로그인

베드로후서 1장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 베드로후서 (2 Peter) · 21절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Simoni Petro, muranda nemuapositori waJesu Kristu, kune avo vakawana rutendo rwunokosha rwakafanana nerwedu mukururama kwaMwari wedu neMuponesi wedu Jesu Kristu: Simon Peter, a servant and an apostle of Jesus Christ, to them that have obtained like precious faith with us through the righteousness of God and our Saviour Jesus Christ:
2 Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri paruzivo rwaMwari nerwaJesu Ishe wedu. Grace and peace be multiplied unto you through the knowledge of God, and of Jesus our Lord,
3 Sesimba rake reuMwari rakatipa zvinhu zvese zveupenyu nekunamata Mwari kubudikidza neruzivo rwaiye wakatidana kubudikidza nekubwinya uye kunaka; According as his divine power hath given unto us all things that pertain unto life and godliness, through the knowledge of him that hath called us to glory and virtue:
4 akatipa nazvo zvivimbiso zvikurusa uye zvinokosha; kuti naizvozvi muve vagovani vechizvarirwo cheuMwari, mapukunyuka kuora kuri panyika kubudikidza nekuchiva. Whereby are given unto us exceeding great and precious promises: that by these ye might be partakers of the divine nature, having escaped the corruption that is in the world through lust.
5 Zvino nekuda kweizviwo maita kushingaira kwese, wedzerai parutendo rwenyu kunaka, nepakunaka ruzivo, And beside this, giving all diligence, add to your faith virtue; and to virtue knowledge;
6 neparuzivo kuzvidzora, nepakuzvidzora moyo murefu, nepamoyo murefu kunamata Mwari, And to knowledge temperance; and to temperance patience; and to patience godliness;
7 nepakunamata Mwari rudo rwehama, neparudo rwehama, rudo. And to godliness brotherly kindness; and to brotherly kindness charity.
8 Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, uye zvichiwanda, hazvikuitii vasingashandi kana vanoshaiwa zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu. For if these things be in you, and abound, they make you that ye shall neither be barren nor unfruitful in the knowledge of our Lord Jesus Christ.
9 Nokuti asina zvinhu izvi, ibofu, anoonera pedo, wakanganwa kunatswa kwezvivi zvake zvekare. But he that lacketh these things is blind, and cannot see afar off, and hath forgotten that he was purged from his old sins.
10 Naizvozvo, hama, shingairai zvikuru kusimbisa kudanwa nekusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita zvinhu izvi hamungatongogumburwi narinhi. Wherefore the rather, brethren, give diligence to make your calling and election sure: for if ye do these things, ye shall never fall:
11 Nokuti saizvozvo muchawedzerwa zvakanyanya kupinda muushe husingaperi hwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. For so an entrance shall be ministered unto you abundantly into the everlasting kingdom of our Lord and Saviour Jesus Christ.
12 Naizvozvo handingashaiwi hanya nekukuyeudzirai zvinhu izvi nguva dzese, kunyange muchiziva, uye makasimbiswa pachokwadi chiripo. Wherefore I will not be negligent to put you always in remembrance of these things, though ye know them, and be established in the present truth.
13 Uye ndinoona zvakanaka kuti kana ndichingori mutabhenakeri ino chete ndikumutsei nechiyeuchidzo; Yea, I think it meet, as long as I am in this tabernacle, to stir you up by putting you in remembrance;
14 ndichiziva kuti kunokurumidza kubviswa kwetabhenakeri yangu, Ishe wedu Jesu Kristuwo sezvaakandiratidza. Knowing that shortly I must put off this my tabernacle, even as our Lord Jesus Christ hath shewed me.
15 Asi neni ndichashingaira kuti nguva dzese shure kwekuenda kwangu muve nechiyeuchidzo chezvinhu izvi. Moreover I will endeavour that ye may be able after my decease to have these things always in remembrance.
16 Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nenjere patakakuzivisai simba nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takange tiri vakazvionera kubwinya kwake. For we have not followed cunningly devised fables, when we made known unto you the power and coming of our Lord Jesus Christ, but were eyewitnesses of his majesty.
17 Nokuti wakagamuchira kubva kuna Mwari Baba rukudzo nekubwinya, inzwi rakadai parakasvika kwaari pakubwinya kukuru-kuru richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodika, wandinofara maari ini; For he received from God the Father honour and glory, when there came such a voice to him from the excellent glory, This is my beloved Son, in whom I am well pleased.
18 uye inzwi iri isu takarinzwa richibva kudenga pataiva naye mugomo dzvene. And this voice which came from heaven we heard, when we were with him in the holy mount.
19 Uye tine shoko rakasimba kwazvo rechiporofita, ramunoita zvakanaka muchirichenjerera sekumwenje unovhenekera panzvimbo ine rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mumoyo yenyu; We have also a more sure word of prophecy; whereunto ye do well that ye take heed, as unto a light that shineth in a dark place, until the day dawn, and the day star arise in your hearts:
20 muchiziva izvi pakutanga, kuti hakuna chiporofita cherugwaro chinobva mududziro yemwene wacho. Knowing this first, that no prophecy of the scripture is of any private interpretation.
21 Nokuti hakuna kumbouyiswa chiporofita nechido chemunhu, asi vanhu vatsvene vaMwari vakataura vachisundwa neMweya Mutsvene. For the prophecy came not in old time by the will of man: but holy men of God spake as they were moved by the Holy Ghost.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL