히브리서 13장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 히브리서 (Hebrews) · 25절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Rudo rweukama ngarugare. | Let brotherly love continue. |
| 2 | Musakanganwa kugamuchira vaeni; nokuti mukudaro vamwe vakagamuchira vatumwa vasingazvizivi. | Be not forgetful to entertain strangers: for thereby some have entertained angels unawares. |
| 3 | Rangarirai vasungwa, semakasungwa pamwe navo; vanoitirwa zvakaipa, sezvinonzi ndimwiwo muri pamuviri. | Remember them that are in bonds, as bound with them; and them which suffer adversity, as being yourselves also in the body. |
| 4 | Wanano ngaikudzwe kune vese, nenhovo irege kusvibiswa; asi Mwari achatonga mhombwe nezvifeve. | Marriage is honourable in all, and the bed undefiled: but whoremongers and adulterers God will judge. |
| 5 | Mararamiro enyu ngaave ekusakarira mari; gutsikanai nezvinhu zviripo; nokuti iye wakati: Handingatongokurasi, uye handingatongokusii. | Let your conversation be without covetousness; and be content with such things as ye have: for he hath said, I will never leave thee, nor forsake thee. |
| 6 | Naizvozvo tingashinga tichiti: Ishe mubatsiri wangu, uye handingatyi munhu zvaangandiitira. | So that we may boldly say, The Lord is my helper, and I will not fear what man shall do unto me. |
| 7 | Rangarirai vanokutungamirirai, vakataura kwamuri shoko raMwari; muchicherekedza kuguma kwemafambiro avo, teverai rutendo rwavo. | Remember them which have the rule over you, who have spoken unto you the word of God: whose faith follow, considering the end of their conversation. |
| 8 | Jesu Kristu wakadaro zuro nanhasi, nekusingaperi. | Jesus Christ the same yesterday, and to day, and for ever. |
| 9 | Musakukurwa nedzidziso dzakasiyana-siyana uye dzisingazikanwi; nokuti chinhu chakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha, kwete nekudya, kwavasina kubatsirwa nako ivo vakafamba makuri. | Be not carried about with divers and strange doctrines. For it is a good thing that the heart be established with grace; not with meats, which have not profited them that have been occupied therein. |
| 10 | Tine aritari, pavasina kodzero yekudya pairi ivo vanoshumira tabhenakeri. | We have an altar, whereof they have no right to eat which serve the tabernacle. |
| 11 | Nokuti mhuka idzo, dzakaisirwa ropa radzo panzvimbo tsvene nemupristi mukuru nekuda kwechivi, mitumbi yadzo inopiswa kunze kwemusasa. | For the bodies of those beasts, whose blood is brought into the sanctuary by the high priest for sin, are burned without the camp. |
| 12 | Naizvozvo naJesuwo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake pachake wakatambudzika kunze kwesuwo. | Wherefore Jesus also, that he might sanctify the people with his own blood, suffered without the gate. |
| 13 | Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemusasa, takatakura kunyadziswa kwake. | Let us go forth therefore unto him without the camp, bearing his reproach. |
| 14 | Nokuti pano hatina guta rinogara, asi tinotsvaka rinouya. | For here have we no continuing city, but we seek one to come. |
| 15 | Naizvozvo kubudikidza naye ngatirambe tichibaira chibairo chekurumbidza kuna Mwari, ndicho chibereko chemiromo ichibvuma zita rake. | By him therefore let us offer the sacrifice of praise to God continually, that is, the fruit of our lips giving thanks to his name. |
| 16 | Asi musakanganwa kuita zvakanaka nekudyidzana; nokuti Mwari anofadzwa nezvibairo zvakadaro. | But to do good and to communicate forget not: for with such sacrifices God is well pleased. |
| 17 | Teererai vanokutungamirirai, uye muzviise pasi pavo; nokuti ava vanorindira mweya yenyu, sevachazopa rondedzero, kuti vaite izvozvo nemufaro, kwete nekugomera; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi. | Obey them that have the rule over you, and submit yourselves: for they watch for your souls, as they that must give account, that they may do it with joy, and not with grief: for that is unprofitable for you. |
| 18 | Tinyengetererei; nokuti tinovimba kuti tine hana yakanaka, tichida kufamba zvakanaka pazvinhu zvese; | Pray for us: for we trust we have a good conscience, in all things willing to live honestly. |
| 19 | uye ndinokukumbirisisai kuti muite izvozvi, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri. | But I beseech you the rather to do this, that I may be restored to you the sooner. |
| 20 | Zvino Mwari werugare, wakadzosa kubva kuvakafa Mufudzi mukuru wemakwai, neropa resungano yekusingaperi, iye Ishe wedu Jesu, | Now the God of peace, that brought again from the dead our Lord Jesus, that great shepherd of the sheep, through the blood of the everlasting covenant, |
| 21 | ngaakupereredzei pabasa rese rakanaka kuti muite chido chake, achiita mukati menyu izvo zvinofadza pamberi pake kubudikidza naJesu Kristu, ngaave nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. | Make you perfect in every good work to do his will, working in you that which is wellpleasing in his sight, through Jesus Christ; to whom be glory for ever and ever. Amen. |
| 22 | Asi ndinokukumbirisai, hama, gamuchirai makatsunga shoko rekurudziro, nokutiwo ndakunyorerai nemashoko mashoma. | And I beseech you, brethren, suffer the word of exhortation: for I have written a letter unto you in few words. |
| 23 | Zivai kuti Timotio hama yedu wakasunungurwa, kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai ndinaye. | Know ye that our brother Timothy is set at liberty; with whom, if he come shortly, I will see you. |
| 24 | Kwazisai vese vanokutungamirirai, nevatsvene vese. Vanobva Itaria vanokukwazisai. | Salute all them that have the rule over you, and all the saints. They of Italy salute you. |
| 25 | Nyasha ngadzive nemwi mese. Ameni. | Grace be with you all. Amen. Written to the Hebrews from Italy by Timothy. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL