로그인

요한복음 11장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한복음 (John) · 57절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Kwaiva neumwe wairwara, wainzi Razaro weBhetaniya, mumusha waMaria nemukoma wake Marita. Now a certain man was sick, named Lazarus, of Bethany, the town of Mary and her sister Martha.
2 Waiva iye Maria wakazodza Ishe nemafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake, hanzvadzi yake Razaro wakange achirwara. (It was that Mary which anointed the Lord with ointment, and wiped his feet with her hair, whose brother Lazarus was sick.)
3 Naizvozvo hanzvadzi dzakatumira kwaari dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda anorwara. Therefore his sisters sent unto him, saying, Lord, behold, he whom thou lovest is sick.
4 Jesu wakati anzwa akati: Ukosha uhu hahusviki murufu, asi ndehwembiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nahwo. When Jesus heard that, he said, This sickness is not unto death, but for the glory of God, that the Son of God might be glorified thereby.
5 Zvino Jesu wakange achida Marita nemunin'ina wake naRazaro. Now Jesus loved Martha, and her sister, and Lazarus.
6 Naizvozvo wakati anzwa kuti anorwara, ipapo akagara mazuva maviri panzvimbo paakange ari. When he had heard therefore that he was sick, he abode two days still in the same place where he was.
7 Shure kweizvozvo wakati kuvadzidzi: Hendeizve kuJudhiya. Then after that saith he to his disciples, Let us go into Judea again.
8 Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi*, VaJudha vachangobva kutsvaka kukutakai nemabwe; zvino moendazve ikoko here? His disciples say unto him, Master, the Jews of late sought to stone thee; and goest thou thither again?
9 Jesu akapindura akati: Hapana maawa gumi nemaviri masikati here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti anoona chiedza chenyika ino. Jesus answered, Are there not twelve hours in the day? If any man walk in the day, he stumbleth not, because he seeth the light of this world.
10 Asi kana munhu achifamba usiku, anogumburwa, nokuti hamuna chiedza maari. But if a man walk in the night, he stumbleth, because there is no light in him.
11 Wakataura zvinhu izvi, shure kweizvozvo ndokuti kwavari: Shamwari yedu Razaro yarara; asi ndinoenda kuti ndimumutse. These things said he: and after that he saith unto them, Our friend Lazarus sleepeth; but I go, that I may awake him out of sleep.
12 Naizvozvo vadzidzi vake vakati: Ishe, kana arere, achanaya. Then said his disciples, Lord, if he sleep, he shall do well.
13 Asi Jesu wakareva zverufu rwake; asi ivo vakafunga kuti anoreva kuzorora kwehope. Howbeit Jesus spake of his death: but they thought that he had spoken of taking of rest in sleep.
14 Naizvozvo ipapo Jesu akavaudza pachena: Razaro wafa. Then said Jesus unto them plainly, Lazarus is dead.
15 Zvino ndinofara nekuda kwenyu kuti ndakange ndisipo, kuti mugotenda; asi hendei kwaari. And I am glad for your sakes that I was not there, to the intent ye may believe; nevertheless let us go unto him.
16 Naizvozvo Tomasi, wainzi Dhidhimo, wakati kuvadzidzi pamwe naye: Hendei isuwo kuti tinofa naye. Then said Thomas, which is called Didymus, unto his fellowdisciples, Let us also go, that we may die with him.
17 Zvino Jesu wakati achisvika, akawana atova muguva mazuva mana. Then when Jesus came, he found that he had lain in the grave four days already.
18 Zvino Bhetaniya rakange riri pedo neJerusarema, masitadhiya* anenge gumi nemashanu kubva ipapo; Now Bethany was nigh unto Jerusalem, about fifteen furlongs off:
19 nevazhinji veVaJudha vakange vauya kuna Marita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo. And many of the Jews came to Martha and Mary, to comfort them concerning their brother.
20 Zvino Marita wakati anzwa kuti Jesu wouya, akaenda kunomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba. Then Martha, as soon as she heard that Jesus was coming, went and met him: but Mary sat still in the house.
21 Marita ndokuti kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Then said Martha unto Jesus, Lord, if thou hadst been here, my brother had not died.
22 Asi naikozvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai. But I know, that even now, whatsoever thou wilt ask of God, God will give it thee.
23 Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve. Jesus saith unto her, Thy brother shall rise again.
24 Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rekupedzisira. Martha saith unto him, I know that he shall rise again in the resurrection at the last day.
25 Jesu akati kwaari: Ndini kumuka neupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama; Jesus said unto her, I am the resurrection, and the life: he that believeth in me, though he were dead, yet shall he live:
26 uye umwe neumwe anorarama uye anotenda kwandiri, haangatongofi nekusingaperi. Unotenda izvi here? And whosoever liveth and believeth in me shall never die. Believest thou this?
27 Akati kwaari: Hongu, Ishe; ini ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, waizouya panyika. She saith unto him, Yea, Lord: I believe that thou art the Christ, the Son of God, which should come into the world.
28 Zvino wakati areva izvi akaenda, akanodana Maria munin'ina wake pachivande, akati: Mudzidzisi wasvika, anokudana. And when she had so said, she went her way, and called Mary her sister secretly, saying, The Master is come, and calleth for thee.
29 Iye wakati achingozvinzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari. As soon as she heard that, she arose quickly, and came unto him.
30 Zvino Jesu wakange asati asvika pamusha, asi wakange achiri panzvimbo Marita paakamuchingamidza. Now Jesus was not yet come into the town, but was in that place where Martha met him.
31 Naizvozvo VaJudha vakange vanaye mumba vachimunyaradza, vakati vachiona Maria kuti wakasimuka nekukurumidza achibuda, vakamutevera vachiti: Anoenda kuguva kuti acheme ikoko. The Jews then which were with her in the house, and comforted her, when they saw Mary, that she rose up hastily and went out, followed her, saying, She goeth unto the grave to weep there.
32 Zvino Maria, wakati achisvika pakange pana Jesu, achimuona, akawira patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Then when Mary was come where Jesus was, and saw him, she fell down at his feet, saying unto him, Lord, if thou hadst been here, my brother had not died.
33 Naizvozvo Jesu wakati achimuona achichema, VaJudhawo vachichema vakange vauya naye, akagomera mumweya, akazvitambudza, When Jesus therefore saw her weeping, and the Jews also weeping which came with her, he groaned in the spirit, and was troubled,
34 akati: Mamuradzikepi? Vakati kwaari: Ishe, uyai muone. And said, Where have ye laid him? They said unto him, Lord, come and see.
35 Jesu akachema misodzi. Jesus wept.
36 Zvino VaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei. Then said the Jews, Behold how he loved him!
37 Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haagoni kuita here kuti uyuwo asafa? And some of them said, Could not this man, which opened the eyes of the blind, have caused that even this man should not have died?
38 Naizvozvo Jesu wakagomerazve mukati make asvika paguva. Zvino raiva bako, nebwe rakange rakaradzikwa pamusoro paro. Jesus therefore again groaning in himself cometh to the grave. It was a cave, and a stone lay upon it.
39 Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yewakafa akati kwaari: Ishe, wotonhuhwa; nokuti ane mazuva mana. Jesus said, Take ye away the stone. Martha, the sister of him that was dead, saith unto him, Lord, by this time he stinketh: for he hath been dead four days.
40 Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari? Jesus saith unto her, Said I not unto thee, that, if thou wouldest believe, thou shouldest see the glory of God?
41 Naizvozvo vakabvisa ibwe, pakange paradzikwa wakafa. Jesu ndokusimudzira meso kumusoro, ndokuti: Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa. Then they took away the stone from the place where the dead was laid. And Jesus lifted up his eyes, and said, Father, I thank thee that thou hast heard me.
42 Asi ini ndanga ndichiziva kuti munondinzwa nguva dzese; asi nekuda kwechaunga chakakomberedza ndareva, kuti vatende kuti imwi makandituma. And I knew that thou hearest me always: but because of the people which stand by I said it, that they may believe that thou hast sent me.
43 Zvino wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda! And when he thus had spoken, he cried with a loud voice, Lazarus, come forth.
44 Uyo wakange afa ndokubuda, akasungwa makumbo nemaoko nemicheka yeguva, nechiso chake chakapombwa nemucheka wekumeso. Jesu akati kwavari: Musunungurei, mumurege aende. And he that was dead came forth, bound hand and foot with graveclothes: and his face was bound about with a napkin. Jesus saith unto them, Loose him, and let him go.
45 Naizvozvo vazhinji veVaJudha, vakange vauya kuna Maria vakati vaona Jesu zvaakaita, vakatenda kwaari. Then many of the Jews which came to Mary, and had seen the things which Jesus did, believed on him.
46 Asi vamwe vavo vakaenda kuVaFarisi, ndokuvaudza zvinhu Jesu zvaakange aita. But some of them went their ways to the Pharisees, and told them what things Jesus had done.
47 Naizvozvo vapristi vakuru neVaFarisi vakaunganidza dare remakurukota, vakati: Todini? Nokuti uyu munhu anoita zviratidzo zvizhinji. Then gathered the chief priests and the Pharisees a council, and said, What do we? for this man doeth many miracles.
48 Kana tikamurega akadaro, vese vachatenda kwaari; neVaRoma vachauya vakatora zviri zviviri nzvimbo nerudzi rwedu. If we let him thus alone, all men will believe on him: and the Romans shall come and take away both our place and nation.
49 Asi umwe wavo, Kayafasi, wakange ari mupristi mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi, And one of them, named Caiaphas, being the high priest that same year, said unto them, Ye know nothing at all,
50 uye hamurangariri kuti zvakatinakira kuti munhu umwe afire vanhu, uye rudzi rwese rurege kuparara. Nor consider that it is expedient for us, that one man should die for the people, and that the whole nation perish not.
51 Asi haana kureva izvi pachake, asi zvaakange ari mupristi mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waizofira rudzi urwo, And this spake he not of himself: but being high priest that year, he prophesied that Jesus should die for that nation;
52 uye kwete rudzi urwo rwega, asi kutiwo aunganidze vana vaMwari vakapararira vave umwe. And not for that nation only, but that also he should gather together in one the children of God that were scattered abroad.
53 Zvino kubva pazuva iro vakarangana kuti vamuuraye. Then from that day forth they took counsel together for to put him to death.
54 Naizvozvo Jesu haana kuzombofamba pachena pakati peVaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, ndokugarako nevadzidzi vake. Jesus therefore walked no more openly among the Jews; but went thence unto a country near to the wilderness, into a city called Ephraim, and there continued with his disciples.
55 Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera; vazhinji ndokubuda mumaruwa vakakwira kuJerusarema pasika isati yasvika, kuti vazvichenure. And the Jews’ passover was nigh at hand: and many went out of the country up to Jerusalem before the passover, to purify themselves.
56 Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munofungei? Kuti haangatongouyi kumutambo here? Then sought they for Jesus, and spake among themselves, as they stood in the temple, What think ye, that he will not come to the feast?
57 Zvino vese vapristi vakuru neVaFarisi vakange vapa murairo kuti kana kune anoziva kwaari, azivise, kuti vamubate. Now both the chief priests and the Pharisees had given a commandment, that, if any man knew where he were, he should shew it, that they might take him.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL