로그인

야고보서 4장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 야고보서 (James) · 17절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Dzinobvepi hondo nekurwa pakati penyu? Hazvibvi apa here, pakuchiva kwenyu kunorwa pamitezo yenyu? From whence come wars and fightings among you? come they not hence, even of your lusts that war in your members?
2 Munoshuva, asi hamuna chinhu; munouraya uye munoshumba, asi hamugoni kuwana chinhu; munorwa muchiita hondo, asi hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri. Ye lust, and have not: ye kill, and desire to have, and cannot obtain: ye fight and war, yet ye have not, because ye ask not.
3 Munokumbira, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muparadze pakuchiva kwenyu. Ye ask, and receive not, because ye ask amiss, that ye may consume it upon your lusts.
4 Imwi mhombwe nemhombwekadzi, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika ruvengo kuna Mwari? Naizvozvo umwe neumwe anoda kuva shamwari yenyika, anova muvengi waMwari. Ye adulterers and adulteresses, know ye not that the friendship of the world is enmity with God? whosoever therefore will be a friend of the world is the enemy of God.
5 Kana munofunga kuti rugwaro rwunotaura pasina maturo here kuti: Mweya wakagara mukati medu anochivira godo? Do ye think that the scripture saith in vain, The spirit that dwelleth in us lusteth to envy?
6 Asi anopa nyasha huru; saka anoti: Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa. But he giveth more grace. Wherefore he saith, God resisteth the proud, but giveth grace unto the humble.
7 Naizvozvo muzviise pasi kuna Mwari; pikisai dhiabhorosi, zvino achakutizai. Submit yourselves therefore to God. Resist the devil, and he will flee from you.
8 Swederai kuna Mwari, naiye achaswedera kwamuri; shambai maoko, vatadzi, uye muchenure moyo, imwi vemoyo miviri. Draw nigh to God, and he will draw nigh to you. Cleanse your hands, ye sinners; and purify your hearts, ye double minded.
9 Tambudzikai uye chemai uye rirai; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nemufaro uve kusuruvara. Be afflicted, and mourn, and weep: let your laughter be turned to mourning, and your joy to heaviness.
10 Zvininipisei pamberi paIshe, uye achakusimudzai. Humble yourselves in the sight of the Lord, and he shall lift you up.
11 Musareverana zvakaipa, hama. Anorevera hama zvakaipa uye kutonga hama yake, anorevera murairo zvakaipa, nekutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hausi muiti wemurairo, asi mutongi. Speak not evil one of another, brethren. He that speaketh evil of his brother, and judgeth his brother, speaketh evil of the law, and judgeth the law: but if thou judge the law, thou art not a doer of the law, but a judge.
12 Umwe chete ndiye mutemi wemurairo, anogona kuponesa nekuparadza; iwe ndiwe ani anotonga umwe? There is one lawgiver, who is able to save and to destroy: who art thou that judgest another?
13 Uyai ikozvino imwi munoti: Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rekuti, tigogarako gore rimwe, tigotengeserana, tigowana mubairo; Go to now, ye that say, To day or to morrow we will go into such a city, and continue there a year, and buy and sell, and get gain:
14 imwi musingazivi zvamangwana. Nokuti upenyu hwenyu chii? Nokuti imhute inoonekwa nguva diki, ipapo ndokunyangarika. Whereas ye know not what shall be on the morrow. For what is your life? It is even a vapour, that appeareth for a little time, and then vanisheth away.
15 Pakuti muti: Kana Ishe achida, tichararamawo, tigoita ichi kana icho. For that ye ought to say, If the Lord will, we shall live, and do this, or that.
16 Asi ikozvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwese kwakadai kwakaipa. But now ye rejoice in your boastings: all such rejoicing is evil.
17 Naizvozvo anoziva kuita zvakanaka asingazviiti, chivi kwaari. Therefore to him that knoweth to do good, and doeth it not, to him it is sin.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL