로그인

요한계시록 1장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한계시록 (Revelation) · 20절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Chakazarurwa chaJesu Kristu, Mwari chaakapa kwaari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika, zvino azvituma nemutumwa wake wakaratidza muranda wake Johwani, The Revelation of Jesus Christ, which God gave unto him, to shew unto his servants things which must shortly come to pass; and he sent and signified it by his angel unto his servant John:
2 iye wakapupura shoko raMwari uye uchapupu hwaJesu Kristu, nezvese zvaakaona. Who bare record of the word of God, and of the testimony of Jesus Christ, and of all things that he saw.
3 Wakaropafadzwa anoverenga, nevanonzwa mashoko echiporofita ichi vachichengeta zvakanyorwa machiri; nokuti nguva yava pedo. Blessed is he that readeth, and they that hear the words of this prophecy, and keep those things which are written therein: for the time is at hand.
4 Johwani kumakereke manomwe ari muAsia: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna iye aripo uye wakange aripo neachazouya; nekuMweya minomwe iri pamberi pechigaro chake cheushe; John to the seven churches which are in Asia: Grace be unto you, and peace, from him which is, and which was, and which is to come; and from the seven Spirits which are before his throne;
5 nekuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kubva kune vakafa, nemutungamiriri wemadzimambo enyika. Kuna iye wakatida, akatisuka kubva pazvivi zvedu muropa rake; And from Jesus Christ, who is the faithful witness, and the first begotten of the dead, and the prince of the kings of the earth. Unto him that loved us, and washed us from our sins in his own blood,
6 akatiitawo madzimambo nevapristi kuna Mwari naBaba vake; kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. And hath made us kings and priests unto God and his Father; to him be glory and dominion for ever and ever. Amen.
7 Tarira, anouya pamwe nemakore, uye ziso rese richamuona, neavo vakamubaya; nemarudzi ese enyika achachema nekuda kwake. Hongu. Ameni. Behold, he cometh with clouds; and every eye shall see him, and they also which pierced him: and all kindreds of the earth shall wail because of him. Even so, Amen.
8 Ini ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, anoreva Ishe, aripo, newakange aripo, neachazouya, Wemasimbaose. I am Alpha and Omega, the beginning and the ending, saith the Lord, which is, and which was, and which is to come, the Almighty.
9 Ini Johwani, ndiri hama yenyuwo, uye mufambidzani pakutambudzika nemuushe nekutsungirira kwaJesu Kristu, ndakange ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nekuda kweshoko raMwari uye nekuda kweuchapupu hwaJesu Kristu. I John, who also am your brother, and companion in tribulation, and in the kingdom and patience of Jesus Christ, was in the isle that is called Patmos, for the word of God, and for the testimony of Jesus Christ.
10 Ndakange ndiri muMweya nezuva raIshe, zvino ndakanzwa shure kwangu inzwi guru, serehwamanda, I was in the Spirit on the Lord’s day, and heard behind me a great voice, as of a trumpet,
11 richiti: Ndini Arifa naOmega, Wekutanga neWekupedzisira; uye kuti: Zvaunoona, nyora mubhuku, uye tumira kumakereke manomwe ari muAsia, kuEfeso, nekuSimirina, nekuPerigamo, nekuTiatira, nekuSaridhisi, nekuFiradhefia, nekuRaodhikia. Saying, I am Alpha and Omega, the first and the last: and, What thou seest, write in a book, and send it unto the seven churches which are in Asia; unto Ephesus, and unto Smyrna, and unto Pergamos, and unto Thyatira, and unto Sardis, and unto Philadelphia, and unto Laodicea.
12 Zvino ndikatendeuka kuona inzwi rakataura neni. Ndatendeukawo ndakaona zvigadziko zvemwenje zvegoridhe zvinomwe, And I turned to see the voice that spake with me. And being turned, I saw seven golden candlesticks;
13 nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu, akapfeka nguvo yakasvikira kutsoka, uye akazvisunga kupoteredza chifuva nebhanhire regoridhe. And in the midst of the seven candlesticks one like unto the Son of man, clothed with a garment down to the foot, and girt about the paps with a golden girdle.
14 Nemusoro wake nemavhudzi zvakachena semakushe emakwai machena, semagada echando; uye meso ake semurazvo wemoto; His head and his hairs were white like wool, as white as snow; and his eyes were as a flame of fire;
15 uye tsoka dzake dzakafanana nendarira yakakwenenzverwa, sedzinenge dzakapiswa muvira remoto; neinzwi rake seinzwi remvura zhinji. And his feet like unto fine brass, as if they burned in a furnace; and his voice as the sound of many waters.
16 Uye wakange ane muruoko rwake rwerudyi nyeredzi nomwe; zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza unocheka mativi maviri; uye chiso chake chaiva sezuva rinopenya musimba raro. And he had in his right hand seven stars: and out of his mouth went a sharp twoedged sword: and his countenance was as the sun shineth in his strength.
17 Zvino pandakamuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; ndokuisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu, achiti kwandiri: Usatya; ndini wekutanga newekupedzisira; And when I saw him, I fell at his feet as dead. And he laid his right hand upon me, saying unto me, Fear not; I am the first and the last:
18 uye mupenyu; ndakange ndakafawo, zvino tarira, ndiri mupenyu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Uye ndine kiyi dzegehena nedzerufu. I am he that liveth, and was dead; and, behold, I am alive for evermore, Amen; and have the keys of hell and of death.
19 Nyora zvawaona, nezvinhu zviripo, nezvinhu zvichazovapo shure kweizvi. Write the things which thou hast seen, and the things which are, and the things which shall be hereafter;
20 Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona paruoko rwangu rwerudyi, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvawaona ndidzo kereke nomwe. The mystery of the seven stars which thou sawest in my right hand, and the seven golden candlesticks. The seven stars are the angels of the seven churches: and the seven candlesticks which thou sawest are the seven churches.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL