빌립보서 2장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 빌립보서 (Philippians) · 30절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Naizvozvo kana kune imwe kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kumwe kudyidzana kweMweya, kana mune umwe moyo munyoro nemukunzwira tsitsi, | If there be therefore any consolation in Christ, if any comfort of love, if any fellowship of the Spirit, if any bowels and mercies, |
| 2 | zadzisai mufaro wangu, kuti muve nefungwa imwe, muve nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe; | Fulfil ye my joy, that ye be likeminded, having the same love, being of one accord, of one mind. |
| 3 | musingaiti chinhu nenharo kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo umwe neumwe achikudza vamwe kukupfuurai pakunaka; | Let nothing be done through strife or vainglory; but in lowliness of mind let each esteem other better than themselves. |
| 4 | umwe neumwe ngaarege kutarira zvake, asi umwe neumwe zvinhu zvevamwewo. | Look not every man on his own things, but every man also on the things of others. |
| 5 | Nokuti fungwa iyi ngaive mamuri, yakange iri muna Kristu Jesuwo; | Let this mind be in you, which was also in Christ Jesus: |
| 6 | iye ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuti kuenzana naMwari kupamba; | Who, being in the form of God, thought it not robbery to be equal with God: |
| 7 | asi wakazviita asina maturo, akatora chimiro chemuranda, akava mumufananidzo wevanhu; | But made himself of no reputation, and took upon him the form of a servant, and was made in the likeness of men: |
| 8 | akati awanikwa muchimiro chemunhu, akazvininipisa, akava wakateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa. | And being found in fashion as a man, he humbled himself, and became obedient unto death, even the death of the cross. |
| 9 | Naizvozvo Mwariwo wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura zita rimwe nerimwe; | Wherefore God also hath highly exalted him, and given him a name which is above every name: |
| 10 | kuti muzita raJesu ibvi rese rifugame, revekudenga nevepanyika, nevepasi penyika, | That at the name of Jesus every knee should bow, of things in heaven, and things in earth, and things under the earth; |
| 11 | uye rurimi rwega-rwega rwupupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo yaMwari Baba. | And that every tongue should confess that Jesus Christ is Lord, to the glory of God the Father. |
| 12 | Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzese, kwete sepakuvapo kwangu chete, asi ikozvino kunyanyisa pakusavapo kwangu, shandai ruponeso rwenyu pachenyu nekutya nekudedera; | Wherefore, my beloved, as ye have always obeyed, not as in my presence only, but now much more in my absence, work out your own salvation with fear and trembling. |
| 13 | nokuti ndiMwari anoshanda mamuri, zvese kuda nekuita nekuda kwechido chake chakanaka. | For it is God which worketh in you both to will and to do of his good pleasure. |
| 14 | Itai zvinhu zvese musinganyunyuti nekupikisana; | Do all things without murmurings and disputings: |
| 15 | kuti muve vakachena uye vasina chavangapomerwa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, vamunopenya pakati pavo sezviedza munyika, | That ye may be blameless and harmless, the sons of God, without rebuke, in the midst of a crooked and perverse nation, among whom ye shine as lights in the world; |
| 16 | muchitaridza shoko reupenyu, pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushanda pasina. | Holding forth the word of life; that I may rejoice in the day of Christ, that I have not run in vain, neither laboured in vain. |
| 17 | Asi kana neni ndikadururwa sechibairo chinodururwa pamusoro pechibairo nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mese. | Yea, and if I be offered upon the sacrifice and service of your faith, I joy, and rejoice with you all. |
| 18 | Nekuda kweizvozvi imwiwo mufare uye mufare pamwe neni. | For the same cause also do ye joy, and rejoice with me. |
| 19 | Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare pandinoziva zviri maererano nemwi. | But I trust in the Lord Jesus to send Timotheus shortly unto you, that I also may be of good comfort, when I know your state. |
| 20 | Nokuti handina munhu ane fungwa yakadaro, achava nehanya zvirokwazvo nezvenyu. | For I have no man likeminded, who will naturally care for your state. |
| 21 | Nokuti vese vanozvitsvakira zvavo, kwete zvinhu zviri zvaKristu Jesu. | For all seek their own, not the things which are Jesus Christ’s. |
| 22 | Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri. | But ye know the proof of him, that, as a son with the father, he hath served with me in the gospel. |
| 23 | Zvino ndiye wandinotarisira kutumira kwamuri pakarepo, kana ndaona zvakanangana neni; | Him therefore I hope to send presently, so soon as I shall see how it will go with me. |
| 24 | asi ndinovimba muna Ishe kuti iniwo ndomene ndichakurumidza kuuya. | But I trust in the Lord that I also myself shall come shortly. |
| 25 | Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemushandi pamwe neni neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu; | Yet I supposed it necessary to send to you Epaphroditus, my brother, and companion in labour, and fellowsoldier, but your messenger, and he that ministered to my wants. |
| 26 | sezvo akange achikushuvai mese, uye akatambudzika, nokuti makange manzwa kuti wakange achirwara. | For he longed after you all, and was full of heaviness, because that ye had heard that he had been sick. |
| 27 | Nokuti zvirokwazvo wakange achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete iye ega, asi neni, kuti ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu. | For indeed he was sick nigh unto death: but God had mercy on him; and not on him only, but on me also, lest I should have sorrow upon sorrow. |
| 28 | Naizvozvo ndakashingaira zvikuru kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni shungu dzangu dziderere zvikuru. | I sent him therefore the more carefully, that, when ye see him again, ye may rejoice, and that I may be the less sorrowful. |
| 29 | Naizvozvo mugamuchirei muna Ishe nemufaro wese, uye mubate vakadai neruremekedzo; | Receive him therefore in the Lord with all gladness; and hold such in reputation: |
| 30 | nokuti nekuda kwebasa raKristu wakaswedera pakufa, asingarangariri upenyu hwake, kuti akwanise kushaiwa kundishumira kwenyu. | Because for the work of Christ he was nigh unto death, not regarding his life, to supply your lack of service toward me. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL