로그인

베드로후서 2장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 베드로후서 (2 Peter) · 22절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Asi kwaiva nevaporofita venhemawo pakati pevanhu, sezvakuchavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu, vachapinza pachivande kutsauka kunoparadza, vachiramba kunyange Ishe wakavatenga, vachizviwisira kuparara kunokurumidza. But there were false prophets also among the people, even as there shall be false teachers among you, who privily shall bring in damnable heresies, even denying the Lord that bought them, and bring upon themselves swift destruction.
2 Vazhinjiwo vachatevera kuparadzwa kwavo; nekuda kwavo nzira yechokwadi ichanyombwa. And many shall follow their pernicious ways; by reason of whom the way of truth shall be evil spoken of.
3 Uye pakuchiva namashoko akaumbwa vachawana mubairo nemwi; kutongwa kwavo kwakare hakunonoki, nekuparadzwa kwavo hakutsumwairi. And through covetousness shall they with feigned words make merchandise of you: whose judgment now of a long time lingereth not, and their damnation slumbereth not.
4 Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira mugehena achivakumikidza kumaketeni erima kuti vachengeterwe mutongo; For if God spared not the angels that sinned, but cast them down to hell, and delivered them into chains of darkness, to be reserved unto judgment;
5 uye haana kurega nyika yekare, asi wakachengetedza Nowa muparidzi wekururama nevamwe vanomwe, paakauisa mafashame panyika yevasingadi Mwari; And spared not the old world, but saved Noah the eighth person, a preacher of righteousness, bringing in the flood upon the world of the ungodly;
6 nekuroromesa maguta eSodhoma neGomora, akaatongera kuparadzwa, akaaita chive chiratidzo kune vachazogara vasingadi Mwari; And turning the cities of Sodom and Gomorrha into ashes condemned them with an overthrow, making them an ensample unto those that after should live ungodly;
7 akanunurawo Roti wakarurama, wakazvidya moyo pakuzvibata mukunyangadza kwevakaipa; And delivered just Lot, vexed with the filthy conversation of the wicked:
8 (nekuti uyo wakarurama, agere pakati pavo, pakuona nekunzwa, wakarwadzisa kwazvo mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe nemabasa asina murairo). (For that righteous man dwelling among them, in seeing and hearing, vexed his righteous soul from day to day with their unlawful deeds;)
9 Ishe anoziva kununura vanonamata Mwari kubva pamiedzo, nekuchengeta vasakarurama kusvika pazuva rekutongwa vachirangwa; The Lord knoweth how to deliver the godly out of temptations, and to reserve the unjust unto the day of judgment to be punished:
10 asi zvikuru ivo vanofamba nemutoo wenyama paruchiva rwetsvina, nekuzvidza utongi. Vasina hanya, vane nharo, vasingatyi kutuka vanokudzwa; But chiefly them that walk after the flesh in the lust of uncleanness, and despise government. Presumptuous are they, selfwilled, they are not afraid to speak evil of dignities.
11 izvo vatumwa, vanopfuura pakugona nesimba, havauyisi pavari mutongo wekunyomba pamberi paIshe. Whereas angels, which are greater in power and might, bring not railing accusation against them before the Lord.
12 Asi ava, vakaita semhuka pachisikirwo dzisina fungwa dzakaberekerwa kubatwa nekuparadzwa, vanotuka zvavasingazivi, vachaparadzwa pakuora kwavo, But these, as natural brute beasts, made to be taken and destroyed, speak evil of the things that they understand not; and shall utterly perish in their own corruption;
13 vachagamuchira mubairo wekusarurama, vanoti mafaro kuita umbozha masikati, ivo makwapa nechinyadzo, vanofara mukunyengera kwavo kana vari pamabiko nemwi, And shall receive the reward of unrighteousness, as they that count it pleasure to riot in the day time. Spots they are and blemishes, sporting themselves with their own deceivings while they feast with you;
14 vane meso azere neupombwe, nevasingaregi chivi, vanonyengera mweya isina simba, vane moyo wakarovedzwa kuchiva; vana vechakatukwa; Having eyes full of adultery, and that cannot cease from sin; beguiling unstable souls: an heart they have exercised with covetous practices; cursed children:
15 vasiya nzira yakarurama vakatsauka, vatevera nzira yaBharami waBhosori, wakada mubairo wekusarurama, Which have forsaken the right way, and are gone astray, following the way of Balaam the son of Bosor, who loved the wages of unrighteousness;
16 asi wakava nekutsiurwa kwekudarika kwake, mbongoro chimumumu ichitaura muinzwi remunhu, chikadzivisa upengo hwemuporofita. But was rebuked for his iniquity: the dumb ass speaking with man’s voice forbad the madness of the prophet.
17 Iva zvitubu zvisina mvura, makore anosundwa nedutu remhepo; ivo vakachengeterwa mhute yerima kusvikira kusingaperi. These are wells without water, clouds that are carried with a tempest; to whom the mist of darkness is reserved for ever.
18 Nokuti vachitaura zvekuzvikudza kusina maturo, vanokwezva neruchiva rwenyama neunzenza avo vakapukunyuka zvirokwazvo kune vanofamba mukutsauka; For when they speak great swelling words of vanity, they allure through the lusts of the flesh, through much wantonness, those that were clean escaped from them who live in error.
19 vachivavimbisa rusununguko, ivo pachavo varanda vekuora; nokuti uyo umwe waakundwa naye, ndiyewo waanoitwa muranda kwaari. While they promise them liberty, they themselves are the servants of corruption: for of whom a man is overcome, of the same is he brought in bondage.
20 Nokuti kana vapukunyuka patsvina yenyika kubudikidza neruzivo rwaIshe neMuponesi Jesu Kristu, vanopfekanidzwazve mazviri vachikundwa, zvinhu zvekuguma zvigova kwavari zvakaipa kupfuura zvekutanga. For if after they have escaped the pollutions of the world through the knowledge of the Lord and Saviour Jesus Christ, they are again entangled therein, and overcome, the latter end is worse with them than the beginning.
21 Nokuti zvaiva nani kwavari kuti dai vaiva vasina kuziva nzira yekururama, pakuti vaziva vadzoke kubva pamurairo mutsvene wakakumikidzwa kwavari. For it had been better for them not to have known the way of righteousness, than, after they have known it, to turn from the holy commandment delivered unto them.
22 Asi zvakaitika kwavari zvedimikira rechokwadi zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo pachayo; nehadzi yenguruve yakange yashamba kukuvumburuka mumatope. But it is happened unto them according to the true proverb, The dog is turned to his own vomit again; and the sow that was washed to her wallowing in the mire.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL