로그인

사도행전 20장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 사도행전 (Acts) · 38절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Shure kwekuguma kwemhirizhonga, Pauro akadanira kwaari vadzidzi, akavambundikira, akabuda kuti aende kuMakedhonia. And after the uproar was ceased, Paul called unto him the disciples, and embraced them, and departed for to go into Macedonia.
2 Zvino wakati agura nemativi iwawo, avakurudzira nemashoko mazhinji, akasvika kuGirisi, And when he had gone over those parts, and had given them much exhortation, he came into Greece,
3 akati agara mwedzi mitatu, rangano yaitwa neVaJudha pamusoro pake, ava kuda kuenda kuSiriya nechikepe, akazvipira kudzokera nemuMakedhonia. And there abode three months. And when the Jews laid wait for him, as he was about to sail into Syria, he purposed to return through Macedonia.
4 Zvino Sopatro weBheriya wakamuperekedza kusvika kuAsia, neveVaTesaronika, Arisitako naSekundo, naGayo weDhebhe, naTimotio, uye Tikiko naTrofimo VaAsia. And there accompanied him into Asia Sopater of Berea; and of the Thessalonians, Aristarchus and Secundus; and Gaius of Derbe, and Timotheus; and of Asia, Tychicus and Trophimus.
5 Ava vakatungamira vakatimirira paTroasi. These going before tarried for us at Troas.
6 Asi isu takabva Firipi nechikepe mushure memazuva ezvingwa zvisina mbiriso, zvino takasvika kwavari paTroasi mumazuva mashanu, patakagara mazuva manomwe. And we sailed away from Philippi after the days of unleavened bread, and came unto them to Troas in five days; where we abode seven days.
7 Zvino nemusi wekutanga wevhiki, vadzidzi vakaungana kumedura chingwa, Pauro akaparidza kwavari, achida kubva chifume, akaredzva nhaurwa kusvikira pakati peusiku. And upon the first day of the week, when the disciples came together to break bread, Paul preached unto them, ready to depart on the morrow; and continued his speech until midnight.
8 Zvino kwakange kune mwenje mizhinji mukamuri yekumusoro mavakange vakaungana. And there were many lights in the upper chamber, where they were gathered together.
9 Zvino pahwindo pakange pagere rimwe jaya rainzi Yutikosi, rikabatwa nehope kwazvo, Pauro wakati achiparidza nguva refu, iro rikakundwa nehope, rikawira pasi, kubva panhurikwa yechitatu, ndokunongwa rafa. And there sat in a window a certain young man named Eutychus, being fallen into a deep sleep: and as Paul was long preaching, he sunk down with sleep, and fell down from the third loft, and was taken up dead.
10 Zvino Pauro akaburuka akazviwisira pamusoro paro, akarimbundikira akati: Musazvinetsa; nokuti mweya waro uri mariri. And Paul went down, and fell on him, and embracing him said, Trouble not yourselves; for his life is in him.
11 Wakati akwirazve ndokumedura chingwa ndokudya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, saizvozvo wakaenda. When he therefore was come up again, and had broken bread, and eaten, and talked a long while, even till break of day, so he departed.
12 Zvino vakauya nemukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa zvisati zviri zvishoma. And they brought the young man alive, and were not a little comforted.
13 Asi isu, takatungamira kuchikepe, tikaenda nechikepe kuAso, takananga kukwidza Pauro ipapo; nokuti wakange aronga saizvozvo, iye achitarisira kufamba netsoka. And we went before to ship, and sailed unto Assos, there intending to take in Paul: for so had he appointed, minding himself to go afoot.
14 Zvino wakati asangana nesu paAso, tikamukwidza tikasvika kuMitirene, And when he met with us at Assos, we took him in, and came to Mitylene.
15 tikabva ipapo nechikepe, chifume tikasvika pakatarisana neKiyo; chifume tikasvika paSamo; ndokugara paTrogiriamu, chifume tikasvika Mireto. And we sailed thence, and came the next day over against Chios; and the next day we arrived at Samos, and tarried at Trogyllium; and the next day we came to Miletus.
16 Nokuti Pauro wakange akazvipira kupfuura Efeso nechikepe, kuti asapedza nguva paAsia; nokuti waimhanya, kana zvichibvira kwaari, ave paJerusarema nezuva rePendekosita. For Paul had determined to sail by Ephesus, because he would not spend the time in Asia: for he hasted, if it were possible for him, to be at Jerusalem the day of Pentecost.
17 Zvino ari paMireto wakatumira kuEfeso akadanira vakuru vekereke kwaari. And from Miletus he sent to Ephesus, and called the elders of the church.
18 Zvino vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Imwi munoziva kubva pazuva rekutanga randakasvika muAsia, kuti ndakava nemwi sei nguva dzese, And when they were come to him, he said unto them, Ye know, from the first day that I came into Asia, after what manner I have been with you at all seasons,
19 ndichibatira Ishe nekuzvininipisa kwese uye nemisodzi mizhinji, nemiedzo yakandiwira nerangano dzeVaJudha; Serving the Lord with all humility of mind, and with many tears, and temptations, which befell me by the lying in wait of the Jews:
20 kuti handina sei kuvanza zvezvingabatsira, kusakuparidzirai nekukudzidzisai pachena uye muimba neimba, And how I kept back nothing that was profitable unto you, but have shewed you, and have taught you publickly, and from house to house,
21 ndichipupura zvese kuVaJudha nekuVaGiriki kutendeukira kuna Mwari, nerutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu. Testifying both to the Jews, and also to the Greeks, repentance toward God, and faith toward our Lord Jesus Christ.
22 Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoenda kuJerusarema ndakasungwa neMweya, ndisingazivi zvichandiwira mariri, And now, behold, I go bound in the spirit unto Jerusalem, not knowing the things that shall befall me there:
23 kunze kwekuti Mweya Mutsvene anopupura muguta rimwe nerimwe achiti zvisungo nenhamo zvakandigarira. Save that the Holy Ghost witnesseth in every city, saying that bonds and afflictions abide me.
24 Asi handirangariri chinhu pane izvi, uye handiverengeri upenyu hwangu kuti chinhu chinokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nemufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rekupupura evhangeri yenyasha dzaMwari. But none of these things move me, neither count I my life dear unto myself, so that I might finish my course with joy, and the ministry, which I have received of the Lord Jesus, to testify the gospel of the grace of God.
25 Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoziva kuti imwi mese, vandakafamba pakati penyu ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu. And now, behold, I know that ye all, among whom I have gone preaching the kingdom of God, shall see my face no more.
26 Naizvozvo ndinopupura kwamuri nezuva ranhasi, kuti ini ndakachena paropa revese; Wherefore I take you to record this day, that I am pure from the blood of all men.
27 nokuti handina kuvanza kwekusakuparidzirai zano rese raMwari. For I have not shunned to declare unto you all the counsel of God.
28 Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rese Mweya Mutsvene paakakugadzai vatariri pamusoro paro, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake amene. Take heed therefore unto yourselves, and to all the flock, over the which the Holy Ghost hath made you overseers, to feed the church of God, which he hath purchased with his own blood.
29 Nokuti ini ndinoziva izvi, kuti shure kwekuenda kwangu mapumhi anorura achapinda pakati penyu, asingaregi boka; For I know this, that after my departing shall grievous wolves enter in among you, not sparing the flock.
30 uye kubva pamuri imwi momene pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere. Also of your own selves shall men arise, speaking perverse things, to draw away disciples after them.
31 Naizvozvo rindai, murangarire kuti kwemakore matatu handina kuguma siku nesikati kuyambira umwe neumwe nemisodzi. Therefore watch, and remember, that by the space of three years I ceased not to warn every one night and day with tears.
32 Uye ikozvino hama, ndinokukumikidzai kuna Mwari nekushoko renyasha dzake, iye anogona kukuvakai, nekukupai nhaka pakati pevese vakaitwa vatsvene. And now, brethren, I commend you to God, and to the word of his grace, which is able to build you up, and to give you an inheritance among all them which are sanctified.
33 Handina kuchiva sirivheri kana goridhe kana nguvo yemunhu. I have coveted no man’s silver, or gold, or apparel.
34 Imwiwo momene munoziva kuti maoko awa akabatira kushaiwa kwangu nekwevaiva neni. Yea, ye yourselves know, that these hands have ministered unto my necessities, and to them that were with me.
35 Pazvinhu zvese ndakakuratidzai, kuti muchibata saizvozvi munofanira kubatsira vane utera, nekurangarira mashoko aIshe Jesu, kuti iye wakati: Kwakaropafadzwa kupa kupfuura kugamuchira. I have shewed you all things, how that so labouring ye ought to support the weak, and to remember the words of the Lord Jesus, how he said, It is more blessed to give than to receive.
36 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, akafugama, akanyengetera navo vese. And when he had thus spoken, he kneeled down, and prayed with them all.
37 Kukava nekuchema kwavo vese kukuru; vakawira pamutsipa waPauro vakamutsvoda, And they all wept sore, and fell on Paul’s neck, and kissed him,
38 vachishungurudzika zvikuru neshoko raakataura, kuti havachazooni chiso chake. Zvino vakamuperekedza kuchikepe. Sorrowing most of all for the words which he spake, that they should see his face no more. And they accompanied him unto the ship.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL