마태복음 23장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 39절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Ipapo Jesu wakataura kuzvaunga nekuvadzidzi vake, | Then spake Jesus to the multitude, and to his disciples, |
| 2 | achiti: Vanyori neVaFarisi vagere pachigaro chaMozisi; | Saying, The scribes and the Pharisees sit in Moses’ seat: |
| 3 | saka zvese chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. | All therefore whatsoever they bid you observe, that observe and do; but do not ye after their works: for they say, and do not. |
| 4 | Nokuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemunwe wavo. | For they bind heavy burdens and grievous to be borne, and lay them on men’s shoulders; but they themselves will not move them with one of their fingers. |
| 5 | Asi mabasa avo ese vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo; | But all their works they do for to be seen of men: they make broad their phylacteries, and enlarge the borders of their garments, |
| 6 | vanoda chinzvimbo chakakwirira pazvirairo, nezvigaro zvemberi mumasinagoge, | And love the uppermost rooms at feasts, and the chief seats in the synagogues, |
| 7 | nekwaziso pamisika, nekunzi nevanhu: Rabhi*, Rabhi. | And greetings in the markets, and to be called of men, Rabbi, Rabbi. |
| 8 | Asi imwi musaidzwa Rabhi, nokuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mese muri hama. | But be not ye called Rabbi: for one is your Master, even Christ; and all ye are brethren. |
| 9 | Musaidza munhu panyika baba venyu; nokuti umwe ndiBaba venyu, ivo vari kumatenga. | And call no man your father upon the earth: for one is your Father, which is in heaven. |
| 10 | Musaidzwawo vadzidzisi; nokuti umwe ndiye Mudzidzisi wenyu, iye Kristu. | Neither be ye called masters: for one is your Master, even Christ. |
| 11 | Asi mukurusa pamuri achava muranda wenyu. | But he that is greatest among you shall be your servant. |
| 12 | Zvino ani nani anozvikwiridzira achaderedzwa; uye ani nani anozvideredza, achakwiridzirwa. | And whosoever shall exalt himself shall be abased; and he that shall humble himself shall be exalted. |
| 13 | Asi mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nokuti imwi hamupindi, zvekare hamutenderi vanopinda kupinda. | But woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! for ye shut up the kingdom of heaven against men: for ye neither go in yourselves, neither suffer ye them that are entering to go in. |
| 14 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa. | Woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! for ye devour widows’ houses, and for a pretence make long prayer: therefore ye shall receive the greater damnation. |
| 15 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana ava saizvozvo, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri. | Woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! for ye compass sea and land to make one proselyte, and when he is made, ye make him twofold more the child of hell than yourselves. |
| 16 | Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani anopika netembere, hachisi chinhu, asi ani nani anopika negoridhe yetembere, ane ngava. | Woe unto you, ye blind guides, which say, Whosoever shall swear by the temple, it is nothing; but whosoever shall swear by the gold of the temple, he is a debtor! |
| 17 | Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Goridhe, kana tembere inoita goridhe rive dzvene? | Ye fools and blind: for whether is greater, the gold, or the temple that sanctifieth the gold? |
| 18 | Uye: Ani nani anopika nearitari, hachisi chinhu; asi ani nani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ane ngava. | And, Whosoever shall swear by the altar, it is nothing; but whosoever sweareth by the gift that is upon it, he is guilty. |
| 19 | Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Chipo, kana aritari inoita chipo chive chitsvene? | Ye fools and blind: for whether is greater, the gift, or the altar that sanctifieth the gift? |
| 20 | Naizvozvo anopika nearitari, anopika nayo nezvese zviri pamusoro payo. | Whoso therefore shall swear by the altar, sweareth by it, and by all things thereon. |
| 21 | Neanopika netembere, anopika nayo, neanogara mairi. | And whoso shall swear by the temple, sweareth by it, and by him that dwelleth therein. |
| 22 | Neanopika nedenga, anopika nechigaro cheushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho. | And he that shall swear by heaven, sweareth by the throne of God, and by him that sitteth thereon. |
| 23 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopa chegumi cheminte* neadhiri* nekumini*, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Mutongo netsitsi nekutendeka; izvi zvakafanira kuita nekusarega zvimwe. | Woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! for ye pay tithe of mint and anise and cummin, and have omitted the weightier matters of the law, judgment, mercy, and faith: these ought ye to have done, and not to leave the other undone. |
| 24 | Vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera. | Ye blind guides, which strain at a gnat, and swallow a camel. |
| 25 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora. | Woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! for ye make clean the outside of the cup and of the platter, but within they are full of extortion and excess. |
| 26 | MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo. | Thou blind Pharisee, cleanse first that which is within the cup and platter, that the outside of them may be clean also. |
| 27 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda akadzudzurwa kuitwa machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemafupa evakafa netsvina yese. | Woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! for ye are like unto whited sepulchres, which indeed appear beautiful outward, but are within full of dead men’s bones, and of all uncleanness. |
| 28 | Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi. | Even so ye also outwardly appear righteous unto men, but within ye are full of hypocrisy and iniquity. |
| 29 | Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama, | Woe unto you, scribes and Pharisees, hypocrites! because ye build the tombs of the prophets, and garnish the sepulchres of the righteous, |
| 30 | muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita. | And say, If we had been in the days of our fathers, we would not have been partakers with them in the blood of the prophets. |
| 31 | Saka munopupura nezvenyu kuti muri vanakomana vevakauraya vaporofita. | Wherefore ye be witnesses unto yourselves, that ye are the children of them which killed the prophets. |
| 32 | Nemwi chizadzisai chiyero chemadzibaba enyu! | Fill ye up then the measure of your fathers. |
| 33 | Imwi nyoka, zvizvarwa zvezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena? | Ye serpents, ye generation of vipers, how can ye escape the damnation of hell? |
| 34 | Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita nevakachenjera nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta. | Wherefore, behold, I send unto you prophets, and wise men, and scribes: and some of them ye shall kill and crucify; and some of them shall ye scourge in your synagogues, and persecute them from city to city: |
| 35 | Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rese rakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakauraya pakati petembere nearitari. | That upon you may come all the righteous blood shed upon the earth, from the blood of righteous Abel unto the blood of Zacharias son of Barachias, whom ye slew between the temple and the altar. |
| 36 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvese zvichauya pamusoro pezera iri. | Verily I say unto you, All these things shall come upon this generation. |
| 37 | Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo muzasi memapapiro, asi hamuna kuda. | O Jerusalem, Jerusalem, thou that killest the prophets, and stonest them which are sent unto thee, how often would I have gathered thy children together, even as a hen gathereth her chickens under her wings, and ye would not! |
| 38 | Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo. | Behold, your house is left unto you desolate. |
| 39 | Nokuti ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni kubva zvino, kusvikira muchiti: Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe. | For I say unto you, Ye shall not see me henceforth, till ye shall say, Blessed is he that cometh in the name of the Lord. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL