마태복음 16장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 28절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | VaFarisi neVaSadhusi ndokuuya vachimuidza, vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. | The Pharisees also with the Sadducees came, and tempting desired him that he would shew them a sign from heaven. |
| 2 | Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwani munoti: Kunze kwakanaka; nokuti denga rakatsvuka. | He answered and said unto them, When it is evening, ye say, It will be fair weather: for the sky is red. |
| 3 | Uye mangwanani munoti: Nhasi kunze kwakaipa; nokuti denga rakatsvuka richikwidibira. Vanyepedzeri, munoziva kuparadzanisa mamiriro edenga, asi hamugoni kuparadzanisa zviratidzo zvenguva here? | And in the morning, It will be foul weather to day: for the sky is red and lowring. O ye hypocrites, ye can discern the face of the sky; but can ye not discern the signs of the times? |
| 4 | Zera rakaipa uye rinofeva richitsvaka chiratidzo; asi haripiwi chiratidzo, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Ndokuvasiya, akaenda. | A wicked and adulterous generation seeketh after a sign; and there shall no sign be given unto it, but the sign of the prophet Jonas. And he left them, and departed. |
| 5 | Zvino vadzidzi vakati vasvika mhiri, vakakanganwa kutora zvingwa. | And when his disciples were come to the other side, they had forgotten to take bread. |
| 6 | Zvino Jesu akati kwavari: Onai mungwarire mbiriso yeVaFarisi neVaSadhusi. | Then Jesus said unto them, Take heed and beware of the leaven of the Pharisees and of the Sadducees. |
| 7 | Vakarangana pakati pavo vachiti: Unodaro nokuti hatina kutora zvingwa. | And they reasoned among themselves, saying, It is because we have taken no bread. |
| 8 | Zvino Jesu azviziva akati kwavari: Imwi verutendo rudiki, nemhaka yei muchirangana pakati penyu kuti hamuna kutora zvingwa? | Which when Jesus perceived, he said unto them, O ye of little faith, why reason ye among yourselves, because ye have brought no bread? |
| 9 | Muchigere kunzwisisa here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvevanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakanonga? | Do ye not yet understand, neither remember the five loaves of the five thousand, and how many baskets ye took up? |
| 10 | Kana zvingwa zvinomwe zvevanezvuru zvina, uye matengu mangani amakanonga? | Neither the seven loaves of the four thousand, and how many baskets ye took up? |
| 11 | Hamunzwisisi sei, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti mungwarire mbiriso yeVaFarisi neVaSadhusi? | How is it that ye do not understand that I spake it not to you concerning bread, that ye should beware of the leaven of the Pharisees and of the Sadducees? |
| 12 | Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yechingwa, asi dzidziso yeVaFarisi neVaSadhusi. | Then understood they how that he bade them not beware of the leaven of bread, but of the doctrine of the Pharisees and of the Sadducees. |
| 13 | Jesu wakati asvika kumativi eKesariya yeFiripi, akabvunza vadzidzi vake, achiti: Vanhu vanoti ini Mwanakomana wemunhu ndini ani? | When Jesus came into the coasts of Cesarea Philippi, he asked his disciples, saying, Whom do men say that I the Son of man am? |
| 14 | Ndokubva vati: Vamwe vanoti Johwani Mubhabhatidzi, uye vamwe Eria, vamwewo Jeremiya, kana umwe wevaporofita. | And they said, Some say that thou art John the Baptist: some, Elias; and others, Jeremias, or one of the prophets. |
| 15 | Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? | He saith unto them, But whom say ye that I am? |
| 16 | Zvino Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu. | And Simon Peter answered and said, Thou art the Christ, the Son of the living God. |
| 17 | Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa, Simoni mwanakomana waJona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzarurira izvozvo, asi Baba vangu vari kumatenga. | And Jesus answered and said unto him, Blessed art thou, Simon Bar–jona: for flesh and blood hath not revealed it unto thee, but my Father which is in heaven. |
| 18 | Neni ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, uye pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, nemasuwo egehena* haangaikundi. | And I say also unto thee, That thou art Peter, and upon this rock I will build my church; and the gates of hell shall not prevail against it. |
| 19 | Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga. | And I will give unto thee the keys of the kingdom of heaven: and whatsoever thou shalt bind on earth shall be bound in heaven: and whatsoever thou shalt loose on earth shall be loosed in heaven. |
| 20 | Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Jesu iye Kristu. | Then charged he his disciples that they should tell no man that he was Jesus the Christ. |
| 21 | Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza kuvadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema, uye kutambudzika zvizhinji zvichibva kuvakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu. | From that time forth began Jesus to shew unto his disciples, how that he must go unto Jerusalem, and suffer many things of the elders and chief priests and scribes, and be killed, and be raised again the third day. |
| 22 | Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngazvirege kutongoitika kwamuri, Ishe; izvi hazvingatongoitiki kwamuri. | Then Peter took him, and began to rebuke him, saying, Be it far from thee, Lord: this shall not be unto thee. |
| 23 | Asi iye wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu. | But he turned, and said unto Peter, Get thee behind me, Satan: thou art an offence unto me: for thou savourest not the things that be of God, but those that be of men. |
| 24 | Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana ani nani achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. | Then said Jesus unto his disciples, If any man will come after me, let him deny himself, and take up his cross, and follow me. |
| 25 | Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu achahuwana. | For whosoever will save his life shall lose it: and whosoever will lose his life for my sake shall find it. |
| 26 | Nokuti munhu anobatsirwei kana akawana nyika yese, akarasikirwa nemweya wake? Kana munhu achapei chive muripo wemweya wake? | For what is a man profited, if he shall gain the whole world, and lose his own soul? or what shall a man give in exchange for his soul? |
| 27 | Nokuti Mwanakomana wemunhu achauya mukubwinya kwaBaba vake nevatumwa vake, ipapo achapa mubairo umwe neumwe zvichienderana nebasa rake. | For the Son of man shall come in the glory of his Father with his angels; and then he shall reward every man according to his works. |
| 28 | Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingatongoraviri rufu kusvikira vaona Mwanakomana wemunhu achiuya muushe hwake. | Verily I say unto you, There be some standing here, which shall not taste of death, till they see the Son of man coming in his kingdom. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL