로그인

요한계시록 3장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 요한계시록 (Revelation) · 22절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Uye kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora uti: Zvinhu izvi anoreva iye ane Mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rekuti unorarama, asi wakafa. And unto the angel of the church in Sardis write; These things saith he that hath the seven Spirits of God, and the seven stars; I know thy works, that thou hast a name that thou livest, and art dead.
2 Iva wakarinda, uye simbisa zvinhu zvakasara zvoda kufa; nokuti handina kuwana mabasa ako akaperedzerwa pamberi paMwari. Be watchful, and strengthen the things which remain, that are ready to die: for I have not found thy works perfect before God.
3 Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nekunzwa sei; uye chengeta, uye tendeuka. Naizvozvo kana usingarindi, ndichauya kwauri sembavha, uye haungatongozivi kuti iawa ripi randichauya naro pamusoro pako. Remember therefore how thou hast received and heard, and hold fast, and repent. If therefore thou shalt not watch, I will come on thee as a thief, and thou shalt not know what hour I will come upon thee.
4 Une mazita mashoma kunyange paSadhisi asina kusvibiswa nguvo dzawo; uye vachafamba neni munguvo chena, nokuti vakafanira. Thou hast a few names even in Sardis which have not defiled their garments; and they shall walk with me in white: for they are worthy.
5 Uyo anokunda, ndiye achapfekedzwa nguvo chena; uye handichatongodzimi zita rake pabhuku reupenyu, uye ndichareurura zita rake pamberi paBaba vangu, nepamberi pevatumwa vake. He that overcometh, the same shall be clothed in white raiment; and I will not blot out his name out of the book of life, but I will confess his name before my Father, and before his angels.
6 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. He that hath an ear, let him hear what the Spirit saith unto the churches.
7 Nekumutumwa wekereke iri muFiradhefia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Mutsvene, Wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anozarura pasinawo anopfiga, nekupfiga pasinawo anozarura: And to the angel of the church in Philadelphia write; These things saith he that is holy, he that is true, he that hath the key of David, he that openeth, and no man shutteth; and shutteth, and no man openeth;
8 Ndinoziva mabasa ako; tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazarurwa, uye hakuna angagona kuupfiga, nokuti une simba shoma, uye wakachengeta shoko rangu, nekusaramba zita rangu. I know thy works: behold, I have set before thee an open door, and no man can shut it: for thou hast a little strength, and hast kept my word, and hast not denied my name.
9 Tarira, ndichakupa vanobva kusinagoge raSatani, vanozviti VaJudha, vasiri ivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavaita kuti vauye vagonamata pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ini ndakakuda. Behold, I will make them of the synagogue of Satan, which say they are Jews, and are not, but do lie; behold, I will make them to come and worship before thy feet, and to know that I have loved thee.
10 Nokuti wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu, neni ndichakuchengeta panguva yekuedzwa ichauya pamusoro penyika yese, kuedza vanogara panyika. Because thou hast kept the word of my patience, I also will keep thee from the hour of temptation, which shall come upon all the world, to try them that dwell upon the earth.
11 Tarira, ndinouya nekukurumidza; batisisa chaunacho, kuti kusava neanotora korona yako. Behold, I come quickly: hold that fast which thou hast, that no man take thy crown.
12 Uyo anokunda, ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, uye haachatongobudizve; uye ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, reJerusarema idzva, rinoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva. Him that overcometh will I make a pillar in the temple of my God, and he shall go no more out: and I will write upon him the name of my God, and the name of the city of my God, which is new Jerusalem, which cometh down out of heaven from my God: and I will write upon him my new name.
13 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. He that hath an ear, let him hear what the Spirit saith unto the churches.
14 Nekumutumwa wekereke yeVaRaodhikia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari: And unto the angel of the church of the Laodiceans write; These things saith the Amen, the faithful and true witness, the beginning of the creation of God;
15 Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori uye haupisi. Ndaida kuti dai uchitonhora kana uchipisa. I know thy works, that thou art neither cold nor hot: I would thou wert cold or hot.
16 Zvino zvaunodziya, uye hautonhori uye haupisi, ndichakusvisvina mumuromo mangu. So then because thou art lukewarm, and neither cold nor hot, I will spue thee out of my mouth.
17 Nokuti unoti: Ndiri mufumi, uye ndakafuma, uye handishaiwi chinhu, asi hauzivi kuti ndiwe unotambura, neune nhamo, nemurombo, nebofu, newakashama; Because thou sayest, I am rich, and increased with goods, and have need of nothing; and knowest not that thou art wretched, and miserable, and poor, and blind, and naked:
18 ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakaidzwa mumoto, kuti ufume; nenguvo chena, kuti upfeke, uye nyadzi dzekushama kwako dzirege kuratidzika; uye uzore meso ako nechizoro chameso, kuti uone. I counsel thee to buy of me gold tried in the fire, that thou mayest be rich; and white raiment, that thou mayest be clothed, and that the shame of thy nakedness do not appear; and anoint thine eyes with eyesalve, that thou mayest see.
19 Vese vandinoda ini, ndinotsiura nekuranga. Naizvozvo shingaira utendeuke. As many as I love, I rebuke and chasten: be zealous therefore, and repent.
20 Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana umwe achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova, ndichapinda kwaari, uye ndicharaira naye, naiye neni. Behold, I stand at the door, and knock: if any man hear my voice, and open the door, I will come in to him, and will sup with him, and he with me.
21 Anokunda, ndichamupa kugara neni pachigaro changu cheushe, sezvo neni ndakakunda ndikagara pamwe naBaba vangu pachigaro chavo cheushe. To him that overcometh will I grant to sit with me in my throne, even as I also overcame, and am set down with my Father in his throne.
22 Ane nzeve ngaanzwe zinoreva Mweya kumakereke. He that hath an ear, let him hear what the Spirit saith unto the churches.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL