로그인

에베소서 2장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 에베소서 (Ephesians) · 22절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Wakakuraramisai, imwiwo makange makafa mukudarika nemuzvivi, And you hath he quickened, who were dead in trespasses and sins;
2 izvo zvamaifamba mazviri kare maererano nenzira yenyika ino, maererano nenzira dzemutungamiriri wesimba redenga, dzemweya unobata zvino muvana vekusateerera; Wherein in time past ye walked according to the course of this world, according to the prince of the power of the air, the spirit that now worketh in the children of disobedience:
3 vataifamba tesewo pakati pavo kare mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nekwefungwa, uye pachisikirwo taiva vana vekutsamwirwa, sevamwewo. Among whom also we all had our conversation in times past in the lusts of our flesh, fulfilling the desires of the flesh and of the mind; and were by nature the children of wrath, even as others.
4 Asi Mwari, wakafuma panyasha, nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo, But God, who is rich in mercy, for his great love wherewith he loved us,
5 kunyange takange takafa mukudarika, wakatiraramisa pamwe naKristu (makaponeswa nenyasha); Even when we were dead in sins, hath quickened us together with Christ, (by grace ye are saved;)
6 akatimutsa pamwe naye, akatigarisa pamwe naye kunzvimbo dzekudenga muna Kristu Jesu; And hath raised us up together, and made us sit together in heavenly places in Christ Jesus:
7 kuti nenguva dzinouya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu. That in the ages to come he might shew the exceeding riches of his grace in his kindness toward us through Christ Jesus.
8 Nokuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri; chipo chaMwari; For by grace are ye saved through faith; and that not of yourselves: it is the gift of God:
9 hazvibvi pamabasa, kuti kusava neanozvikudza. Not of works, lest any man should boast.
10 Nokuti tiri basa rake, takasikirwa mabasa akanaka muna Kristu Jesu, Mwari aakagara agadzira, kuti tifambe maari. For we are his workmanship, created in Christ Jesus unto good works, which God hath before ordained that we should walk in them.
11 Naizvozvo rangarirai kuti imwi maimbova vahedheni munyama, vanonzi kusadzingiswa nechinonzi kudzingiswa munyama kunoitwa nemaoko, Wherefore remember, that ye being in time past Gentiles in the flesh, who are called Uncircumcision by that which is called the Circumcision in the flesh made by hands;
12 kuti panguva iyo makange musina Kristu, muri vatorwa paubwo hwaIsraeri, uye vatorwa pasungano dzechivimbiso, musina tariro, uye musina Mwari panyika. That at that time ye were without Christ, being aliens from the commonwealth of Israel, and strangers from the covenants of promise, having no hope, and without God in the world:
13 Asi ikozvinowo muna Kristu Jesu, imwi maimbova kure, mava pedo neropa raKristu. But now in Christ Jesus ye who sometimes were far off are made nigh by the blood of Christ.
14 Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zviviri zvive chimwe, uye wakaputsa mudhuri wapakati wekuparadzanisa, For he is our peace, who hath made both one, and hath broken down the middle wall of partition between us;
15 aparadza munyama yake ruvengo, iwo mutemo wemirairo pazviga, kuti asike maari vaviri vave munhu umwe mutsva, aite rugare, Having abolished in his flesh the enmity, even the law of commandments contained in ordinances; for to make in himself of twain one new man, so making peace;
16 uye ayananise vaviri kuna Mwari mumuviri umwe kubudikidza nemuchinjikwa, auraya ruvengo nawo, And that he might reconcile both unto God in one body by the cross, having slain the enmity thereby:
17 uye wakasvika akaparidza rugare kwamuri imwi maiva kure, nekune avo vaiva pedo; And came and preached peace to you which were afar off, and to them that were nigh.
18 nokuti kubudikidza naye tese tine mapindiro neMweya umwe kuna Baba. For through him we both have access by one Spirit unto the Father.
19 Naizvozvo zvino hamusisiri vaeni uye vatorwa, asi vebwo pamwe nevatsvene uye veimba yaMwari. Now therefore ye are no more strangers and foreigners, but fellowcitizens with the saints, and of the household of God;
20 Makavakwa pamusoro penheyo dzevaapositori nevaporofita, Jesu Kristu amene ari ibwe repakona. And are built upon the foundation of the apostles and prophets, Jesus Christ himself being the chief corner stone;
21 Maari imba yese yakabatanidzwa ikure ive tembere tsvene muna Ishe. In whom all the building fitly framed together groweth unto an holy temple in the Lord:
22 Maari nemwiwo makavakwa pamwe muve ugaro hwaMwari muMweya. In whom ye also are builded together for an habitation of God through the Spirit.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL