사도행전 18장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 사도행전 (Acts) · 28절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Shure kwezvinhu izvi Pauro wakabva paAtene akauya kuKorinde. | After these things Paul departed from Athens, and came to Corinth; |
| 2 | Zvino akawana umwe muJudha wainzi Akwira, wePonto pakuberekwa (achangosvika kubva kuItaria), naPrisira mukadzi wake, nekuda kwekuraira kwaKiraudhio kuti VaJudha vese vabve kuRoma, akaenda kwavari; | And found a certain Jew named Aquila, born in Pontus, lately come from Italy, with his wife Priscilla; (because that Claudius had commanded all Jews to depart from Rome:) and came unto them. |
| 3 | zvino nokuti vakange vari vebasa rimwe, wakagara navo ndokushanda; nokuti vaiva vagadziri vematende pabasa. | And because he was of the same craft, he abode with them, and wrought: for by their occupation they were tentmakers. |
| 4 | Zvino waiparidza sabata rimwe nerimwe musinagoge, achigombedzera VaJudha neVaGiriki. | And he reasoned in the synagogue every sabbath, and persuaded the Jews and the Greeks. |
| 5 | Zvino Sirasi naTimotio vakati vachiburuka kubva kuMakedhonia, Pauro wakamanikidzwa neMweya, akapupura kuVaJudha kuti Jesu ndiye Kristu. | And when Silas and Timotheus were come from Macedonia, Paul was pressed in the spirit, and testified to the Jews that Jesus was Christ. |
| 6 | Zvino vakati vachimupikisa nekutuka, akazunza nguvo, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena; kubva ikozvino ndichaenda kuvahedheni. | And when they opposed themselves, and blasphemed, he shook his raiment, and said unto them, Your blood be upon your own heads; I am clean: from henceforth I will go unto the Gentiles. |
| 7 | Zvino wakabva ipapo akaenda kumba kweumwe wainzi Jusito, wainamata Mwari, imba yake yaiva yakabatana nesinagoge. | And he departed thence, and entered into a certain man’s house, named Justus, one that worshipped God, whose house joined hard to the synagogue. |
| 8 | NaKrisipo mutungamiriri wesinagoge wakatenda kuna Ishe neimba yake yese; nevazhinji veVaKorinde vakanzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa. | And Crispus, the chief ruler of the synagogue, believed on the Lord with all his house; and many of the Corinthians hearing believed, and were baptized. |
| 9 | Zvino Ishe wakataura kuna Pauro pausiku nechiratidzo: Usatya, asi taura uye usanyarara; | Then spake the Lord to Paul in the night by a vision, Be not afraid, but speak, and hold not thy peace: |
| 10 | nokuti ini ndinewe, uye hapana angakumukira kuti akukuvadze; nokuti ndine vanhu vazhinji muguta rino. | For I am with thee, and no man shall set on thee to hurt thee: for I have much people in this city. |
| 11 | Zvino wakagara gore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo. | And he continued there a year and six months, teaching the word of God among them. |
| 12 | Zvino Gario wakati ava mutungamiriri weAkaya, VaJudha vakamukira Pauro nemoyo umwe, vakamuuisa pamberi pechigaro chekutonga, | And when Gallio was the deputy of Achaia, the Jews made insurrection with one accord against Paul, and brought him to the judgment seat, |
| 13 | vachiti: Uyu anogombedzera vanhu kunamata Mwari zvinopesana nemurairo. | Saying, This fellow persuadeth men to worship God contrary to the law. |
| 14 | Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo, Gario akati kuVaJudha: Naizvozvo dai chaiva chinhu chezvisakarurama kana mhosva yakaipa, haiwa VaJudha, nechikonzero ichi ndaikuitirai nemoyo murefu; | And when Paul was now about to open his mouth, Gallio said unto the Jews, If it were a matter of wrong or wicked lewdness, O ye Jews, reason would that I should bear with you: |
| 15 | asi kana dziri nharo pamusoro peshoko nemazita, nemurairo wenyu pachenyu, zvionerei imwi; nokuti ini handidi kuva mutongi weizvozvo. | But if it be a question of words and names, and of your law, look ye to it; for I will be no judge of such matters. |
| 16 | Ndokuvadzinga pachigaro chekutonga. | And he drave them from the judgment seat. |
| 17 | Zvino VaGiriki vese vakabata Sositeni mutungamiriri wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe cheizvozvo. | Then all the Greeks took Sosthenes, the chief ruler of the synagogue, and beat him before the judgment seat. And Gallio cared for none of those things. |
| 18 | Pauro wakati achigere mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo nechikepe akaenda kuSiriya, uye Prisira naAkwira vanaye, aveura musoro paKenikirea, nokuti wakange ane mhiko. | And Paul after this tarried there yet a good while, and then took his leave of the brethren, and sailed thence into Syria, and with him Priscilla and Aquila; having shorn his head in Cenchrea: for he had a vow. |
| 19 | Zvino wakasvika muEfeso, akavasiyapo; asi iye wakapinda musinagoge akataurirana neVaJudha. | And he came to Ephesus, and left them there: but he himself entered into the synagogue, and reasoned with the Jews. |
| 20 | Zvino vakati vamukumbira kugara navo nguva yakati rebei, haana kutenda; | When they desired him to tarry longer time with them, he consented not; |
| 21 | asi wakavaoneka achiti: Ndinofanira nenzira dzese kuchengetedza mutambo unouya muJerusarema; asi ndichadzokazve kwamuri, kana Mwari achida. Akabva paEfeso nechikepe. | But bade them farewell, saying, I must by all means keep this feast that cometh in Jerusalem: but I will return again unto you, if God will. And he sailed from Ephesus. |
| 22 | Zvino wakati asvika Kesariya, ndokukwira akakwazisa kereke, akaburukira kuAndiyokiya. | And when he had landed at Cesarea, and gone up, and saluted the church, he went down to Antioch. |
| 23 | Zvino wakati ambopedza nguva, akabva, akagura nedunhu reGaratia neFrigia achitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vese. | And after he had spent some time there, he departed, and went over all the country of Galatia and Phrygia in order, strengthening all the disciples. |
| 24 | Zvino umwe muJudha wainzi Aporo, muAreksandiria nekuberekwa, murume nyanzvi yekutaura, ane simba pamagwaro, wakasvika paEfeso. | And a certain Jew named Apollos, born at Alexandria, an eloquent man, and mighty in the scriptures, came to Ephesus. |
| 25 | Uyu wakange adzidziswa nzira yaIshe, uye waishingaira mumweya, achitaura nekunyatsodzidzisa zvinhu zvaIshe, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani chete; | This man was instructed in the way of the Lord; and being fervent in the spirit, he spake and taught diligently the things of the Lord, knowing only the baptism of John. |
| 26 | iye ndokutanga kutaura asingatyi musinagoge. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanyatsomududzira nzira yaMwari nemazvo. | And he began to speak boldly in the synagogue: whom when Aquila and Priscilla had heard, they took him unto them, and expounded unto him the way of God more perfectly. |
| 27 | Zvino wakati achida kuyambukira kuAkaya, hama dzakanyora dzichisimbisa vadzidzi kuti vamugamuchire; iye wakati achisvika akabatsira zvikuru avo vakatenda nenyasha; | And when he was disposed to pass into Achaia, the brethren wrote, exhorting the disciples to receive him: who, when he was come, helped them much which had believed through grace: |
| 28 | nokuti wakapwisa VaJudha nesimba pachena, achiratidza nemagwaro kuti Jesu ndiye Kristu. | For he mightily convinced the Jews, and that publickly, shewing by the scriptures that Jesus was Christ. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL