요한복음 14장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 31절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Moyo wenyu ngaurege kutambudzika; munotenda kuna Mwari, tendaiwo kwandiri. | Let not your heart be troubled: ye believe in God, believe also in me. |
| 2 | Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji dzekugara; dai zvisina kudaro, ndingadai ndakakuudzai. Ndinoenda kunokugadzirirai nzvimbo. | In my Father’s house are many mansions: if it were not so, I would have told you. I go to prepare a place for you. |
| 3 | Zvino ndikanokugadzirirai nzvimbo, ndichauyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo ini pandiri, imwi muvepowo. | And if I go and prepare a place for you, I will come again, and receive you unto myself; that where I am, there ye may be also. |
| 4 | Uye ini pandinoenda munoziva, nenzira munoziva. | And whither I go ye know, and the way ye know. |
| 5 | Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi kwamunoenda; ko tinogona kuziva sei nzira? | Thomas saith unto him, Lord, we know not whither thou goest; and how can we know the way? |
| 6 | Jesu akati kwaari: Ini ndiri nzira, nechokwadi, neupenyu; hapana anouya kuna Baba, asi nekwandiri. | Jesus saith unto him, I am the way, the truth, and the life: no man cometh unto the Father, but by me. |
| 7 | Dai maindiziva, maiziva Baba vanguwo; uye kubva ikozvino munovaziva, uye makavaona. | If ye had known me, ye should have known my Father also: and from henceforth ye know him, and have seen him. |
| 8 | Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, uye zvakatikwanira. | Philip saith unto him, Lord, shew us the Father, and it sufficeth us. |
| 9 | Jesu akati kwaari: Ndava nemwi nguva refu yakadai, hausati wandiziva here, Firipi? Waona ini, waona Baba; zvino unoreva sei uchiti: Tiratidzei Baba? | Jesus saith unto him, Have I been so long time with you, and yet hast thou not known me, Philip? he that hath seen me hath seen the Father; and how sayest thou then, Shew us the Father? |
| 10 | Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa. | Believest thou not that I am in the Father, and the Father in me? the words that I speak unto you I speak not of myself: but the Father that dwelleth in me, he doeth the works. |
| 11 | Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa amene. | Believe me that I am in the Father, and the Father in me: or else believe me for the very works’ sake. |
| 12 | Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye achaaitawo, uye makuru kune awa achaaita; nokuti ini ndinoenda kuna Baba vangu. | Verily, verily, I say unto you, He that believeth on me, the works that I do shall he do also; and greater works than these shall he do; because I go unto my Father. |
| 13 | Uye chero chipi chamunokumbira muzita rangu, icho ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana. | And whatsoever ye shall ask in my name, that will I do, that the Father may be glorified in the Son. |
| 14 | Kana muchikumbira chero chipi muzita rangu, ini ndichachiita. | If ye shall ask any thing in my name, I will do it. |
| 15 | Kana muchindida, chengetai mirairo yangu. | If ye love me, keep my commandments. |
| 16 | Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi, | And I will pray the Father, and he shall give you another Comforter, that he may abide with you for ever; |
| 17 | Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu. | Even the Spirit of truth; whom the world cannot receive, because it seeth him not, neither knoweth him: but ye know him; for he dwelleth with you, and shall be in you. |
| 18 | Handingakusii muri nherera; ndichauya kwamuri. | I will not leave you comfortless: I will come to you. |
| 19 | Kuchine chinguvana, nenyika haichazondioni; asi imwi muchandiona; nokuti ini ndinorarama, imwiwo muchararama. | Yet a little while, and the world seeth me no more; but ye see me: because I live, ye shall live also. |
| 20 | Nezuva iro imwi muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, nemwi mandiri, neni mamuri. | At that day ye shall know that I am in my Father, and ye in me, and I in you. |
| 21 | Ane mirairo yangu achiichengeta, ndiye anondida; uye anondida achadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda, uye ndichazviratidza kwaari. | He that hath my commandments, and keepeth them, he it is that loveth me: and he that loveth me shall be loved of my Father, and I will love him, and will manifest myself to him. |
| 22 | Judhasi, kwete Isikariyoti, akati kwaari: Ishe, chii kuti munozozviratidza kwatiri, asi kwete kunyika? | Judas saith unto him, not Iscariot, Lord, how is it that thou wilt manifest thyself unto us, and not unto the world? |
| 23 | Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari, tikaita ugaro naye. | Jesus answered and said unto him, If a man love me, he will keep my words: and my Father will love him, and we will come unto him, and make our abode with him. |
| 24 | Asingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa harisi rangu, asi raBaba vakandituma. | He that loveth me not keepeth not my sayings: and the word which ye hear is not mine, but the Father’s which sent me. |
| 25 | Zvinhu izvozvi ndazvitaura kwamuri ndigere nemwi. | These things have I spoken unto you, being yet present with you. |
| 26 | Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, iwo Baba wavachatuma muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvese, uye akuyeudzirei zvese zvandakataura kwamuri. | But the Comforter, which is the Holy Ghost, whom the Father will send in my name, he shall teach you all things, and bring all things to your remembrance, whatsoever I have said unto you. |
| 27 | Rugare ndinosiya kwamuri; rugare rwangu ndinopa kwamuri; kwete nyika sezvainopa, ini ndinopa kwamuri. Moyo wenyu ngaurege kutambudzika, kana kutya. | Peace I leave with you, my peace I give unto you: not as the world giveth, give I unto you. Let not your heart be troubled, neither let it be afraid. |
| 28 | Manzwa kuti ini ndati kwamuri: Ndinoenda, uye ndichauya kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati: Ndinoenda kuna Baba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri. | Ye have heard how I said unto you, I go away, and come again unto you. If ye loved me, ye would rejoice, because I said, I go unto the Father: for my Father is greater than I. |
| 29 | Uye ikozvino ndakuudzai zvisati zvaitika; kuti kana zvoitika mungatenda. | And now I have told you before it come to pass, that, when it is come to pass, ye might believe. |
| 30 | Handichazotaurizve zvizhinji nemwi; nokuti mutongi wenyika ino anouya, asi haana chinhu kwandiri; | Hereafter I will not talk much with you: for the prince of this world cometh, and hath nothing in me. |
| 31 | asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye Baba sezvavakandiraira, ndinoita saizvozvo. Simukai, ngatibve pano. | But that the world may know that I love the Father; and as the Father gave me commandment, even so I do. Arise, let us go hence. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL