야고보서 1장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 야고보서 (James) · 27절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri ari mukupararira: Kwaziwai. | James, a servant of God and of the Lord Jesus Christ, to the twelve tribes which are scattered abroad, greeting. |
| 2 | Zvitorei semufaro wese, hama dzangu, kana muchiwira mumiedzo yakasiyana-siyana, | My brethren, count it all joy when ye fall into divers temptations; |
| 3 | muchiziva kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunobudisa kutsungirira; | Knowing this, that the trying of your faith worketh patience. |
| 4 | asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakapedzeredzwa nekukwana, musingatairi pachinhu. | But let patience have her perfect work, that ye may be perfect and entire, wanting nothing. |
| 5 | Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopavhurira vese, uye asingatuki, zvino achadzipiwa. | If any of you lack wisdom, let him ask of God, that giveth to all men liberally, and upbraideth not; and it shall be given him. |
| 6 | Asi ngaakumbire murutendo, asiri asina chokwadi nechinhu; nokuti asina chokwadi wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa. | But let him ask in faith, nothing wavering. For he that wavereth is like a wave of the sea driven with the wind and tossed. |
| 7 | Nokuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu kuna Ishe. | For let not that man think that he shall receive any thing of the Lord. |
| 8 | Murume ane moyo miviri anoshanduka-shanduka panzira dzake dzese. | A double minded man is unstable in all his ways. |
| 9 | Asi hama yakaderera ngaizvikudze pakukudzwa kwake; | Let the brother of low degree rejoice in that he is exalted: |
| 10 | nemufumi pakuderedzwa kwake; nokuti seruva reuswa achapfuura. | But the rich, in that he is made low: because as the flower of the grass he shall pass away. |
| 11 | Nokuti zuva rinobuda pamwe nekupisa, ndokuomesa uswa, neruva rahwo rinowira pasi, nekunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi achabvuruvara panzira dzake. | For the sun is no sooner risen with a burning heat, but it withereth the grass, and the flower thereof falleth, and the grace of the fashion of it perisheth: so also shall the rich man fade away in his ways. |
| 12 | Wakaropafadzwa munhu anotsungirira pamuedzo; nokuti kana atendwa, achagamuchira korona yeupenyu, Ishe yaakavimbisa kune vanomuda. | Blessed is the man that endureth temptation: for when he is tried, he shall receive the crown of life, which the Lord hath promised to them that love him. |
| 13 | Kusava nemunhu anoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, naiye amene haaidzi munhu. | Let no man say when he is tempted, I am tempted of God: for God cannot be tempted with evil, neither tempteth he any man: |
| 14 | Asi umwe neumwe anoidzwa, kana achikwehwa nekuchiva kwake pachake, nekukwezwa. | But every man is tempted, when he is drawn away of his own lust, and enticed. |
| 15 | Ipapo kuchiva kana kwarema kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu. | Then when lust hath conceived, it bringeth forth sin: and sin, when it is finished, bringeth forth death. |
| 16 | Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa. | Do not err, my beloved brethren. |
| 17 | Chipo chese chakanaka nechipiwa chese chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, navo pasina kupinduka, kana mumvuri wekushanduka. | Every good gift and every perfect gift is from above, and cometh down from the Father of lights, with whom is no variableness, neither shadow of turning. |
| 18 | Nekuda kwake wakabereka isu neshoko rechokwadi, kuti isu tive sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake. | Of his own will begat he us with the word of truth, that we should be a kind of firstfruits of his creatures. |
| 19 | Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave anokurumidza pakunzwa, anononoka pakutaura, anononoka pakutsamwa; | Wherefore, my beloved brethren, let every man be swift to hear, slow to speak, slow to wrath: |
| 20 | nokuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari. | For the wrath of man worketh not the righteousness of God. |
| 21 | Naizvozvo bvisai zvinyangadzo zvese nekuwandisa kwekuipa, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu. | Wherefore lay apart all filthiness and superfluity of naughtiness, and receive with meekness the engrafted word, which is able to save your souls. |
| 22 | Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi chete, muchizvinyengera pachenyu. | But be ye doers of the word, and not hearers only, deceiving your own selves. |
| 23 | Nokuti kana umwe ari munzwi weshoko uye asiri muiti, iye wakafanana nemunhu anoona chiso chake chechisikirwo muchionioni; | For if any be a hearer of the word, and not a doer, he is like unto a man beholding his natural face in a glass: |
| 24 | nokuti anozviona pachake, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wanga akadini. | For he beholdeth himself, and goeth his way, and straightway forgetteth what manner of man he was. |
| 25 | Asi uyo anotarisisa mumurairo wakaperedzerwa werusununguko ndokurambirirapo, uyo asati ari munzwi anokanganwa asi muiti webasa, uyu acharopafadzwa pakuita kwake. | But whoso looketh into the perfect law of liberty, and continueth therein, he being not a forgetful hearer, but a doer of the work, this man shall be blessed in his deed. |
| 26 | Kana umwe pakati penyu achiti anotenda, kana asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, chitendero cheuyu hachina maturo. | If any man among you seem to be religious, and bridleth not his tongue, but deceiveth his own heart, this man’s religion is vain. |
| 27 | Chitendero chakachena chisina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndechichi: Kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, azvichengete asina gwapa kubva kunyika. | Pure religion and undefiled before God and the Father is this, To visit the fatherless and widows in their affliction, and to keep himself unspotted from the world. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL