사도행전 16장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 사도행전 (Acts) · 40절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino wakasvika kuDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda, asi wababa muGiriki; | Then came he to Derbe and Lystra: and, behold, a certain disciple was there, named Timotheus, the son of a certain woman, which was a Jewess, and believed; but his father was a Greek: |
| 2 | waipupurirwa zvakanaka nehama dzepaRistra neIkonio. | Which was well reported of by the brethren that were at Lystra and Iconium. |
| 3 | Uyu Pauro wakada kuti abude naye, ndokumutora akamudzingisa nekuda kweVaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vese vakange vachiziva baba vake, kuti muGiriki. | Him would Paul have to go forth with him; and took and circumcised him because of the Jews which were in those quarters: for they knew all that his father was a Greek. |
| 4 | Zvino vakati vachigura nemumaguta, vakavakumikidza zviga zvakatemwa nevaapositori nevakuru vaiva paJerusarema kuti vachengete. | And as they went through the cities, they delivered them the decrees for to keep, that were ordained of the apostles and elders which were at Jerusalem. |
| 5 | Naizvozvo makereke akasimbiswa parutendo, ndokuwedzera pauwandu zuva nezuva. | And so were the churches established in the faith, and increased in number daily. |
| 6 | Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratia, vadziviswa neMweya Mutsvene kutaura shoko paAsia, | Now when they had gone throughout Phrygia and the region of Galatia, and were forbidden of the Holy Ghost to preach the word in Asia, |
| 7 | vakati vasvika pakatarisana neMisia vakaidza kuenda kuBhitiniasi; asi Mweya haana kuvatendera; | After they were come to Mysia, they assayed to go into Bithynia: but the Spirit suffered them not. |
| 8 | zvino vakati vapfuura paMisia vakaburukira kuTroasi. | And they passing by Mysia came down to Troas. |
| 9 | Chiratidzo ndokuonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume muMakedhonia wakange amirepo, achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira kuMakedhonia, utibatsire. | And a vision appeared to Paul in the night; There stood a man of Macedonia, and prayed him, saying, Come over into Macedonia, and help us. |
| 10 | Zvino wakati achiona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende kuMakedhonia, tapedza tichiti Ishe watidana kunoparidza evhangeri kwavari. | And after he had seen the vision, immediately we endeavoured to go into Macedonia, assuredly gathering that the Lord had called us for to preach the gospel unto them. |
| 11 | Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira kuSamotirasi, fumewo kuNeapori, | Therefore loosing from Troas, we came with a straight course to Samothracia, and the next day to Neapolis; |
| 12 | ndokubvapo tikaenda kuFiripi, rinova guta rekutanga redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; uye takagara mamwe mazuva muguta iri. | And from thence to Philippi, which is the chief city of that part of Macedonia, and a colony: and we were in that city abiding certain days. |
| 13 | Zvino nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; zvino takagara pasi tikataura nevakadzi vakange vaunganapo. | And on the sabbath we went out of the city by a river side, where prayer was wont to be made; and we sat down, and spake unto the women which resorted thither. |
| 14 | Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhia, mutengesikadzi wemicheka yeruvara rwehute weguta reTiatira, wainamata Mwari, wakatinzwa; moyo wake Ishe waakazarura, kuti ateerere zvinhu zvinotaurwa naPauro. | And a certain woman named Lydia, a seller of purple, of the city of Thyatira, which worshipped God, heard us: whose heart the Lord opened, that she attended unto the things which were spoken of Paul. |
| 15 | Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira achiti: Kana matonga kuti ndakatendeka kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Zvino akatigombedzera. | And when she was baptized, and her household, she besought us, saying, If ye have judged me to be faithful to the Lord, come into my house, and abide there. And she constrained us. |
| 16 | Zvino takati pataipinda kumunyengetero, umwe murandasikana waiva nemweya wekuuka wakasangana nesu, waivigira vatenzi vake mubairo muzhinji nekuuka. | And it came to pass, as we went to prayer, a certain damsel possessed with a spirit of divination met us, which brought her masters much gain by soothsaying: |
| 17 | Uyu wakatevera Pauro nesu, achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso. | The same followed Paul and us, and cried, saying, These men are the servants of the most high God, which shew unto us the way of salvation. |
| 18 | Zvino izvi wakazviita mazuva mazhinji. Pauro wakati asemburwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Zvino ukabuda nenguva iyoyo. | And this did she many days. But Paul, being grieved, turned and said to the spirit, I command thee in the name of Jesus Christ to come out of her. And he came out the same hour. |
| 19 | Vatenzi vake vakati vaona kuti tariro yemubairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevakuru, | And when her masters saw that the hope of their gains was gone, they caught Paul and Silas, and drew them into the marketplace unto the rulers, |
| 20 | vakati vavauisa kuvatungamiriri vakati: Vanhu ava vanovhiringidza guta redu, vari VaJudha, | And brought them to the magistrates, saying, These men, being Jews, do exceedingly trouble our city, |
| 21 | uye vanoparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kuita, tiri vanhu VaRoma. | And teach customs, which are not lawful for us to receive, neither to observe, being Romans. |
| 22 | Zvino chaunga chikavamukira pamwe, uye vatungamiriri vakavabvarurira nguvo vakaraira kuti vavarove netsvimbo. | And the multitude rose up together against them: and the magistrates rent off their clothes, and commanded to beat them. |
| 23 | Vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo; | And when they had laid many stripes upon them, they cast them into prison, charging the jailor to keep them safely: |
| 24 | iye, agamuchira murairo wakadaro, wakavakanda mutirongo remukati, akasimbisa tsoka dzavo mudanda. | Who, having received such a charge, thrust them into the inner prison, and made their feet fast in the stocks. |
| 25 | Zvino panenge pakati peusiku Pauro naSirasi vakange vachinyengetera nekuimba nziyo dzekurumbidza kuna Mwari, uye vasungwa vaivanzwa; | And at midnight Paul and Silas prayed, and sang praises unto God: and the prisoners heard them. |
| 26 | zvino pakarepo kwakavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; zvino pakarepo mikova yese ikazarurwa, nezvisungo zvevese zvikasunungurwa. | And suddenly there was a great earthquake, so that the foundations of the prison were shaken: and immediately all the doors were opened, and every one’s bands were loosed. |
| 27 | Murindi wetirongo wakati apepuka, uye aona mikova yetirongo yakazarurwa, akavhomora munondo, oda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza. | And the keeper of the prison awaking out of his sleep, and seeing the prison doors open, he drew out his sword, and would have killed himself, supposing that the prisoners had been fled. |
| 28 | Asi Pauro wakadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nokuti tiri muno tese. | But Paul cried with a loud voice, saying, Do thyself no harm: for we are all here. |
| 29 | Zvino wakakumbira mwenje akasvetukiramo, ndokusvika achibvunda akawira pasi pamberi paPauro naSirasi, | Then he called for a light, and sprang in, and came trembling, and fell down before Paul and Silas, |
| 30 | zvino akati avabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe? | And brought them out, and said, Sirs, what must I do to be saved? |
| 31 | Zvino vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe neimba yako. | And they said, Believe on the Lord Jesus Christ, and thou shalt be saved, and thy house. |
| 32 | Zvino vakataura kwaari shoko raIshe, nekune vese vaiva mumba make. | And they spake unto him the word of the Lord, and to all that were in his house. |
| 33 | Ndokuvatora nenguva iyoyo yeusiku akavashambidza pamavanga, ndokubhabhatidzwa pakarepo iye nevake vese. | And he took them the same hour of the night, and washed their stripes; and was baptized, he and all his, straightway. |
| 34 | Zvino wakati avaisa mumba make ndokugadzika tafura pamberi pavo, akafara neimba yake yese achitenda kuna Mwari. | And when he had brought them into his house, he set meat before them, and rejoiced, believing in God with all his house. |
| 35 | Zvino kwakati kwaedza vatungamiriri vakatuma mapurisa vachiti: Sunungurai vanhu avo. | And when it was day, the magistrates sent the serjeants, saying, Let those men go. |
| 36 | Murindi wetirongo ndokuudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatungamiriri vatuma shoko, kuti musunungurwe; naizvozvo budai ikozvino muende murugare. | And the keeper of the prison told this saying to Paul, The magistrates have sent to let you go: now therefore depart, and go in peace. |
| 37 | Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhosva tiri vanhu VaRoma, vakatikanda mutirongo, zvino ikozvino votikanda panze chinyararire here? Haiwa, kwete! Asi vanofanira kuuya vamene vatibudise. | But Paul said unto them, They have beaten us openly uncondemned, being Romans, and have cast us into prison; and now do they thrust us out privily? nay verily; but let them come themselves and fetch us out. |
| 38 | Mapurisa ndokuudza vatungamiriri mashoko iwayo; zvino vakatya pavakanzwa kuti VaRoma, | And the serjeants told these words unto the magistrates: and they feared, when they heard that they were Romans. |
| 39 | ndokuuya vakavakumbira, zvino vakavabudisa vakakumbira kuti vabude muguta. | And they came and besought them, and brought them out, and desired them to depart out of the city. |
| 40 | Zvino vakabuda mutirongo vakapinda kwaRidhia; ndokuti vaona hama, vakavanyaradza, vakabva ndokuenda. | And they went out of the prison, and entered into the house of Lydia: and when they had seen the brethren, they comforted them, and departed. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL