야고보서 3장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 야고보서 (James) · 18절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Musava vadzidzisi vazhinji, hama dzangu, muchiziva kuti tichagamuchira kutongwa kukuru. | My brethren, be not many masters, knowing that we shall receive the greater condemnation. |
| 2 | Nokuti tese tinogumburwa pazvinhu zvizhinji. Kana umwe asingagumburwi pashoko, ndiye murume wakaperedzerwa, anogona kudzorawo muviri wese. | For in many things we offend all. If any man offend not in word, the same is a perfect man, and able also to bridle the whole body. |
| 3 | Tarira, tinoisa matomu mumiromo yemabhiza kuti atiteerere, ndokutenderedza muviri wawo wese. | Behold, we put bits in the horses’ mouths, that they may obey us; and we turn about their whole body. |
| 4 | Tarirai, nezvikepe, kunyange zviri zvikuru zvakadai, uye zvichitinhwa nemhepo dzine simba, zvinonangiswa nechidzoreso chidiki diki, chero kupi kunodikanwa nechishuwo chemufambisi. | Behold also the ships, which though they be so great, and are driven of fierce winds, yet are they turned about with a very small helm, whithersoever the governor listeth. |
| 5 | Rwakadarowo rurimi rwuri mutezo mudiki, uye rwunozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto mudiki unotungidza matanda akakura sei! | Even so the tongue is a little member, and boasteth great things. Behold, how great a matter a little fire kindleth! |
| 6 | Nerurimi moto, nyika yeuipi; ndizvo zvakaita rurimi rwakaiswa pakati pemitezo yedu, rwunosvibisa muviri wese, nekutungidza nzira yeupenyu, uye rwunotungidzwa negehena. | And the tongue is a fire, a world of iniquity: so is the tongue among our members, that it defileth the whole body, and setteth on fire the course of nature; and it is set on fire of hell. |
| 7 | Nokuti marudzi ese emhuka neeshiriwo, neezvesewo zvinokambaira neezvisikwa zvegungwa anopingudzwa uye akapingudzwa nechisikirwo chevanhu; | For every kind of beasts, and of birds, and of serpents, and of things in the sea, is tamed, and hath been tamed of mankind: |
| 8 | asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi; uipi husingadzoreki, rwuzere nechepfu inouraya. | But the tongue can no man tame; it is an unruly evil, full of deadly poison. |
| 9 | Narwo tinorumbidza Mwari uye Baba, narwowo tinotuka vanhu vakaitwa nemufananidzo waMwari; | Therewith bless we God, even the Father; and therewith curse we men, which are made after the similitude of God. |
| 10 | mumuromo umwewo munobva kurumbidza nekutuka. Hazvina kufanira, hama dzangu, izvi zvive saizvozvo. | Out of the same mouth proceedeth blessing and cursing. My brethren, these things ought not so to be. |
| 11 | Chitubu chingadzutura pamuromo umwe chinonaka nechinovava here? | Doth a fountain send forth at the same place sweet water and bitter? |
| 12 | Hama dzangu, muonde unogona kubereka maorivhi here, kana muzambiringa maonde? Saizvozvo hakuna chitubu chinobudisa mvura inovava neinonaka. | Can the fig tree, my brethren, bear olive berries? either a vine, figs? so can no fountain both yield salt water and fresh. |
| 13 | Ndiani wakachenjera neanonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze nemufambiro wakanaka mabasa ake neunyoro hweuchenjeri. | Who is a wise man and endued with knowledge among you? let him shew out of a good conversation his works with meekness of wisdom. |
| 14 | Asi kana mune godo rinovava nerukave mumoyo wenyu, musazvirumbidza nekurevera chokwadi nhema. | But if ye have bitter envying and strife in your hearts, glory not, and lie not against the truth. |
| 15 | Uhu hausi uchenjeri hunoburuka kubva kumusoro, asi hwenyika, hwechisikirwo, hweudhimoni. | This wisdom descendeth not from above, but is earthly, sensual, devilish. |
| 16 | Nokuti pane godo nerukave, ndipo pane nyongano nekuita kwese kwakaipa. | For where envying and strife is, there is confusion and every evil work. |
| 17 | Asi uchenjeri hunobva kumusoro pakutanga hwakachena, kozouya kuva nerugare, kunyorova, kuteerera, kuzara netsitsi nezvibereko zvakanaka, husina kutsaura, uye husina kunyengera. | But the wisdom that is from above is first pure, then peaceable, gentle, and easy to be intreated, full of mercy and good fruits, without partiality, and without hypocrisy. |
| 18 | Uye chibereko chekururama chinodzvarwa murugare kune vanoita rugare. | And the fruit of righteousness is sown in peace of them that make peace. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL