로그인

마태복음 15장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 39절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Ipapo kwakauya kuna Jesu vanyori neVaFarisi vachibva kuJerusarema vachiti: Then came to Jesus scribes and Pharisees, which were of Jerusalem, saying,
2 Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika yevakuru? Nokuti havashambi maoko avo kana vachidya chingwa. Why do thy disciples transgress the tradition of the elders? for they wash not their hands when they eat bread.
3 Asi akapindura akati kwavari: Nemhaka yei imwiwo muchidarika murairo waMwari nekuda kwetsika yenyu? But he answered and said unto them, Why do ye also transgress the commandment of God by your tradition?
4 Nokuti Mwari wakaraira achiti: Kudza baba namai vako; uye kuti: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu. For God commanded, saying, Honour thy father and mother: and, He that curseth father or mother, let him die the death.
5 Asi imwi munoti: Ani nani anoti kuna baba kana kuna mai: Chipi nechipi chaungabatsirwa neni chibairo, But ye say, Whosoever shall say to his father or his mother, It is a gift, by whatsoever thou mightest be profited by me;
6 naizvozvo haatongokudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo mashayisa murairo waMwari maturo netsika yenyu. And honour not his father or his mother, he shall be free. Thus have ye made the commandment of God of none effect by your tradition.
7 Vanyepedzeri, Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu achiti: Ye hypocrites, well did Esaias prophesy of you, saying,
8 Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemuromo wavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo uri kure neni. This people draweth nigh unto me with their mouth, and honoureth me with their lips; but their heart is far from me.
9 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dziri mirairo yevanhu. But in vain they do worship me, teaching for doctrines the commandments of men.
10 Zvino akadanira chaunga kwaari, akati kwavari: Teererai munzwisise. And he called the multitude, and said unto them, Hear, and understand:
11 Hazvisi zvinopinda mumuromo zvinosvibisa munhu; asi izvo zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu. Not that which goeth into the mouth defileth a man; but that which cometh out of the mouth, this defileth a man.
12 Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti VaFarisi vakati vachinzwa shoko iri vakagumbuka here? Then came his disciples, and said unto him, Knowest thou that the Pharisees were offended, after they heard this saying?
13 Asi wakapindura akati: Chinomera chimwe nechimwe Baba vangu vekudenga chavasina kudzvara chichadzurwa. But he answered and said, Every plant, which my heavenly Father hath not planted, shall be rooted up.
14 Varegei; vatungamiriri vakapofumara vemapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ari maviri. Let them alone: they be blind leaders of the blind. And if the blind lead the blind, both shall fall into the ditch.
15 Petro akapindura akati kwaari: Tidudzirei mufananidzo uyu. Then answered Peter and said unto him, Declare unto us this parable.
16 Zvino Jesu akati: Imwiwo muchiri vasinganzwisisi nhai? And Jesus said, Are ye also yet without understanding?
17 Nazvino hamunzwisisi here, kuti zvese zvinopinda mumuromo zvinoenda mudumbu, uye zvinoraswa kunze? Do not ye yet understand, that whatsoever entereth in at the mouth goeth into the belly, and is cast out into the draught?
18 Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo; izvo zvinosvibisa munhu. But those things which proceed out of the mouth come forth from the heart; and they defile the man.
19 Nokuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, umhondi, ufeve, upombwe, umbavha, uchapupu hwenhema, kunyomba. For out of the heart proceed evil thoughts, murders, adulteries, fornications, thefts, false witness, blasphemies:
20 Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kushambwa hazvisvibisi munhu. These are the things which defile a man: but to eat with unwashen hands defileth not a man.
21 Zvino Jesu wakabvapo akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni. Then Jesus went thence, and departed into the coasts of Tyre and Sidon.
22 Zvino tarira, mukadzi muKenani wakabva kumiganhu iyo akadanidzira kwaari achiti: Ndinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mukunda wangu wakabatwa zvakaipa nedhimoni. And, behold, a woman of Canaan came out of the same coasts, and cried unto him, saying, Have mercy on me, O Lord, thou Son of David; my daughter is grievously vexed with a devil.
23 Asi haana kumupindura shoko. Vadzidzi vake ndokuuya kwaari vakamukumbirisa vachiti: Muindisei, nokuti anodanidzira shure kwedu. But he answered her not a word. And his disciples came and besought him, saying, Send her away; for she crieth after us.
24 Asi wakapindura akati: Handina kutumwa zvimwe, kunze kwekumakwai akarasika eimba yaIsraeri. But he answered and said, I am not sent but unto the lost sheep of the house of Israel.
25 Zvino akauya akamunamata achiti: Ishe, ndibatsirei. Then came she and worshipped him, saying, Lord, help me.
26 Asi wakapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chevana ndokukandira imbwanana. But he answered and said, It is not meet to take the children’s bread, and to cast it to dogs.
27 Asi iye akati: Hongu, Ishe, asi nembwanana dzinodya zvezvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo. And she said, Truth, Lord: yet the dogs eat of the crumbs which fall from their masters’ table.
28 Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, rutendo rwako rukuru! Ngazvive kwauri sezvaunoda. Mukunda wake akaporeswa kubva panguva iyo. Then Jesus answered and said unto her, O woman, great is thy faith: be it unto thee even as thou wilt. And her daughter was made whole from that very hour.
29 Jesu ndokubva ipapo akauya parutivi rwegungwa reGarirea; akakwira mugomo, akagara ipapo. And Jesus departed from thence, and came nigh unto the sea of Galilee; and went up into a mountain, and sat down there.
30 Zvino zvaunga zvikuru zvakauya kwaari zvine mhetamakumbo, mapofu, zvimumumu, zvirema, nevamwe vazhinji, vakavakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa; And great multitudes came unto him, having with them those that were lame, blind, dumb, maimed, and many others, and cast them down at Jesus’ feet; and he healed them:
31 zvekuti zvaunga zvakashamisika zvichiona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvakagwinya, vanokamhina vachifamba, nemapofu achiona; vakarumbidza Mwari waIsraeri. Insomuch that the multitude wondered, when they saw the dumb to speak, the maimed to be whole, the lame to walk, and the blind to see: and they glorified the God of Israel.
32 Jesu ndokudanira vadzidzi vake kwaari akati: Ndinonzwa tsitsi nechaunga, nokuti vakagara neni zvino mazuva matatu vasina chinhu chekudya, uye handidi kuvaindisa vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira. Then Jesus called his disciples unto him, and said, I have compassion on the multitude, because they continue with me now three days, and have nothing to eat: and I will not send them away fasting, lest they faint in the way.
33 Vadzidzi vake ndokuti kwaari: Tichawanepi zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chikuru chakadai? And his disciples say unto him, Whence should we have so much bread in the wilderness, as to fill so great a multitude?
34 Jesu ndokuti kwavari: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe, nehove diki shomanene. And Jesus saith unto them, How many loaves have ye? And they said, Seven, and a few little fishes.
35 Ndokuraira zvaunga kuti zvigare pasi pavhu. And he commanded the multitude to sit down on the ground.
36 Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa chaunga. And he took the seven loaves and the fishes, and gave thanks, and brake them, and gave to his disciples, and the disciples to the multitude.
37 Vakadya vese vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu manomwe azere. And they did all eat, and were filled: and they took up of the broken meat that was left seven baskets full.
38 Zvino avo vakadya vakange vari varume zvuru zvina pasina vakadzi nevana. And they that did eat were four thousand men, beside women and children.
39 Zvino wakati aregera zvaunga zvichienda, akapinda muchikepe, akasvika kumiganhu yeMagidhara. And he sent away the multitude, and took ship, and came into the coasts of Magdala.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL