |
| 26 | Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu achapupura nezvangu. | But when the Comforter is come, whom I will send unto you from the Father, even the Spirit of truth, which proceedeth from the Father, he shall testify of me: |
| 27 | Nemwiwo muchapupura, nokuti maiva neni kubva pakutanga. | And ye also shall bear witness, because ye have been with me from the beginning. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL