요한계시록 2장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 요한계시록 (Revelation) · 29절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Kumutumwa wekereke yeEfeso nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura iye wakabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi, anofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe, | Unto the angel of the church of Ephesus write; These things saith he that holdeth the seven stars in his right hand, who walketh in the midst of the seven golden candlesticks; |
| 2 | achiti: Ndinoziva mabasa ako, nekuremerwa kwako, nekutsungirira kwako, uye kuti haugoni kumirisana nevakaipa, uye wakavaidza ivo vanoti vaapositori asi vasiri ivo, uye wakavawana vari varevi venhema, | I know thy works, and thy labour, and thy patience, and how thou canst not bear them which are evil: and thou hast tried them which say they are apostles, and are not, and hast found them liars: |
| 3 | wakamirawo uye ukava nemoyo murefu, uye nekuda kwezita rangu wakarwisa, ukasaneta. | And hast borne, and hast patience, and for my name’s sake hast laboured, and hast not fainted. |
| 4 | Asi ndine kupikisana newe, kuti wakasiya rudo rwako rwekutanga. | Nevertheless I have somewhat against thee, because thou hast left thy first love. |
| 5 | Naizvozvo rangarira pawakawa, uye tendeuka, uitewo mabasa ekutanga; kana zvikasadarowo ndichauya kwauri nekukurumidza, uye ndichabvisa chigadziko chako chemwenje kubva panzvimbo yacho, kana usingatendeuki. | Remember therefore from whence thou art fallen, and repent, and do the first works; or else I will come unto thee quickly, and will remove thy candlestick out of his place, except thou repent. |
| 6 | Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa aVaNikoraiti, neni andinovenga. | But this thou hast, that thou hatest the deeds of the Nicolaitans, which I also hate. |
| 7 | Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Kuna iye anokunda ndichapa kuti adye zvemuti weupenyu uri pakati peParadhiso yaMwari. | He that hath an ear, let him hear what the Spirit saith unto the churches; To him that overcometh will I give to eat of the tree of life, which is in the midst of the paradise of God. |
| 8 | Nekumutumwa wekereke yeSimirina nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura Wekutanga neWekupedzisira, wakava akafa ndokurarama: | And unto the angel of the church in Smyrna write; These things saith the first and the last, which was dead, and is alive; |
| 9 | Ndinoziva mabasa ako nedambudziko neurombo (asi uri mufumi), nekutuka kwevanoti ivo VaJudha pachavo, asi vasiri, asi vari sinagoge raSatani. | I know thy works, and tribulation, and poverty, (but thou art rich) and I know the blasphemy of them which say they are Jews, and are not, but are the synagogue of Satan. |
| 10 | Usatya chimwe chezvinhu zvaoda kutambudzika nazvo; tarira, dhiabhorosi woda kukanda vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; uye muchava nedambudziko mazuva gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, zvino ndichakupa korona yeupenyu. | Fear none of those things which thou shalt suffer: behold, the devil shall cast some of you into prison, that ye may be tried; and ye shall have tribulation ten days: be thou faithful unto death, and I will give thee a crown of life. |
| 11 | Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda haatongokuvadzwi nerufu rwechipiri. | He that hath an ear, let him hear what the Spirit saith unto the churches; He that overcometh shall not be hurt of the second death. |
| 12 | Uye kumutumwa wekereke yePegamo nyora uti: Zvinhu izvi anotaura iye ane munondo unopinza mativi maviri: | And to the angel of the church in Pergamos write; These things saith he which hath the sharp sword with two edges; |
| 13 | Ndinoziva mabasa ako uye paunogara, ipo pane chigaro cheushe chaSatani, uye wakabatisisa zita rangu, uye hauna kuramba rutendo rwangu, kunyange pamazuva paiva naAntipasi, chapupu changu chakatendeka, wakaurawa pakati penyu, apo panogara Satani. | I know thy works, and where thou dwellest, even where Satan’s seat is: and thou holdest fast my name, and hast not denied my faith, even in those days wherein Antipas was my faithful martyr, who was slain among you, where Satan dwelleth. |
| 14 | Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, nokuti unavo ipapo vanobatirira dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kukanda chigumbuso pamberi pevana vaIsraeri, kuti vadye zvakabairwa zvifananidzo nekuita upombwe. | But I have a few things against thee, because thou hast there them that hold the doctrine of Balaam, who taught Balac to cast a stumblingblock before the children of Israel, to eat things sacrificed unto idols, and to commit fornication. |
| 15 | Saizvozvo newe unavo vanobatisisa dzidziso yeVaNikoraiti, chinhu chandinovenga. | So hast thou also them that hold the doctrine of the Nicolaitans, which thing I hate. |
| 16 | Tendeuka; zvino kana zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nemunondo wemuromo wangu. | Repent; or else I will come unto thee quickly, and will fight against them with the sword of my mouth. |
| 17 | Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda, ndichapa kwaari kuti adye kubva pamana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, nepabwe iro zita idzva rakanyorwa, risina anoziva, kunze kweanorigamuchira. | He that hath an ear, let him hear what the Spirit saith unto the churches; To him that overcometh will I give to eat of the hidden manna, and will give him a white stone, and in the stone a new name written, which no man knoweth saving he that receiveth it. |
| 18 | Nekumutumwa wekereke iri paTiatira nyora uti: Izvi anoreva Mwanakomana waMwari, ane meso ake akafanana nemurazvo wemoto, netsoka dzake dzakaita sendarira yakakwenenzverwa: | And unto the angel of the church in Thyatira write; These things saith the Son of God, who hath his eyes like unto a flame of fire, and his feet are like fine brass; |
| 19 | Ndinoziva mabasa ako, nerudo, nekushumira, nerutendo, nekutsungirira kwako, uye mabasa ako, uye kuti ekupedzisira anopfuura ekutanga. | I know thy works, and charity, and service, and faith, and thy patience, and thy works; and the last to be more than the first. |
| 20 | Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, kuti unotendera mukadzi Jezebheri, anozviidza muporofitakadzi kudzidzisa nekutsausa varanda vangu kuti vaite upombwe nekudya zvakabairwa zvifananidzo. | Notwithstanding I have a few things against thee, because thou sufferest that woman Jezebel, which calleth herself a prophetess, to teach and to seduce my servants to commit fornication, and to eat things sacrificed unto idols. |
| 21 | Zvino ndakamupa nguva kuti atendeuke kubva paufeve hwake, asi haana kutendeuka. | And I gave her space to repent of her fornication; and she repented not. |
| 22 | Tarira, ini ndichamukandira panhovo, nevanoita upombwe naye padambudziko guru, kana vasingatendeuki kubva pamabasa avo. | Behold, I will cast her into a bed, and them that commit adultery with her into great tribulation, except they repent of their deeds. |
| 23 | Uye ndichauraya vana vake murufu; nemakereke ese achaziva kuti ini ndini ndinonzvera itsvo nemoyo; zvino ndichapa kwamuri umwe neumwe zvinoenderana nemabasa enyu. | And I will kill her children with death; and all the churches shall know that I am he which searcheth the reins and hearts: and I will give unto every one of you according to your works. |
| 24 | Asi ndinotaura kwamuri nekune vamwe vari paTiatira, vese vasina dzidziso iyi, uye vasina kuziva zvakadzika zvaSatani, sezvavanotaura vachiti: Handingakutakudzii umwe mutoro. | But unto you I say, and unto the rest in Thyatira, as many as have not this doctrine, and which have not known the depths of Satan, as they speak; I will put upon you none other burden. |
| 25 | Asi izvo zvamunazvo batisisai kusvikira ndichiuya. | But that which ye have already hold fast till I come. |
| 26 | Uye anokunda nekuchengeta mabasa angu kusvikira pakuguma, kwaari ndichapa simba pamusoro pemarudzi; | And he that overcometh, and keepeth my works unto the end, to him will I give power over the nations: |
| 27 | uye achaatonga netsvimbo yedare; semidziyo yemuumbi achaputsanyiwa; sezvandakagamuchirawo kuna Baba vangu. | And he shall rule them with a rod of iron; as the vessels of a potter shall they be broken to shivers: even as I received of my Father. |
| 28 | Uye ndichamupa nyeredzi yemangwanani. | And I will give him the morning star. |
| 29 | Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. | He that hath an ear, let him hear what the Spirit saith unto the churches. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL