로그인

에베소서 5장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 에베소서 (Ephesians) · 33절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikanwa; Be ye therefore followers of God, as dear children;
2 uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibairo kuna Mwari zvive hwema hunonhuhwira. And walk in love, as Christ also hath loved us, and hath given himself for us an offering and a sacrifice to God for a sweetsmelling savour.
3 Asi upombwe netsvina yese kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; But fornication, and all uncleanness, or covetousness, let it not be once named among you, as becometh saints;
4 neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, zvinhu zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga. Neither filthiness, nor foolish talking, nor jesting, which are not convenient: but rather giving of thanks.
5 Nokuti munozviziva izvi, kuti mhombwe yega-yega, kana munhu asina kuchena, kana munhu anochiva, anova munamati wezvifananidzo, haana nhaka muushe hwaKristu nehwaMwari. For this ye know, that no whoremonger, nor unclean person, nor covetous man, who is an idolater, hath any inheritance in the kingdom of Christ and of God.
6 Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nokuti nekuda kwezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevana vekusateerera. Let no man deceive you with vain words: for because of these things cometh the wrath of God upon the children of disobedience.
7 Naizvozvo regai kuva vagovani navo. Be not ye therefore partakers with them.
8 Nokuti maimbova rima, asi ikozvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza. For ye were sometimes darkness, but now are ye light in the Lord: walk as children of light:
9 Nokuti chibereko cheMweya chiri mukunaka kwese nekururama nechokwadi, (For the fruit of the Spirit is in all goodness and righteousness and truth;)
10 muchiongorora zvinofadza kuna Ishe; Proving what is acceptable unto the Lord.
11 uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mutsiurewo; And have no fellowship with the unfruitful works of darkness, but rather reprove them.
12 nokuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura. For it is a shame even to speak of those things which are done of them in secret.
13 Asi zvinhu zvese zvinotsiurwa zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvese zvinoratidzwa chiedza. But all things that are reproved are made manifest by the light: for whatsoever doth make manifest is light.
14 Naizvozvo anoti: Simuka iwe urere, uye muka kubva kuvakafa, zvino Kristu achakuvhenekera. Wherefore he saith, Awake thou that sleepest, and arise from the dead, and Christ shall give thee light.
15 Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera; See then that ye walk circumspectly, not as fools, but as wise,
16 muchidzikunura nguva, nokuti mazuva akaipa. Redeeming the time, because the days are evil.
17 Naizvozvo musava matununu, asi vanonzwisisa zviri kuda kwaIshe. Wherefore be ye not unwise, but understanding what the will of the Lord is.
18 Uye regai kuraradza newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya, And be not drunk with wine, wherein is excess; but be filled with the Spirit;
19 muchitaurirana nemapisarema nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe, Speaking to yourselves in psalms and hymns and spiritual songs, singing and making melody in your heart to the Lord;
20 muchipa kuvonga nguva dzese pamusoro pezvinhu zvese kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, Giving thanks always for all things unto God and the Father in the name of our Lord Jesus Christ;
21 muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari. Submitting yourselves one to another in the fear of God.
22 Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sekuna Ishe, Wives, submit yourselves unto your own husbands, as unto the Lord.
23 nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri. For the husband is the head of the wife, even as Christ is the head of the church: and he is the saviour of the body.
24 Asi kerekewo sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachavo pachinhu chese. Therefore as the church is subject unto Christ, so let the wives be to their own husbands in every thing.
25 Varume, idai vakadzi venyu pachenyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo; Husbands, love your wives, even as Christ also loved the church, and gave himself for it;
26 kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura neShoko, That he might sanctify and cleanse it with the washing of water by the word,
27 kuti aikumikidze kwaari, kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana, kana chimwe chezvakadai, asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa. That he might present it to himself a glorious church, not having spot, or wrinkle, or any such thing; but that it should be holy and without blemish.
28 Saizvozvo varume vanofanira kuda vakadzi vavo pachavo semiviri yavo pachavo. Anoda mukadzi wake pachake, anozvida iye. So ought men to love their wives as their own bodies. He that loveth his wife loveth himself.
29 Nokuti hakuna wakatongovenga nyama yake pachake, asi anoifunda nekuchengetedza, sezvinoita Ishewo kukereke; For no man ever yet hated his own flesh; but nourisheth and cherisheth it, even as the Lord the church:
30 nokuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyemafupa ake. For we are members of his body, of his flesh, and of his bones.
31 Nekuda kweizvozvi munhu achasiya baba namai vake, ndokubatanidzwa kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe. For this cause shall a man leave his father and mother, and shall be joined unto his wife, and they two shall be one flesh.
32 Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke. This is a great mystery: but I speak concerning Christ and the church.
33 Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake pachake sezvaanozvida iye; nemukadzi aone kuti atye murume. Nevertheless let every one of you in particular so love his wife even as himself; and the wife see that she reverence her husband.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL