로그인

에베소서 3장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 에베소서 (Ephesians) · 21절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Nemhaka yeizvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nekuda kwenyu vahedheni, For this cause I Paul, the prisoner of Jesus Christ for you Gentiles,
2 kana zvirokwazvo makanzwa nezvekushandiswa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri pamusoro penyu, If ye have heard of the dispensation of the grace of God which is given me to you-ward:
3 kuti sechakazarurwa wakandizivisa chakavanzika, sezvandakambonyora nemashoko mashoma; How that by revelation he made known unto me the mystery; (as I wrote afore in few words,
4 naizvozvo kana muchirava, munogona kunzwisisa ruzivo rwangu muchakavanzika chaKristu; Whereby, when ye read, ye may understand my knowledge in the mystery of Christ)
5 icho pane mamwe mazera chisina kuziviswa kuvanakomana vevanhu, sezvachozarurwa ikozvino kuvaapositori vake vatsvene nevaporofita muMweya; Which in other ages was not made known unto the sons of men, as it is now revealed unto his holy apostles and prophets by the Spirit;
6 kuti vahedheni vave vadyi venhaka pamwe nesu uye vemuviri umwe nevagovani vechivimbiso chake muna Kristu kubudikidza neevhangeri, That the Gentiles should be fellowheirs, and of the same body, and partakers of his promise in Christ by the gospel:
7 yandakaitwa nayo mushumiri zvichienderana nechipo chenyasha dzaMwari chakapiwa kwandiri nekubata kwesimba rake. Whereof I was made a minister, according to the gift of the grace of God given unto me by the effectual working of his power.
8 Kwandiri ndiri mudiki kumudikisa wevatsvene vese, nyasha idzi dzakapiwa, kuti ndiparidze pakati pevahedheni fuma isinganzvereki yaKristu, Unto me, who am less than the least of all saints, is this grace given, that I should preach among the Gentiles the unsearchable riches of Christ;
9 nekuita kuti vese vaone kuti kudyidzana kwakadini kwechakavanzika chakange chakavigwa muna Mwari kubva pakuvamba kwenyika, wakasika zvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, And to make all men see what is the fellowship of the mystery, which from the beginning of the world hath been hid in God, who created all things by Jesus Christ:
10 kuti ikozvino kuchenjera kwakasiyana-siyana kwaMwari kuziviswe nekereke paushe nepamasimba panzvimbo dzekudenga, To the intent that now unto the principalities and powers in heavenly places might be known by the church the manifold wisdom of God,
11 sechiga chekusingaperi chaakatema muna Kristu Jesu Ishe wedu; According to the eternal purpose which he purposed in Christ Jesus our Lord:
12 maari tine kutsunga nekupinda nechivimbo, nerutendo rwake. In whom we have boldness and access with confidence by the faith of him.
13 Naizvozvo ndinokumbira kuti murege kuora moyo pamatambudziko angu pamusoro penyu, ndiwo kurumbidzwa kwenyu. Wherefore I desire that ye faint not at my tribulations for you, which is your glory.
14 Nekuda kweizvozvi ndinofugama mabvi angu kuna Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, For this cause I bow my knees unto the Father of our Lord Jesus Christ,
15 rudzi rwese rwuri kumatenga nepanyika rwunotumidzwa mavari, Of whom the whole family in heaven and earth is named,
16 kuti vakupei, zvichienderana nefuma yekubwinya kwavo, musimbiswe musimba neMweya wake mumunhu wemukati, That he would grant you, according to the riches of his glory, to be strengthened with might by his Spirit in the inner man;
17 kuti Kristu agare pamoyo yenyu nerutendo; mune midzi uye makateiwa nheyo murudo, That Christ may dwell in your hearts by faith; that ye, being rooted and grounded in love,
18 kuti mugone kwazvo kunzwisisa pamwe nevatsvene vese, kuti kufara, nekureba, nekukwirira, nekudzika chii, May be able to comprehend with all saints what is the breadth, and length, and depth, and height;
19 nekuziva rudo rwaKristu rwunopfuura ruzivo, kuti muzadzwe mukuzara kwese kwaMwari. And to know the love of Christ, which passeth knowledge, that ye might be filled with all the fulness of God.
20 Zvino kune ane simba rekuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvese zvatinokumbira kana kufunga, maererano nesimba rinobata matiri, Now unto him that is able to do exceeding abundantly above all that we ask or think, according to the power that worketh in us,
21 kwaari ngakuve nekubwinya mukereke naKristu Jesu kusvikira kumarudzi ese narinhi narinhi. Ameni. Unto him be glory in the church by Christ Jesus throughout all ages, world without end. Amen.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL