로그인

요한복음 13장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 38절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino mutambo wepasika usati wasvika, Jesu woziva kuti awa rake rasvika kuti abve munyika ino, aende kuna Baba, ada vake vari munyika, wakavada kusvikira pamagumo. Now before the feast of the passover, when Jesus knew that his hour was come that he should depart out of this world unto the Father, having loved his own which were in the world, he loved them unto the end.
2 Zvino chirairo chakati chaitika, dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amutengese, And supper being ended, the devil having now put into the heart of Judas Iscariot, Simon’s son, to betray him;
3 Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvese mumaoko, uye kuti wakabva kuna Mwari uye anoenda kuna Mwari, Jesus knowing that the Father had given all things into his hands, and that he was come from God, and went to God;
4 akasimuka kubva pachirairo, akabvisa nguvo, akatora mucheka akazvimonera. He riseth from supper, and laid aside his garments; and took a towel, and girded himself.
5 Shure kwaizvozvi wakadira mvura mundiro, ndokutanga kushambidza tsoka dzevadzidzi, nekupusika nemucheka waakange akamonerwa nawo. After that he poureth water into a bason, and began to wash the disciples’ feet, and to wipe them with the towel wherewith he was girded.
6 Naizvozvo wakasvika kuna Simoni Petro; iye ndokuti kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here? Then cometh he to Simon Peter: and Peter saith unto him, Lord, dost thou wash my feet?
7 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Chandinoita ini, iwe hauzivi ikozvino; asi uchaziva shure kweizvi. Jesus answered and said unto him, What I do thou knowest not now; but thou shalt know hereafter.
8 Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nekusingaperi. Jesu akamupindura akati: Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni. Peter saith unto him, Thou shalt never wash my feet. Jesus answered him, If I wash thee not, thou hast no part with me.
9 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, kwete tsoka dzangu dzega, asi maokowo nemusoro. Simon Peter saith unto him, Lord, not my feet only, but also my hands and my head.
10 Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu kunze kwekushamba tsoka, asi wakachena chose; uye imwi makachena asi kwete mese. Jesus saith to him, He that is washed needeth not save to wash his feet, but is clean every whit: and ye are clean, but not all.
11 Nokuti wakange achiziva uyo waizomutengesa; nekuda kwaizvozvi wakati: Hamuna kuchena mese. For he knew who should betray him; therefore said he, Ye are not all clean.
12 Naizvozvo ashambidza tsoka dzavo, wakatora nguvo dzake, agarazve pakudya, akati kwavari: Munoziva zvandaita kwamuri here? So after he had washed their feet, and had taken his garments, and was set down again, he said unto them, Know ye what I have done to you?
13 Imwi munondidaidza kuti Mudzidzisi, uye Ishe; uye munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye. Ye call me Master and Lord: and ye say well; for so I am.
14 Zvino kana ini, Ishe neMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, imwiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. If I then, your Lord and Master, have washed your feet; ye also ought to wash one another’s feet.
15 Nokuti ndakupai muenzaniso, kuti nemwi muite ini sezvandaita kwamuri. For I have given you an example, that ye should do as I have done to you.
16 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa haasi mukuru kune wakamutuma. Verily, verily, I say unto you, The servant is not greater than his lord; neither he that is sent greater than he that sent him.
17 Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita. If ye know these things, happy are ye if ye do them.
18 Handitauri maererano nemwi mese; ini ndinoziva vandakasarudza; asi kuti rugwaro ruzadziswe, rwunoti: Anodya chingwa neni wakandisimudzira chitsitsinho chake. I speak not of you all: I know whom I have chosen: but that the scripture may be fulfilled, He that eateth bread with me hath lifted up his heel against me.
19 Kubva ikozvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti, kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini. Now I tell you before it come, that, when it is come to pass, ye may believe that I am he.
20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anogamuchira ani nani wandinotuma, anogamuchira ini; neanogamuchira ini, anogamuchira wakandituma. Verily, verily, I say unto you, He that receiveth whomsoever I send receiveth me; and he that receiveth me receiveth him that sent me.
21 Jesu wakati areva izvi akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa. When Jesus had thus said, he was troubled in spirit, and testified, and said, Verily, verily, I say unto you, that one of you shall betray me.
22 Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vasina chokwadi kuti wataura pamusoro paani. Then the disciples looked one on another, doubting of whom he spake.
23 Zvino kwakange kugere pakudya pachifuva chaJesu umwe wevadzidzi vake, Jesu waaida; Now there was leaning on Jesus’ bosom one of his disciples, whom Jesus loved.
24 naizvozvo Simoni Petro akamuninira, kubvunza kuti ndiani waanotaura pamusoro pake. Simon Peter therefore beckoned to him, that he should ask who it should be of whom he spake.
25 Iyewo achizendamira pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndiani? He then lying on Jesus’ breast saith unto him, Lord, who is it?
26 Jesu akapindura akati: Ndiye ini wandichapa chimedu kana ndaseva. Zvino aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni. Jesus answered, He it is, to whom I shall give a sop, when I have dipped it. And when he had dipped the sop, he gave it to Judas Iscariot, the son of Simon.
27 Zvino shure kwechimedu, ipapo Satani akapinda maari. Jesu ndokuti kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza. And after the sop Satan entered into him. Then said Jesus unto him, That thou doest, do quickly.
28 Asi hakuna kune vakange vagere pakudya wakaziva kuti wakareverei izvi kwaari. Now no man at the table knew for what intent he spake this unto him.
29 Nokuti vamwe vakafunga kuti, sezvo Judhasi aiva nechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu. For some of them thought, because Judas had the bag, that Jesus had said unto him, Buy those things that we have need of against the feast; or, that he should give something to the poor.
30 Naizvozvo iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; zvino hwakange huri usiku. He then having received the sop went immediately out: and it was night.
31 Naizvozvo wakati abuda, Jesu akati: Ikozvino Mwanakomana wemunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari. Therefore, when he was gone out, Jesus said, Now is the Son of man glorified, and God is glorified in him.
32 Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudzawo maari pachake, zvino achamukudza pakarepo. If God be glorified in him, God shall also glorify him in himself, and shall straightway glorify him.
33 Vana vadiki, ndichinemwi chinguva chidiki. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuVaJudha, kuti: Ini kwandinoenda, imwi hamugoni kuuyako, ndinorevawo kwamuri ikozvino. Little children, yet a little while I am with you. Ye shall seek me: and as I said unto the Jews, Whither I go, ye cannot come; so now I say to you.
34 Murairo mutsva ndinopa kwamuri, kuti mudanane; sezvandakakudai, kuti imwi mudananewo. A new commandment I give unto you, That ye love one another; as I have loved you, that ye also love one another.
35 Pane izvi vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo umwe kune umwe. By this shall all men know that ye are my disciples, if ye have love one to another.
36 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoenda kupi? Jesu akamupindura, akati: Kwandinoenda, haungagoni kunditevera ikozvino; asi uchanditevera pashure. Simon Peter said unto him, Lord, whither goest thou? Jesus answered him, Whither I go, thou canst not follow me now; but thou shalt follow me afterwards.
37 Petro akati kwaari: Ishe, handigoni kukuteverai ikozvino nei? Ndichakuradzikirai upenyu hwangu pasi. Peter said unto him, Lord, why cannot I follow thee now? I will lay down my life for thy sake.
38 Jesu akamupindura, akati: Ucharadzikira upenyu hwako pasi ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Jongwe haringatongoriri kusvikira wandiramba katatu. Jesus answered him, Wilt thou lay down thy life for my sake? Verily, verily, I say unto thee, The cock shall not crow, till thou hast denied me thrice.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL