로그인

에베소서 6장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 에베소서 (Ephesians) · 24절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti izvi zvakarurama. Children, obey your parents in the Lord: for this is right.
2 Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso, Honour thy father and mother; (which is the first commandment with promise;)
3 kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika. That it may be well with thee, and thou mayest live long on the earth.
4 Nemwi vana baba, musatsamwisa vana venyu, asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe. And, ye fathers, provoke not your children to wrath: but bring them up in the nurture and admonition of the Lord.
5 Varanda, teererai vatenzi venyu panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wenyu wakarurama sekuna Kristu; Servants, be obedient to them that are your masters according to the flesh, with fear and trembling, in singleness of your heart, as unto Christ;
6 kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo; Not with eyeservice, as menpleasers; but as the servants of Christ, doing the will of God from the heart;
7 muchishanda nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu; With good will doing service, as to the Lord, and not to men:
8 muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka umwe neumwe chaanoita, achagamuchira ichochi kuna Ishe, kana muranda, kana wakasununguka. Knowing that whatsoever good thing any man doeth, the same shall he receive of the Lord, whether he be bond or free.
9 Nemwi madzitenzi, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira; muchiziva kutiwo Tenzi wenyu pachenyu uri kumatenga; uye kwaari hakuna rusarura rwevanhu. And, ye masters, do the same things unto them, forbearing threatening: knowing that your Master also is in heaven; neither is there respect of persons with him.
10 Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemukugwinya kwesimba rake. Finally, my brethren, be strong in the Lord, and in the power of his might.
11 Shongai zvombo zvese zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi; Put on the whole armour of God, that ye may be able to stand against the wiles of the devil.
12 nokuti hatirwisani neropa nenyama, asi neutongi, nemasimba, nevatungamiriri verima renyika ino, nemweya yakaipa kunzvimbo dzekumatenga. For we wrestle not against flesh and blood, but against principalities, against powers, against the rulers of the darkness of this world, against spiritual wickedness in high places.
13 Saka torai zvombo zvese zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvese, mumire. Wherefore take unto you the whole armour of God, that ye may be able to withstand in the evil day, and having done all, to stand.
14 Naizvozvo mirai, zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama, Stand therefore, having your loins girt about with truth, and having on the breastplate of righteousness;
15 uye makasunga tsoka negadziriro yeevhangeri yerugare; And your feet shod with the preparation of the gospel of peace;
16 pamusoro pezvese matora nhoo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yese inopfuta yewakaipa. Above all, taking the shield of faith, wherewith ye shall be able to quench all the fiery darts of the wicked.
17 Uye torai ngowani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova shoko raMwari; And take the helmet of salvation, and the sword of the Spirit, which is the word of God:
18 muchinyengetera nguva dzese nemunyengetero wese nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nekutsungirira kwese nekukumbirira vatsvene vese, Praying always with all prayer and supplication in the Spirit, and watching thereunto with all perseverance and supplication for all saints;
19 nepamusoro pangu, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi kuti ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri, And for me, that utterance may be given unto me, that I may open my mouth boldly, to make known the mystery of the gospel,
20 yandiri nhume yayo mumaketani, kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura. For which I am an ambassador in bonds: that therein I may speak boldly, as I ought to speak.
21 Asi kuti imwiwo muzive zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikanwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, achakuzivisai zvinhu zvese; But that ye also may know my affairs, and how I do, Tychicus, a beloved brother and faithful minister in the Lord, shall make known to you all things:
22 wandakatuma kwamuri nechinangwa ichi, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu. Whom I have sent unto you for the same purpose, that ye might know our affairs, and that he might comfort your hearts.
23 Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo rwunobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu. Peace be to the brethren, and love with faith, from God the Father and the Lord Jesus Christ.
24 Nyasha ngadzive nevese vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni. Grace be with all them that love our Lord Jesus Christ in sincerity. Amen. Written from Rome unto the Ephesians by Tychicus.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL