로그인

마태복음 17장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 27절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino shure kwemazuva matanhatu Jesu wakatora Petro naJakobho naJohwani munin'ina wake, akavakwidza mugomo refu vari vega. And after six days Jesus taketh Peter, James, and John his brother, and bringeth them up into an high mountain apart,
2 Zvino akashandurwa chimiro pamberi pavo, uye chiso chake chikapenya sezuva, nenguvo dzake dzikachena sechiedza. And was transfigured before them: and his face did shine as the sun, and his raiment was white as the light.
3 Zvino tarira, kwakaonekwa kwavari Mozisi naEria vachitaura naye. And, behold, there appeared unto them Moses and Elias talking with him.
4 Zvino Petro akapindura akati kuna Jesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ngatiite pano matumba matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria. Then answered Peter, and said unto Jesus, Lord, it is good for us to be here: if thou wilt, let us make here three tabernacles; one for thee, and one for Moses, and one for Elias.
5 Wakati achataura, tarira, gore rinopenya rakavadzikatira; uye tarira, inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo; inzwai iye. While he yet spake, behold, a bright cloud overshadowed them: and behold a voice out of the cloud, which said, This is my beloved Son, in whom I am well pleased; hear ye him.
6 Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawa nechiso chavo, vakatya zvikuru. And when the disciples heard it, they fell on their face, and were sore afraid.
7 Asi Jesu akaswedera akavabata, akati: Simukai, musatya. And Jesus came and touched them, and said, Arise, and be not afraid.
8 Vakati vachisimudza meso avo, havana kuona munhu, kunze kwaJesu chete. And when they had lifted up their eyes, they saw no man, save Jesus only.
9 Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, achiti: Musaudza munhu chiratidzo ichi, kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa. And as they came down from the mountain, Jesus charged them, saying, Tell the vision to no man, until the Son of man be risen again from the dead.
10 Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Vanyori vanogotaurirei vachiti Eria anofanira kutanga kuuya? And his disciples asked him, saying, Why then say the scribes that Elias must first come?
11 Jesu akapindura akati kwavari: Eria achatanga kusvika zvirokwazvo, achavandudza zvinhu zvese. And Jesus answered and said unto them, Elias truly shall first come, and restore all things.
12 Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira zvese zvavakada; saizvozvowo Mwanakomana wemunhu achatambura navo. But I say unto you, That Elias is come already, and they knew him not, but have done unto him whatsoever they listed. Likewise shall also the Son of man suffer of them.
13 Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakataura kwavari zvaJohwani Mubhabhatidzi. Then the disciples understood that he spake unto them of John the Baptist.
14 Vakati vasvika kuchaunga, kwakauya kwaari munhu, akamufugamira, achiti: And when they were come to the multitude, there came to him a certain man, kneeling down to him, and saying,
15 Ishe, donzwirai mwanakomana wangu tsitsi, nokuti ane zvipusha, anotambudzika kwazvo; nokuti kazhinji anowira mumoto, kazhinji mumvura. Lord, have mercy on my son: for he is lunatick, and sore vexed: for ofttimes he falleth into the fire, and oft into the water.
16 Uye ndakamuuisa kuvadzidzi venyu, asi havana kugona kumuporesa. And I brought him to thy disciples, and they could not cure him.
17 Jesu akapindura akati: Haiwa zera risina rutendo nerakakombama, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuisei pano pandiri. Then Jesus answered and said, O faithless and perverse generation, how long shall I be with you? how long shall I suffer you? bring him hither to me.
18 Zvino Jesu akaritsiura, dhimoni rikabuda kwaari, mwana akaporeswa kubva panguva iyo. And Jesus rebuked the devil; and he departed out of him: and the child was cured from that very hour.
19 Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari vega, vakati: Isu takange tisingagoni nei kuribudisa? Then came the disciples to Jesus apart, and said, Why could not we cast him out?
20 Jesu akati kwavari: Nemhaka yekusatenda kwenyu. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana mune rutendo rwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; uye richabva; uye hakuna chinhu chingakukonai. And Jesus said unto them, Because of your unbelief: for verily I say unto you, If ye have faith as a grain of mustard seed, ye shall say unto this mountain, Remove hence to yonder place; and it shall remove; and nothing shall be impossible unto you.
21 Asi zera iri haribudi kunze chete nekunyengetera nekutsanya. Howbeit this kind goeth not out but by prayer and fasting.
22 Zvino vachakagara muGarirea, Jesu wakati kwavari: Mwanakomana wemunhu obva okumikidzwa mumaoko evanhu, And while they abode in Galilee, Jesus said unto them, The Son of man shall be betrayed into the hands of men:
23 uye vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswa. Uye vakashurukirwa zvikuru. And they shall kill him, and the third day he shall be raised again. And they were exceeding sorry.
24 Zvino vakati vachisvika Kapenaume, vaigamuchira mutero vakauya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haateri here? And when they were come to Capernaum, they that received tribute money came to Peter, and said, Doth not your master pay tribute?
25 Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akamutangira achiti: Unofungei Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo kana mutero kuna vana ani? Kuvanakomana vavo kana kuvatorwa? He saith, Yes. And when he was come into the house, Jesus prevented him, saying, What thinkest thou, Simon? of whom do the kings of the earth take custom or tribute? of their own children, or of strangers?
26 Petro akati kwaari: Kuvatorwa. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka. Peter saith unto him, Of strangers. Jesus saith unto him, Then are the children free.
27 Asi kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore uvape, ive yangu neyako. Notwithstanding, lest we should offend them, go thou to the sea, and cast an hook, and take up the fish that first cometh up; and when thou hast opened his mouth, thou shalt find a piece of money: that take, and give unto them for me and thee.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL