베드로후서 3장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 베드로후서 (2 Peter) · 18절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Ikozvino iyi, vadikanwi, itsamba yechipiri yandinokunyorerai; panaidzodzi mbiri ndinomutsa murangariro wenyu wakachena nechiyeuchidzo, | This second epistle, beloved, I now write unto you; in both which I stir up your pure minds by way of remembrance: |
| 2 | kuti murangarire mashoko akambotaurwa nevaporofita vatsvene, nemurairo wedu tiri vaapasitori vaIshe neMuponesi; | That ye may be mindful of the words which were spoken before by the holy prophets, and of the commandment of us the apostles of the Lord and Saviour: |
| 3 | muchiziva ichi pakutanga, kuti kuchauya pakuguma kwemazuva vanongoseka, vachifamba maererano neruchiva rwavo pachavo, | Knowing this first, that there shall come in the last days scoffers, walking after their own lusts, |
| 4 | uye vachiti: Chiripi chivimbiso chekuuya kwake? Nokuti kubva zvarara madzibaba zvinhu zvese zvakaramba zvakadaro kubva pakutanga kwekusikwa. | And saying, Where is the promise of his coming? for since the fathers fell asleep, all things continue as they were from the beginning of the creation. |
| 5 | Nokuti ichi vanokanganwa maune, kuti matenga aivapo kubva kare, nenyika, iripo kubva mumvura, kubudikidza nemvura, neshoko raMwari; | For this they willingly are ignorant of, that by the word of God the heavens were of old, and the earth standing out of the water and in the water: |
| 6 | nazvo nyika yaivapo nguva iyo yakafukidzwa nemvura yakaparadzwa. | Whereby the world that then was, being overflowed with water, perished: |
| 7 | Asi matenga nenyika zviripo ikozvino zvakachengetwa neirori shoko, zvakachengeterwa moto pazuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari. | But the heavens and the earth, which are now, by the same word are kept in store, reserved unto fire against the day of judgment and perdition of ungodly men. |
| 8 | Asi chinhu chimwe ichi ngachirege kusazikanwa nemwi, vadikanwi, kuti zuva rimwe kuna Ishe rakaita samakore ane churu, nemakore ane churu sezuva rimwe. | But, beloved, be not ignorant of this one thing, that one day is with the Lord as a thousand years, and a thousand years as one day. |
| 9 | Ishe haanonoki maererano nechivimbiso, sevamwe vanoti kunonoka; asi ane moyo murefu kwatiri, asingadi kuti ani nani aparare asi vese vasvike pakutendeuka. | The Lord is not slack concerning his promise, as some men count slackness; but is longsuffering to us-ward, not willing that any should perish, but that all should come to repentance. |
| 10 | Asi zuva raIshe richasvika sembavha usiku, naro matenga achapfuura nekutinhira kukuru, nezvekutanga zvichaguranyiwa nekupisa kukuru, nenyika nemabasa ari mairi achapiswa. | But the day of the Lord will come as a thief in the night; in the which the heavens shall pass away with a great noise, and the elements shall melt with fervent heat, the earth also and the works that are therein shall be burned up. |
| 11 | Sezvo zvinhu izvi zvese zvichaparadzwa, imwi munofanira kuva vakadini pamafambiro matsvene nekunamata Mwari, | Seeing then that all these things shall be dissolved, what manner of persons ought ye to be in all holy conversation and godliness, |
| 12 | makatarisira nekumhanyira kusvika kwezuva raMwari; naro matenga achipiswa achaparadzwa, nezvekutanga zvinyunguduke nekupisa kukuru. | Looking for and hasting unto the coming of the day of God, wherein the heavens being on fire shall be dissolved, and the elements shall melt with fervent heat? |
| 13 | Asi sechivimbiso chake tinotarisira matenga matsva nenyika itsva, mazviri munogara kururama. | Nevertheless we, according to his promise, look for new heavens and a new earth, wherein dwelleth righteousness. |
| 14 | Naizvozvo vadikanwi, zvamunotarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye murugare, musina gwapa uye musingamhuriki. | Wherefore, beloved, seeing that ye look for such things, be diligent that ye may be found of him in peace, without spot, and blameless. |
| 15 | Zvino muti moyo murefu waIshe wedu ruponeso, hama yedu inodikanwa Pauro sezvaakakunyoreraiwo zvichienderana nenjere dzakapiwa kwaari; | And account that the longsuffering of our Lord is salvation; even as our beloved brother Paul also according to the wisdom given unto him hath written unto you; |
| 16 | semutsamba dzake dzesewo, achitaura madziri maererano nezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisisika, izvo avo vasina kudzidza nevasina kusimba vanozviminamisa, semamwewo magwaro, kusvika pakuparadzwa kwavo pachavo. | As also in all his epistles, speaking in them of these things; in which are some things hard to be understood, which they that are unlearned and unstable wrest, as they do also the other scriptures, unto their own destruction. |
| 17 | Naizvozvo imwi, vadikanwi, zvamagara muchiziva, chenjerai kuti murege kutsauswa pamwe nekunyengera kwevasina murairo, muwe pakusimba kwenyu. | Ye therefore, beloved, seeing ye know these things before, beware lest ye also, being led away with the error of the wicked, fall from your own stedfastness. |
| 18 | Asi kurai munyasha neparuzivo rwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. Rukudzo ngaruende kwaari ikozvinowo uye kusvika zuva rekusingaperi. Ameni. | But grow in grace, and in the knowledge of our Lord and Saviour Jesus Christ. To him be glory both now and for ever. Amen. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL