로그인

빌립보서 1장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 빌립보서 (Philippians) · 30절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vese muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatungamiriri nevadhikoni: Paul and Timotheus, the servants of Jesus Christ, to all the saints in Christ Jesus which are at Philippi, with the bishops and deacons:
2 Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu. Grace be unto you, and peace, from God our Father, and from the Lord Jesus Christ.
3 Ndinovonga Mwari wangu pakukurangarirai nguva dzese, I thank my God upon every remembrance of you,
4 nguva dzese pamunyengetero wangu wega-wega pamusoro penyu mese ndichiita munyengetero nemufaro, Always in every prayer of mine for you all making request with joy,
5 nekuda kwekudyidzana kwenyu muevhangeri kubva zuva rekutanga kusvikira ikozvino; For your fellowship in the gospel from the first day until now;
6 ndichivimba chinhu ichi, kuti wakatanga basa rakanaka mamuri, acharipedzisa kusvikira zuva raJesu Kristu; Being confident of this very thing, that he which hath begun a good work in you will perform it until the day of Jesus Christ:
7 sezvazvakandinakira kufunga izvi pamusoro penyu mese, nokuti ndinemwi mumoyo zvekuti zvese muzvisungo zvangu nemukutavirira nekusimbisa kweevhangeri, imwi mese muri vagovani pamwe neni venyasha. Even as it is meet for me to think this of you all, because I have you in my heart; inasmuch as both in my bonds, and in the defence and confirmation of the gospel, ye all are partakers of my grace.
8 Nokuti Mwari ndiye chapupu changu, kuti ndinokushuvai mese zvikuru sei muura hwaJesu Kristu. For God is my record, how greatly I long after you all in the bowels of Jesus Christ.
9 Uye izvi ndinonyengetera, kuti rudo rwenyu rwurambe rwuchiwandisisa paruzivo nekunzwisisa kwese, And this I pray, that your love may abound yet more and more in knowledge and in all judgment;
10 kuti mutende zvinhu zvakanakisisa, kuti muve vakarurama nevasine mhosva, kusvikira zuva raKristu, That ye may approve things that are excellent; that ye may be sincere and without offence till the day of Christ;
11 makazadzwa nezvibereko zvekururama zvinouya naJesu Kristu, pakubwinya nekurumbidzwa kwaMwari. Being filled with the fruits of righteousness, which are by Jesus Christ, unto the glory and praise of God.
12 Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvinhu zvakandiwira zvakaita zvikuru kufambira mberi kweevhangeri; But I would ye should understand, brethren, that the things which happened unto me have fallen out rather unto the furtherance of the gospel;
13 zvekuti zvisungo zvangu muna Kristu zvinoratidzwa pamuzinda wese nekuvamwe vese. So that my bonds in Christ are manifest in all the palace, and in all other places;
14 Nevazhinji vehama muna Ishe, vavimbiswa nezvisungo zvangu, vonyanya kutsunga kutaura shoko raMwari vasingatyi. And many of the brethren in the Lord, waxing confident by my bonds, are much more bold to speak the word without fear.
15 Vamwe zvirokwazvo vanoparidza Kristu kunyange negodo negakava, nevamwewo nemoyo wakanaka; Some indeed preach Christ even of envy and strife; and some also of good will:
16 vamwe vanoparidza Kristu nenharo, kwete pauchokwadi, vachifunga kuti vawedzere marwadzo pazvisungo zvangu. The one preach Christ of contention, not sincerely, supposing to add affliction to my bonds:
17 Asi vamwe vanoita nerudo, vachiziva kuti ndakagadzirwa kutavirira evhangeri. But the other of love, knowing that I am set for the defence of the gospel.
18 Zvino chii? Kunyange zvakadaro kunzira dzese, kana mumano-mano kana muchokwadi, Kristu anoparidzwa, uye ndinofara mazviri, hongu ndichazofarazve. What then? notwithstanding, every way, whether in pretence, or in truth, Christ is preached; and I therein do rejoice, yea, and will rejoice.
19 Nokuti ndinoziva kuti izvi zvichashandukira kwandiri kuva ruponeso kubudikidza nemunyengetero wenyu, nerubatsiro rweMweya waJesu Kristu, For I know that this shall turn to my salvation through your prayer, and the supply of the Spirit of Jesus Christ,
20 zvichienderana nekutarisira kwangu kukuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu asi neushingi hwese samagariro uye ikozvino Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana neupenyu, kana nerufu. According to my earnest expectation and my hope, that in nothing I shall be ashamed, but that with all boldness, as always, so now also Christ shall be magnified in my body, whether it be by life, or by death.
21 Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, uye kufa mubairo. For to me to live is Christ, and to die is gain.
22 Asi kana kurarama panyama chiri chibereko chebasa rangu; zvino zvandichasarudza handizivi. But if I live in the flesh, this is the fruit of my labour: yet what I shall choose I wot not.
23 Nokuti ndiri mukumanikidzwa pakati pezviviri, ndine chishuwo chekubva nekuva naKristu, zvinopfuurisa pakunaka; For I am in a strait betwixt two, having a desire to depart, and to be with Christ; which is far better:
24 asi kugara munyama kunonyanyisa kudiwa nekuda kwenyu. Nevertheless to abide in the flesh is more needful for you.
25 Zvino ndine chivimbo ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mese, pakupfuurira kwenyu mberi, uye mufaro werutendo, And having this confidence, I know that I shall abide and continue with you all for your furtherance and joy of faith;
26 kuti kuzvirumbidza kwenyu kuwande muna Kristu Jesu pamusoro pangu kubudikidza nekuvapo kwangu kwamurizve. That your rejoicing may be more abundant in Jesus Christ for me by my coming to you again.
27 Chete fambai zvakafanira evhangeri yaKristu, kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange kusavapo, ndinzwe nyaya dzenyu kuti mumire nesimba mumweya umwe, nemoyo umwe muchirwira pamwe rutendo rweevhangeri; Only let your conversation be as it becometh the gospel of Christ: that whether I come and see you, or else be absent, I may hear of your affairs, that ye stand fast in one spirit, with one mind striving together for the faith of the gospel;
28 uye musingatyityidzirwi nevanopikisa pachinhu chimwe; ndicho chiratidzo chekuparadzwa kwavari, asi kwamuri cheruponeso, uye icho chinobva kuna Mwari. And in nothing terrified by your adversaries: which is to them an evident token of perdition, but to you of salvation, and that of God.
29 Nokuti kwamuri kwakapiwa pachena pachinzvimbo chaKristu, kwete kutenda kwaari kwega, asi kumutambudzikirawo; For unto you it is given in the behalf of Christ, not only to believe on him, but also to suffer for his sake;
30 mune kurwa kumweko sekwamakaona mandiri, nekunzwa ikozvino mandiri. Having the same conflict which ye saw in me, and now hear to be in me.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL