마태복음 22장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 46절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino Jesu wakapindura akataurazve kwavari nemifananidzo, achiti: | And Jesus answered and spake unto them again by parables, and said, |
| 2 | Ushe hwekumatenga hwakafananidzwa neumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wemuchato; | The kingdom of heaven is like unto a certain king, which made a marriage for his son, |
| 3 | akatuma varanda vake kunodana vakange vakokwa kumuchato, asi havana kuda kuuya. | And sent forth his servants to call them that were bidden to the wedding: and they would not come. |
| 4 | Akatuma zvekare vamwe varanda, achiti: Udzai vakakokerwa muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabaiwa, uye zvinhu zvese zvagadzirwa; uyai kumuchato. | Again, he sent forth other servants, saying, Tell them which are bidden, Behold, I have prepared my dinner: my oxen and my fatlings are killed, and all things are ready: come unto the marriage. |
| 5 | Asi havana kuzvikoshesa, vakaenda, umwe kumunda wake pachake, umwe kukutengeserana kwake; | But they made light of it, and went their ways, one to his farm, another to his merchandise: |
| 6 | vakasara vavo vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya. | And the remnant took his servants, and entreated them spitefully, and slew them. |
| 7 | Zvino mambo wakati azvinzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza mhondi idzo, akapisa guta ravo. | But when the king heard thereof, he was wroth: and he sent forth his armies, and destroyed those murderers, and burned up their city. |
| 8 | Zvino akati kuvaranda vake: Muchato wagadzirwa, asi vakange vakokwa vakange vasina kufanira. | Then saith he to his servants, The wedding is ready, but they which were bidden were not worthy. |
| 9 | Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumuchato vese vamunowana. | Go ye therefore into the highways, and as many as ye shall find, bid to the marriage. |
| 10 | Varanda avo vakabudira kunzira, vakaunganidza vese nekuwanda kwevavakawana, zvese vakaipa nevakanaka; imba yemuchato ikazara nevagere pakudya. | So those servants went out into the highways, and gathered together all as many as they found, both bad and good: and the wedding was furnished with guests. |
| 11 | Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona ipapo munhu asina kupfeka chipfeko chemuchato; | And when the king came in to see the guests, he saw there a man which had not on a wedding garment: |
| 12 | akati kwaari: Shamwari, wapinda sei pano usina chipfeko chemuchato? Akashaya remuromo. | And he saith unto him, Friend, how camest thou in hither not having a wedding garment? And he was speechless. |
| 13 | Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo nemaoko, mumubvise, mukandire kurima rekunze kwekupedzisira; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. | Then said the king to the servants, Bind him hand and foot, and take him away, and cast him into outer darkness; there shall be weeping and gnashing of teeth. |
| 14 | Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vanosanangurwa. | For many are called, but few are chosen. |
| 15 | Zvino VaFarisi vakaenda vakanorangana kuti vangamuteya sei pakutaura. | Then went the Pharisees, and took counsel how they might entangle him in his talk. |
| 16 | Vakatuma kwaari vadzidzi vavo vane VaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvemunhu, nokuti hamutariri chimiro chevanhu. | And they sent out unto him their disciples with the Herodians, saying, Master, we know that thou art true, and teachest the way of God in truth, neither carest thou for any man: for thou regardest not the person of men. |
| 17 | Naizvozvo tiudzei: Munofungei? Zvinotenderwa kupa Kesari mutero here, kana kwete? | Tell us therefore, What thinkest thou? Is it lawful to give tribute unto Cesar, or not? |
| 18 | Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzirei, vanyepedzeri? | But Jesus perceived their wickedness, and said, Why tempt ye me, ye hypocrites? |
| 19 | Ndiratidzei mari yemutero. Vakamuvigira dhenario*. | Shew me the tribute money. And they brought unto him a penny. |
| 20 | Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ndezvani? | And he saith unto them, Whose is this image and superscription? |
| 21 | Vakati kwaari: ZvaKesari. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. | They say unto him, Cesar’s. Then saith he unto them, Render therefore unto Cesar the things which are Cesar’s; and unto God the things that are God’s. |
| 22 | Vakati vanzwa vakashamisika, vakamusiya, vakaenda. | When they had heard these words, they marvelled, and left him, and went their way. |
| 23 | Nezuva iro kwakauya kwaari VaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza, | The same day came to him the Sadducees, which say that there is no resurrection, and asked him, |
| 24 | vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati: Kana munhu akafa asina vana, munin'ina wake achawana mukadzi wake, agomutsira mukoma wake mbeu. | Saying, Master, Moses said, If a man die, having no children, his brother shall marry his wife, and raise up seed unto his brother. |
| 25 | Paiva pakati pedu nevanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa; uye asina mbeu, akasiya mukadzi wake kumunin'ina wake. | Now there were with us seven brethren: and the first, when he had married a wife, deceased, and, having no issue, left his wife unto his brother: |
| 26 | Saizvozvowo wechipiri, newechitatu, kusvikira kune wechinomwe. | Likewise the second also, and the third, unto the seventh. |
| 27 | Pakupedzisira kwevese mukadzi akafawo. | And last of all the woman died also. |
| 28 | Zvino pakumuka, achava mukadzi waani pavanomwe? Nokuti vese vakava naye. | Therefore in the resurrection whose wife shall she be of the seven? for they all had her. |
| 29 | Jesu ndokupindura, akati kwavari: Munorasika, musingazivi magwaro, kana simba raMwari; | Jesus answered and said unto them, Ye do err, not knowing the scriptures, nor the power of God. |
| 30 | nokuti pakumuka havawanani, havawaniswi; asi vakaita sevatumwa vaMwari kudenga. | For in the resurrection they neither marry, nor are given in marriage, but are as the angels of God in heaven. |
| 31 | Asi maererano nekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti: | But as touching the resurrection of the dead, have ye not read that which was spoken unto you by God, saying, |
| 32 | Ini ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu. | I am the God of Abraham, and the God of Isaac, and the God of Jacob? God is not the God of the dead, but of the living. |
| 33 | Zvino zvaunga zvichizvinzwa zvakashamisika nedzidziso yake. | And when the multitude heard this, they were astonished at his doctrine. |
| 34 | VaFarisi vakati vachinzwa kuti washaisa VaSadhusi remuromo, vakaungana pamwe. | But when the Pharisees had heard that he had put the Sadducees to silence, they were gathered together. |
| 35 | Zvino umwe wavo, nyanzvi yemutemo, wakamubvunza, achimuidza, ichiti: | Then one of them, which was a lawyer, asked him a question, tempting him, and saying, |
| 36 | Mudzidzisi, ndeupi mutemo mukuru pamurairo? | Master, which is the great commandment in the law? |
| 37 | Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nemurangariro wako umwe neumwe. | Jesus said unto him, Thou shalt love the Lord thy God with all thy heart, and with all thy soul, and with all thy mind. |
| 38 | Ndiwo murairo wekutanga uye mukuru. | This is the first and great commandment. |
| 39 | Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida umwe wako sezvaunozvida iwe. | And the second is like unto it, Thou shalt love thy neighbour as thyself. |
| 40 | Pamirairo iyi miviri, murairo wese nevaporofita zvakaremberedzwa. | On these two commandments hang all the law and the prophets. |
| 41 | Zvino VaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza, | While the Pharisees were gathered together, Jesus asked them, |
| 42 | achiti: Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani? Vakati kwaari: WaDhavhidhi. | Saying, What think ye of Christ? whose son is he? They say unto him, The Son of David. |
| 43 | Akati kwavari: Ko Dhavhidhi wakagomutumidza sei muMweya kuti Ishe, achiti: | He saith unto them, How then doth David in spirit call him Lord, saying, |
| 44 | Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako? | The Lord said unto my Lord, Sit thou on my right hand, till I make thine enemies thy footstool? |
| 45 | Zvino kana Dhavhidhi achimuti Ishe, anova mwanakomana wake sei? | If David then call him Lord, how is he his son? |
| 46 | Zvino hakuna akagona kumupindura shoko; uye kwakange kusina munhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve. | And no man was able to answer him a word, neither durst any man from that day forth ask him any more questions. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL